Svetukira kuzviiswa zvikuru
Mufananidzo weguta ramangwana uchimirira nharaunda yeEthereum.

Tinokugamuchira kuEthereum

Puratifomu yemberi inowanikwa maapu ekuitisa hudobidobi uye ine manetiweki emakambani makuru

Utande

Chii chinonzi Ethereum?

Ethereum inetwork yeblockchain yakaganhurwa, yakavhurika, uye puratifomu yekuvandudza software, inofambiswa necryptocurrency ether (ETH). Ethereum ndiyo hwaro hwakachengeteka, hwepasi rose hwechizvarwa chitsva chemaapplication asingamisiki.

Network yeEthereum yakavhurikira munhu wese: hapana mvumo inodiwa. Haina muridzi, uye inovakwa nekuchengetedzwa nezviuru zvevanhu, masangano, nevashandisi pasi rese.

Mienzaniso emashandisirwo

Nzira itsva yekushandisa indaneti

Mari yedhijitari yekushandisa mazuva ese

Stablecoins imari dzinochengetedza mutengo wakadzikama, wakafananidzwa nemidziyo yakatsiga sedhora rekuAmerica. Wana mabhadharo epasi rese ipapo ipapo kana kuchengetedza kukosha mumadhora edhijitari paEthereum.

Wana stablecoins

Sisitimu yezvemari yakavhurikira vese

Kwereta, kweretesa, wana mubereko, nezvimwe, pasina account yekubhangi. Sisitimu yezvemari yakaganhurwa yeEthereum yakavhurika 24/7 kune chero munhu ane internet.

Cherechedza DeFi

Indaneti

Mazana emaLayer 2 networks akavakirwa paEthereum. Nakidzwa nemari shoma yekubhadhara uye kutengeserana kunenge kuri ipapo-nepapo uchibatsirwa nekuchengetedzwa kweEthereum kwakaratidzwa.

Wana maLayer 2s

MaApp anoremekedza zvakavanzika zvako

MaApp akavakirwa paEthereum anoshanda pasina kutengesa data rako. Kubva pasocial media kuenda kumitambo kusvika kubasa, shandisa account imwe chete kune yese app itsva uchichengetedza zvakavanzika zvako nekuwana.

Tsvaga maapu paindaneti

Indaneti yezvinhu

Kubva kuhunyanzvi kuenda kuzvivakwa nemasheya, chero chinhu chinokosha chinogona kuitwa tokeni paEthereum kuratidza nekuonesa muridzi padhijitari. Tenga, tengesa, chinjana, uye gadzira zvinhu zvinokosha nezvinounganidzwa—chero nguva, chero kupi.

Zvizere panyaya yeNFTs
Token

Chii chinonzi ETH?

Ether (ETH) ndiyo cryptocurrency yemuno inofambisa network yeEthereum, inoshandiswa kubhadhara mari yekutengeserana nekuchengetedza blockchain kuburikidza nekustake.

Kunze kwebasa rayo rehunyanzvi, ETH imari yedhijitari yakavhurika, inogoneka. Inoshandiswa pakubhadhara kwepasi rose, sechibatiso chezvikwereti, uye senzvimbo yekuchengetera kukosha isingavimbi nechero sangano repakati.

US$2,925.87
Mutengo weETH weparizvino (USD)
Chiitiko

Kudyidzana kwakasimba

Ethereum ndiyo puratifomu inotungamira yekupa, kutonga, uye kugadzirisa midziyo yedhijitari. Kubva pamari yakaitwa tokeni uye zviridzwa zvemari kuenda kumidziyo chaiyo yenyika nemisika iri kusimukira, Ethereum inopa hwaro hwakachengeteka, husina kwarunomira hwehupfumi hwedhijitari.

Zviitiko paEthereum Mainnet neLayer 2 networks

US$ 140.1G
Hukoshi hwavharirwa muDeFi 
US$ 104.3G
Koshesa kuchengetedza Ethereum 
US$0.0056
Mutengo uri paavhareji wekufambiswa kwemari pakubhadharana 
16.01M
Kubhadharana kwaitwa mumaawa 24 apfuura 
Tsika

Indaneti iri kuchinja

Iva pachikamu chekuitwa kwezvinhu pachishandiswa makombiyuta

Vavaki

Vavaki vakuru vevanoshandidzana nekambani

Ethereum ndiyo nzvimbo yevagadziri vakuru uye vakakurumbira vemaapu vepaWEb3. Shandisa JavaScript uye Python, kana kuti dzidza mutauro unoshandiswa pamakondirakiti wakadai seSolidity kana kuti Vyper pakunyora zvine chokuita neapu yako.

Mienzaniso yemakodhi

Nhau dzeEthereum

Zvichangobva kutumirwa pa-blog uye mashoko achangobva kupiwa nevanoishandisa

Zviitiko zveEthereum

Vanoshandisa Ethereum vanova nezviitiko pasi rose, gore rese