BE
•T°RA
•Y•ED
°•
Chinyorwa cheShona
Written by:
Phahleni M
+27641807992
And
Mun Bonza
+27625654545
________________
Chapter 1
Zvayiita sezvinosetsa, sezvinochemedza
pamwe nekunzwisa tsitsi nekuda kwehupenyu
hwairaramwa nemwana komana wemutema.
Nezera raanga achiri zvaisazodawo kuti ave ari
pahupenyu hwaairarama. Anga agere zvake
mujinga memugwagwa ari mangwanani
kuchitonhora zvekutonhora zviya zvekuti waiti
kana ukagara panzvimbo imwechete sezvaanga
akaita iye waigona kubata musoro wowana
mave nechando (snow) chakachena zvekuti
vhudzi raigona kuvhunika sezvinoita huni
dzetsotso. Yaiva nguva yechando muna
Chikunguru (July) oenda kunopera twumhepo
twanga twotanga kuvhuvhuta sezvo kwainge
koendwa mumwedzi wa nyamavhuvhu
(August). Mumwe murume aitobvawo kubhawa
abva kunorova chinonzi nevana veku South
Africa (chilala) anga aedzerwa zvake oenda
kumba kwake ari mumotikari yake apo paakati
oda kupfuura panga pagere mwana komana
wechidiki uyo wemakore anokwana kuita iwo
gumi nemashanu (15) Paakamuona akabva
amisa motikari yake kwave kuridza bhera asi
haana kucheuka kana kuvhunduka zvake
mwanakomana. Akaburuka mumota murume
uye ndokuenda paanga agere ndokusvikoti
kwaari "Iwe asi uri zombie kani?" Akadaro
murume uye akamira pedyo nekamukomana
aka. Haana mhinduro yaakawana kakaramba
kanyerere, iye aifunga kuti zvimwe kamupfana
aka kumunyararira nekusada kutaura naye,
akabva atendeuka kudzoka kumota yake.
Akasvika akapinda ndokutaura ega "Yaaa
kamupfana kakashinga aka munzvimbo ino
chaiyo nguva dzino katori panze hakatyi
matsotsi zvese nechando kakanyanya aka
ndaifanira kunge ndakapa sando dzako."
Akadaro murume uye achibairira key pamota
zvese nekuimutsa kamwechete nekuisimudza
kuenda.
Atifambei kanhambo haana kure kwaakasvika
pfungwa dzakauya kwaari. Akafunga kuti ko
zvandasiya kamupfana ako kasina zvakataura
ko kana kakabatwa nechando kasingachagoni
kutaura? Akazvibvunza mubvunzo iwoyu hauna
kubva mupfungwa dzake. Akabva akonesa
mota yake kudzoka kwaanga asiya kamupfana
kaye akawana karipo akabuda mumota
ndokuenda pakari akasvikomira mberi kwako
ndokupfugama kutarisa kumeso. Akaona
kachibwaira kuratidza kuti kakasvinura "ko
nhaiwe asi hautauri?" Akabvunza zvakare anga
ava nekushushikana maari. Iko kamupfana aka
kaiedza kuda kumuonesa kuti chando ndicho
chakabata asi kaitadza. Murume uye haana
kuda kuverengera akarovera moyo padombo
sezvo aityira hwakewo hupenyu akachisimudza
kundochipinza mumota, akazviudza kuti chese
chauya chichamuona uye akazviudza kuti
hapana paangarega mweya wamwari
uchitambudzika.
Akatyaira motikari yake akananga kumba
chaiko achisvika pamba pake akasiya mota
muimba yayo ndokutakura kamukomana kaye
akananga nako muimba inodziya inemoto
wembaura. Akasviko ka garisa pasofa rake iye
semunhu anga abva kunodhakwa akananga
kuimba yekugezera ndokusviko geza muviri
apedza akaita zvese zvinoitwa kana munhu
achinge apedza kugeza. Zvadaro apedza zvese
akadzoka kuimba yaanga asiya kamupfana
kaye, akawana karipo iko pakakanzwa kufamba
kwemunhu kachibva kacheuka zvinova zvinhu
zvakaitadza panguva yakanhungwa mujinga
memugwagwa. Murume akasvika pakanga
kagere ndokugara paside pako akakatarisa
mumaziso chaimo. Iko kakatanga kubuda
misodzi zvinopisa tsitsi zvekuti dai murume uyu
ari mukadzi nayewo aigona kuchemawo apa
asingazivi chaari kuchema chacho kuri kunzwa
tsitsi. Ipapo ndipo paakaziva kuti mwana anga
apindwa nechando, haana kuramba akakatarisa.
Akasimuka ndokuenda kuimba yekubika
ndokusvikoita svutu gadzike, apedza
akanokapa kuti kamwe. Kakaitambira nemaoko
maviri kakatanga kuimwa, iye murume uye
ainge obira kukatarisa kuri kukatyira kuti
zvimwe kangachema futi. Ayikacheuka nedivi
reziso kachimwa zvako kasingamhanyi, kakati
kotanga kudikitira ndofunga chando chainge
chopera mukati mako.
Kapedza kumwa svutu gadzike iye akatora
chimwirwa chake akanodzosera muimba
yekubikira ndokudzoka zvakare kune
kamukomana kaye. Iye chaainge oda kuziva
kuti kamwana aka kambobvepi uye baba
naamai vako varipi? Zvakare sei kanga
kakagara mujinga memugwagwa uku kasina
kusimira zvinodziya? Akazvibvunza mibvunzo
yakawanda yaifanirwa kupindurwa
nekamukomana ikako. Akagara pedyo nako
akatarisa kuterevhizheni yake ndokutanga
kutaura nako asina kukatarisa "Ini ndinonzi
Chamavhudzi unogona kundidana kuti Chama,
ndinogara pano ndiri one. Ko iwewe unonzi
ani?" Akabvunza Chama asi haana mhinduro
yaakawana kamupfana kakaramba kanyerere
kakamutarisa asi iye asina kukatarisa. Iko
kakabva kamukwenya kuti akatarise,
akakatarisa kachibva kamuitira masaini ekuti
akape pekunyora. Akasimuka ndokunotora
pekunyora zvese nechinyoreso chacho akakapa
kakatambira kachibva kanyora pakanzi
{Chuvukelo Masingita} zvaiva pachena kuti
ndiro raiva zita rako zvese nemutupo.
Iye akabva agutsirira musoro haana kuzoda
kuwanza nyaya nekuti akaona kuti munhu
wacho haabudisi manzwi. Vakaona terevhizhani
vari vaviri kusvika murume uye abatwa nehope
akagara pasofa paye. Kamukomana kakazviona
kuti mukuru vari kushungurudzwa nehope
kakavakwenya vakamuka kachibva kavapa saini
yekuti vanorara. Murume akasimuka akanorara,
akarara kwekanguva sezvo anga ari munhu
anga abva kudoro kwaakarara. Akazomutswa
nehope dzaanga arota idzo dzakamu vhundutsa
onzwa kurira kwepfuti paakamuka akaenda
kuimba yaanga asiya kamukomana kaye
akawana kuriko kuri kurira pfuti pamwe
nemitsindo yezvibhakera nemambama,
kamupfana kanga kakaokera firimu rairidzwa
pfuti zvakaipa richirohwa vanhu zvakaipa.
Akasvika akamira paasingaonekwi
nekamupfana aka, aikaona kachiratidza
kunakirwa nezvakaiona paterevhizheni yake
kaiita kunyemwerera kachiona munhu
wakaifarira achibudirira pahondo
yepaterevhizheni ipapo. Akafamba akanogarao
akatanga kuona nako naye anga onakirwawo
naro firimu ravaiona chero hake aisaziva
paratangira.
Akazobva firimu rapera ondobika, akabika
achifunga kuti odii nekamupfana aka sezvo
aisaziva kuti kamwana kani, kabvepi, vabereki
vako varipi uye kumusha kwako ndekupi?
Apedza kubika vaviri vakadya chikafu vapedza
akafunga kubuda kuenda kumba kweshamwari
yake "Chuvu ini ndombobuda iwewe sara pano
usabuda ndodzoka" akadaro iko kakagutsurira
musoro kureva kanga kanzwa zvakanga
kaudzwa. Akabuda murume ndokutanga
kufamba akananga kudhorobha raiva pedyo
navo rainzi Vhumani Town raisava dhorobha
rakakura zvakanyanya kaiva kadiki asi kazere
nehuipi. Asvika mutown ave kuda kubuda
mumota nhare yake yakabva yarira aiva sahwira
wake "mumwe wangu" akadavira achidaro
Chama achibuda mumota kufamba kuenda
mushop yaitengeswa hwahwa.
"Uri sei Chama Chama?" Akadaro sahwira wake.
"Ndiri boe wangu uripo here pamba?"
"Yes ndiripo wangu ko iwe uripi?
"Ndiri mutown ndiri kuuya kumba kwako manje
manje" akadaro Chama.
Akafamba achitaura nemumwe wake akananga
mushop. Ati fambei akabva adhumwa
nharembozha yake ichibva yadonha pasi.
Akainhunga ndokuona yatsemuka akatarisa
munhu amudhuma wacho kwave kuona ari uno
musikana akanaka zvinomwisa mvura, anga
akanaka mwana sikama kunaka zvekuti waiti
ukamutarisa chero wakatsamwa
wainyemwerera "Oooh ruregerero mukoma
wangu ndanga ndisina kuona kuti kuri kuuya
munhu ndanga ndiri panharewo" akadaro
musikana uye nayewo achinhunga nhare yake
yanga yadonha. "Hapana chakaipa itsaona
yaitika, neniwo ruregerero ndadonhedza nhare
yenyu" akadaro Chamavhudzi asi kutaura
chokwadi iye mumoyo anga arwadziwa
nekutsemuka kwanga kwaita nhare yake.
"Maita basa" akadaro musikana uye ave
kufamba kuenda. Chamavhudzi akasara
akamira akamuyeva neziso rinekuchiva,
akamuperekedza neziso kunosvika anopinda
mumota yake. Musikana akazviona asi haana
kuda kuzviratidza, iye nechemumoyo aitoziva
kuti atora moyo waChama. Akamutsa motikari
yake akaenda. Chamavhudzi ndipo paakasara
opinda mushop akatenga zvaaida kutenga
ndokudzokera kumota yake. Akabva
mudhorobha akananga kumba kwasahwira
wake, haana nguva yakareba yaakatora anga
atosvika akawana gedhe rakavharwa akavhura
ranga risina zvaro kukiyiwa. Akapinda mukati
akasvika pamukova paakati oda kugogodza
goni akabva anzwa ruzha rwevanhu varikuita
mabasa evakuru anowanzoitwa husiku. Haana
kuzogogodza akaziva kuti sahwira vanenge
varikusika vana.
End of Chapter
Chapter 2
Akadzokera mumotikari yake Chamavhudzi
ndokusviko gara akabata mbozhanhare yake.
Akashanyirwa nepfungwa dzekuda kunyorera
sahwira wake tsamba yemufoni yekuti kana
achinge apedza zvaanga achiita azotaura
awane kupinda. Akaita sekudaro, ukuwo
sahwira wake ari mubishi kusika vana
nemudzimai wake akanzwa nharembozha yake
ichirira kureva kuti tsamba ya Chama yanga
yapinda munhare yake. Sahwira haana kumira
zvaaiita nekuti anga ave kudenga rechinomwe
adziya ave pedyo kutambidza adzimai mbeu
yake.
Vaviri vapedza mutambo ndipo sahwira
waChama paakavhura nhare yake achibva
asangana netsamba kubva kuna chama. "Kana
mapedza mutambo wenyu mundiudzeo
ndiwane kupinda" yanga yakanyorwa sekudaro
tsamba yacho. Sahwira akabva aziva kuti
mutambo wavanga vachitamba wanzwikwa
naChama. Akanogeza naadzimai vake Chama
akasiya amupindura kuti aizomuudz kuti apinde
kana achinge apedza kugeza. Chama haana
kuora moyo akaramba agere hake kumota yake
sezvo aiziva kuti iye ndiye arikuda rubatsiro
kumumwe wake, uye kaisava kazhinji kuti abve
kumba kwake achiti arikuda kunoona mumwe
wake odzoka asina kumuona. Aitomutsvaka
kusvika amuwana chete kana zvichinzi anenge
amushaya. Anga agere zvake mumota make
achimwa hwahwa hwaanga atenga huchiita
kuderera sanike huchi huchangoburwa.
Ati garei kanguva ndipo paakazonzi nasahwira
wake ngaachipinda. Akapinda akawana mumwe
wake akagara zvake naadzimai vake "Sahwira
wangu mukuru munosimba here akoma?"
Akamhoresa achidaro Chama sezvo anga ari
mudiki kuna sahwira wake pamakore asi
kubasa ravo ariye mukuru kungoti aingova
munhu anga aine ruremekedzo kubva kudhara.
"Ndinosimba mumwe wangu kurisei kwabviwa
madai kubata zvinodhaka kwakanaka here
kuseni uno?" Akadaira nemubvunziwo sahwira.
"Kwani ingori bhabharazi yandibata ndati
ndimboipungudza handi munoziva here kuti
nguva yanga yareba" akadaro Chama. Vaviri
vakaita nyaya mushure mekunge vapedza
kumhoresana, adzimai vaasahwira vakasimuka
kuenda kuimba yavo yekurara vaida kupa
varume vavo mukana wekutaura nyaya sezvo
vaiziva kuti pavanoita nyaya havadi munhu
wechikadzi.
Pakangobuda madzimai vaasahwira Chama
akabva apinza nyaya yaanga afambira "Mumwe
wangu uchiona ndasvika pano nguva dzino
ndine zviri kundinetsa saka ndirikuda rubatsiro
kubva kwauri, handika unoziva ndiwe sahwira
wangu mukuru uye wepedyo?" akadaro Chama
achibva ambonyarara ndokutakura bhodhoro
rake kwave kutanga kudhudhudzira hwahwa
hwake uho hwechimanje manje husinganwiwe
kazhinji nevane vakadzi hanzi hunopedza sika
rudzi simba kana muchinge masvika kunguva
dziye dzehusiku dzebonde, zita handizokuudziyi
vamwe mungapera mari nekuritsvaka. Sahwira
wa Chama anozikanwa nezita rekunzi Zazati
uye ari munhu wechikuru aifarira zvikuru
kutsiura munhu upi neupi kana achinge aona
achireswa, zvakare aigona kuti kana akamutsa
hondo zvekare angava aripapi hapana
aikwanisa kumumisa asi iye achifarira kumisa
vamwe. Sahwira waChama munhu aiva nemhuri
yake asi muVhumani Town umu aigara
nemudzimai wake vari vaviri vana vake vari
kuneimwe nzwimbo yaaiziva kuti vana vake
vanenge vaka chengetedzeka sezvo aiziva kuti
muVhumani Town hamuna kumira zvakanaka
nenhau yehuipi, ndosaka aifarira kugara vari
vaviri nemudzimai. Saka paakanzwa mashoko
aChama aanga ataura ayo anga asina
kumachenesa kuti arikuda kuedza kuti
arikunetswa nei? Akabva abvunza.
"Nanga pane nyaya yako sahwira ndiwane
kukubatsira kwacho kana ndichizokwanisa?"
Akadaro Zazati.
"Nhasi ndati ndichibva kubhawa ndaedzerwa
saka ndobuda kwatoedza ndabva ndanhonga
kamwe kamupfana kechidiki kakaoma
nechando" akadaro Chama. Akambo nyarara
achisimudza zvakare bhodhoro rake
ndokudhudhudzira airatidza kuti ari kunakirwa
nezvaiva mukati maro zvekuti dai pakaita
akarideura hameno zvaaizoitwa nekuti
mamwirwo aranga richiitwa haasi matsvene,
aibvuma kusiya kutaura zvinemusoro osarudza
kumwa hwahwa. Ari mukumwa kudaro Zazati
akabva ataura "Saka ndizvo zviri kukunetsa here
umwe wangu? Mwana makomborero anobva
kunamwari ka, hona wave kutokwegura iwewe
pamwe ndimwari vakupa" akadaro Zazati.
"Sahwira iyi nyaya hayisi yekutamba ka. Nyaya
irikunyanya kundinetsa kamupfana kacho
hakataure asi kanonzwa zvandotaura so
handizivi kuti ndodii? Pamwe ndingawana hama
yacho nekuti kugara nemwana wevanhu apa
ndisingazivi vabereki vacho hazvina kuchena
mumwe wangu. Uye unotaura zvemwana
hauzivi kuti ndinemwana nechekare here ini?"
akadaro Chama nemubvunzo nguva imwechete.
"Ko zviya mwana wakati akazodii?"
"Zvewangu mwana ngatimbosiya tozozviita
mberi tapedza zveuyu" akadaro Chama.
"Hoo nyaya yako ndayinzwa, ndizvo chaizvo
sahwira ko wadii kuenda naye kumapurisa
pamwe ungawana rubatsiro?" Akabvunza Zazati
zvemwana waChama akabva azvisiya aiziva
kuti nguva yake yekuzoudzwa ichakwana.
"Idede rawabaya mukanwa sahwira saka
wotondiperekedza ka nekuti unongoziva iwewe
kuti ini nevemutemo sekiti negonzo
hatidyidzani?" Akabvunza Chama. Zazati haana
kuramba kuperekedza mumwe wake sezvo
aiziva nyaya yacho inoita kuti Chama
asadyidzana nevemutemo, akangoti kwaari
"Rega ndioneke kuna adzimai titobuda tinoona
kuti todii?" Akadaro Zazati achisimuka kuenda
kuimba yaiva naadzimai vake. Akasvika
akavaudza zvavanga varonga, adzimai havana
kuramba ayo ndiwo aiva magariro avo varume
ava. Adzimai va Zazati sezvo ayisaziva rimwe
basa raishanda murume wake, aingoziva
rimwechete rekuridza magitare asi raisavaitisa
mari yakawanda seyaiuya nemurume wake
dzimweni dzenguva. Akangoti kumurume wake
"ehoi mochengeteka kwamuri kuenda ikoko"
akadaro mukadzi, Zazati akatenda ndokusiya
apa mudzimai wake tsvodi achibva abuda.
Vaviri vakabuda nemotokari imwecheteyo
yanga yauya naChama, vakananga kumba
kwaChama vachinotora Chuvu sezvo ariye
wavaida kuenda naye kune vemutemo.
Vachisvika vakawana Chuvukani kachiri
kakagara hako kachiokera mafirimu ako kakati
kaimafarira. Pakakaona Chama adzoka
kakanyemwerera ndokusimuka kachinomu
mbundira, Zazati kakaita zvekumu mhoresa
chete. Iye Zazati paakakaona kamukomana aka
akakafananidza asi kuti azive kuti
akambokaonepi kana kuti kakafanana nani
munhu waakamboona? Akazvishaya, "Chama
mupfana uyu wambomubvunza vabereki vake
here?" Akabvunza Zazati.
"Ayewa mumwe wangu ndangokabvunza zita
chete kanonzi Chuvukelo Masingita" akadaro
Chama.
"Eish ndabva ndarasika manje asi kanenge
kasiri kamushona mutupo wako uyu
ndewerwumwe rudzi rwusiri rweshona, rega
tichanoziva zvizere tave kumapurisa" akadaro
Zaza aine kakurangarira mutupo uyu asi
waimunzwenga. Vakagadzirira havana kuda
kugara Chama akadeedza kamupfana kake
kakaenda paanga ari ndokubva ati kwakari
"Honaka Chuvu tiri kuenda kumapurisa
vatibatsira kutsvaka baba naamai vako"
akadaro Chama. Kamupfana kakabva
kadzungudza musoro kureva kuti kairambirana
nezvanga zvarongwa naChama.
"Saka unoda ndiite sei Chuvu ndogara newe
ndisingazivi hama dzako here? Saka chindiudza
baba na mai vako varipi uye mazita avo
ndivanaani tiwane kukubatsira?" Akabvunza
Chama. Kamupfana kakabva panga paina
Chama ndokunotora chinyoreso pamwe
nepekunyorera ndokunyora kuti {"Baba vanhu
vanonzi Gwalala mai vangu vanonzi Tsatsawani.
Vese vakaurawa nevanhu ava"} kapedza
kunyora izvi kakabva katambidza Chama bepa
rakange kanyorera kapedza kakapinza ruoko
mumbudu yako ndokutora mifananidzo
yevanhu vakauraya baba naamai vako
ndokutambidza Chama zvakare.
Chama akatanga kuverenga mazita anga
akanyorwa achipedza asati aona mifananidzo
akabva agara pasi ndokumboita seapera
mweya nekuti paakangoona zita rababa
vekamupfana aka akabva avaziva ende vanhu
vaimboshanda vese kana vachinge voita rimwe
basa. Akatura zibefu rimwe rakanzwikwa
newese aiva mumba umu zviye zvinoitwa
nemunhu apererwa chaiko kuita semunhu
afirwa nevabereki vake nezuva rimweche apa
aitwa zvekuudzwa nekunyorerwa tsamba.
"Kwakanaka here Chama tione mazita acho?"
Akabvunza Zazati. Achibva atambidzwa bepa
racho, naye achiona zita rababa vekakomana
aka akavazivawo. "Ndiko saka ndati pandaona
kamupfana aka ndaita sendakambokaona
kufanana kwakakaita nababa vacho. Zvakaitika
rini izvi? Ndione mifananidzo yevanhu vacho ha
zvinorwadza izvi kusiya mwana mucheche
akadai?" Akadaro Zazati. Akatambidzwa
mifananidzo yacho na Chama uyo anga
akaibata asati amboitarisa. Zazati achingoiona
mifananidzo yacho akabva avhura ziso
kushamisika pamwe nekutaura "Chama wanga
wavaona here vanhu ava?" akabvunza Zazati
achitambidza Chama mifananidzo.
Chama paakatambira mifananidzo iye apabva
aona vanhu vacho vari vavengi vake. "Haa
mhani! Ava vanhu vaenderera manje vanoda
kumboratidzwa nzira tsvene." Akadaro Chama
achitaura nenzwi rinehukasha mukati
achisimuka kunopinda muroom make
ndokusvikotora pfuti dzake mbiri ndokubuda
kudzoka kwaanga asiya Zazati na Chuvu. Anga
agumbuka mukomana ofunga kuda kuita
muvhimi wevanhu......
End of Chapter
Chapter 3
"Apa wafungei manje Chama?" Akabvunza
Zazati paanga aona Chama atakura zvombo
zvisingamisi hupenyu hwevapenyu.
"Unoziva zvakaitika Zaza, vanhu ava ndofanira
kuvadzosera chitema chiri chitsvuku nekuti
zvavakandiita marwadzo apa hona vauraya
Gwalala futi, ko atadzei munhu anga
akazvinyararira uye?" Akadaro Chama oita
kutsvuka maziso nehasha zvekuti dai pakaita
muvengi pedyo naye aizopinda panguva
yakaoma.
"Ayewa usaita zvinhu zvako nehasha unogona
kutadza kuita zvawafunga zvacho, imbotanga
wadzikamisa hana. Apa hausati waziva kune
muvengi uye hausati waziva zvakare kuti iye
Gwalala wacho nemukadzi wake zvavaurawa
mitumbi yavo irikupi?" Akadaro Zazati pamwe
nemubvunzo. Semunhu aiziva hasha
dzinemumwe wake kuti kana akagumbuka
kunyangwe robot rakavhara anongopfuura
zvinova zvaigona kuzomupinza muna taisireva
futi nekuti muVhumani Town marobots emo
ese aiva nemaziso ma Camera. "Chinhu
chatingaita apa kutanga taenda kumba
kwaGwalala tinoona kana mutumbi wake
nemukadzi iriko. Ende hatitozivi kuti zvakaitika
rini so pamwe yave kuorera iri mumba. Zvimwe
izvi wombomira, usakangamwa kuti
uchangobuda muchizarira unogona
kudzokerazve usati wambomwa hwahwa
pamwe nekuita zvimwe zvakaku mirira mberi"
akadaro Zazati. Chama semunhu aifarira
hwahwa zvakanyanya haana kuitisana nharo
nemumwe wake, akaona kuti chokwadi
anogona kusungwa osiya hwahwa pamwe
nekamupfana aka asati akabatsira. Chimwe futi
chaaizoda kutsvaka mwana wake. "Ndakunzwa
mumwe wangu saka ngatimhanye kumba
kwake tinoona zviriko. Tabvako tochitangira
ipapo" akadaro Chama.
"Tanga wabvunza mupfana uyu akuudze zvizere
tinogona kuendako iko kusina munhu" akadaro
Zazati.
Chamavhudzi haana kuzoramba aine hasha
dzake dziye akaona mashoko abhururu wake
aine hungwaru. Akabva abvunza Chuvukelo
zvese zvakaitika kumba mushure mekunge
vabereki vake vaurawa. Chuvukelo kakabva
kanyora pabepa zvakare "Kumba hakuna
munhu vakauraya vachibva vavasenga
vakaenda navo asi mwana vanga vasati vauraya
handizivi kwavakaenda naye. Ini pavakandiona
ndakabva ndatiza ndakazoona vobuda
ndakahwanda kugomo." Kakanyora kudaro
Chuvukelo, zvaitoreva kuti Gwalala anga ava
nevana vaviri Chuvukelo nekamwe kadiki
kaisazivikanwa kuti kakaurawa here kana kuti
hakana? Nekuti paitaurwa zvekunzi vakaendwa
navo vese zvemberi zvakazonoitwa hapana
akaziva.
"Yaa pane nyaya apa Chama, ngatisvike kumba
kwaGwalala tinosiya taona kuti kwakavharwa
here? Kana kusina totosiya taona kuti
kwavharwa nekuti vakomana vangatora zvinhu
zvemupfana uyu zvese." Akadaro Zazati.
"Tadaro tozodii wangu? Tinofanira kuita zvinhu
zvedu takangwara tikasadaro chete tangoenda
kune vemutemo nemupfana uyu varume vaye
vanobva vatoziva zvava panzvimbo
tinotangirwa." Akabvunza Chama aine kakutyira
kutangirwa nevavengi vacho sezvo aivaziva
vasingatani kutora hupenyu hwemunhu.
"Kutangirwa kwei tikangobva kumapurisa nhasi
tinofanira kutsvaka vachengeti vanochengeta
pamba pako havafe vakapapinda, iwe
ngatingoita zvinhu zvedu takachenjera."
Akadaro Zazati. "Hoyaa ngatiite sekudaro tione
kuti toipedza mushe here? Asi inofanira kupera
mushe mira hako uchaona." Akadaro Chama.
Vakasunga chisungo chimwecho ndokuudzana
kuti vangabuda kuenda kwacho kwavanga
varonga kuendako. Chama akanyepera Chuvu
kuti vari kuenda kumba kwababa vako chete
kunokiya magoni eko vapedza vodzoka kumba.
Aiziva kuti kachabvuma voenda vapedza
vopfuurira nekumapurisa. Zveshuwa Chuvukelo
kakabvuma kuyenda kumba sezvo kaiziva kuti
kwainge kusina kukiyiwa. Vakabuda vari vatatu,
vari munzira Chama ane zvaakafunga.
"Ndafunga tipfuure nemuVhumani tichitenga
macheni nemalock makuru tinoshandisa iwo
kukiya uko" akadaro Chamavhudzi.
"Yaa ipfungwa dzakanaka ita sekudaro tigare
takiya zvekuti hapana achavhura."
Akatenderanawo nazvo Zazati.
Vatatu vakapfuura nemudhorobha vakasviko
tenga zvavaida zvacho havana kuita nguva
yakareba zvavaida vainge vazviwana. Vabuda
mudhorobha vakananga seri kwekakomo
kunova iko kwaigara Gwalala baba Chuvu, imba
yavo yanga iri pedyo nedhorobha asi iri
nechemhiri kwedhamu raivapo rinova iro raiva
mujinga megomo pedyo nemba yababa
Chuvukelo. Vasvika vakatanga kupinda mumba
vachida kuona kuti mungava muine chakatorwa
here? Vakatarisa zvese vakaona pasina
chakatorwa, kungwara kwanga kwaitwa
nemhondi idzi padzakapedza kuuraya vabereki
ava hadzina kusiya mumba muine ropa
vakasiya vakakorobha mukasara makachena
vachibva vaenda. "Yaa pakaipa vanhu ava
vanozviita vakangwara uri kuona ka Zaza?"
Akabvunza Chama, Zazati akaziva zvayirehwa
zvacho achibva ango dairira haana zvakawanda
zvaakataura.
"Ngatiite zvatavinga tibve pano tinoona
vemutemo asi ngatimbomira kuvaudza zvepano
pamba ngatinoti tiri kutsvaka hama dzemwana
chete zvimwe zvese hatizvizivi" akadaro Zaza.
Vakasunga zvakare chisungo chimwechete
ndokuita zvavanga vavinga, vakakiya imba
nemalock avanga vatenga vapedza ndokupinda
munzira kunanga kumapurisa vasingadi kuti
Chuvukalo azive. Vamwe mungada kuziva kuti
sei Chuvukalo akasarudza kunorohwa
nechando achitadza kunorara kuimba yababa
vake? Chakaitika ndechekuti paanga
akahwanda vanhu vaye vakauraya baba vake
vanga vane kakunyumwa kuti pangava paine
munhu avaona. Chakaita kuti vafungidzire
kudaro vanga vanzwa sound yecamera yefoni
iyo yakashandiswa naChuvukelo achitora
mifananidzo yevavengi ava. Saka pavakanzwa
kudaro vakabva vatanga kuchitsvaka munhu
ainge azviita, Chuvukelo ndipo pakakaona kuti
kana kakaita zvekutamba nako kanogona
kuurawa.
Kakabva kaswetuka kachibva seri kwesofa
raiva nechekure kumativi ekwavaigara semhuri
kazhinji vachidya, imba yacho yanga yakakura
yababa Chuvu. Kaswetuka kudaro bara
rakasara rorova pakanga kari, iko kainge kava
muroom yako yakaizivira kuti kakangopinda apa
vaisakawana. Kapinda muroom yako ndokutora
tambo yaivamo kachibva kabuda nepawindow.
Kakadzika netambo iye kusvika kanodzaka pasi,
pfuti dzakasara dzorira iko katopotera seri
kwekakomo. Ndiwo mabudiro akakaita
kachibva kanohwanda pakaiona zvaiitika
pamba zvese apo pakakazoona mitumbi
yevabereki vako ichisengwa. Kubva ipapo
hakana kuzoda kudzoka pamba apa kanga
kotyira kuti zvimwe vanhu vaya vangadzoka
vachikatsvaka. Nhare yako kakazoitengesa
mushure mekunge nzara yakamhoresa, asi
zvakakaita kasati katengesa foni kakatanga
kawachisa mifananidzo yemhondi dzakauraya
vabereki vako.
Back to the story
Vabva pamba pana Chuvukelo vakomana
vakananga kukamba chaiko vachisvika
kukamba. Vese vakapinda mu office vachibva
vapira nyaya yavanga vafambira "Zvakanakai
imi mwana uyu mamunhunga kupi uye nguvai?
Akuudzai here kune vabereki vake?"
Vakabvunza vamupurisa.
"Mwana tamunhunga mutown, haasi kutaura
zvandareva" akapindura Chama.
"Pane mwana angango karuko rasika
mudhorobha diki diki saVhumani ko madii
manyatsomubvunza muzive zvakaitika zvacho?
Tichaziva sei zvimwe ndimi makaita kuti
vabereki vake vasaonekwa" akadaro mupurisa
uye achitaura seari kusvotesa varume ava,
haana kuziva kuti munhu waanga achitaura
naye anemoyo mupfupi sechimandionerepi?
"Imwe mibvunzo yamave kubvunza sandiyo iri
kunyanyodiwa pano munoti dai taiziva kuti
ndiyo mibvunzo yamuchatibvunza tingadai
tauya pano here?" Akadaro Chama ange
osimudza voice nekuda kwemibvunzo yaanga
obvunzwa apa anga ataura zvese kuti mwana
haasi kutaura saka ndizvo zvanga zvoita ataure
sekudaro.
"Dzikama murume pano hapasi pamba pako
pa...." Vasati vapedza kutaura vakabva
vagurisirwa vasati vataura zvavaida kutaura.
"Tese tiri pano hapana ari pamba pake iwe uri
pabasa ikodzero yako kuva pano neni ikodzero
yangu kuvapano nenyaya yemwana uyu so ita
basa nemazvo usiye zvauri kuita izvi hauzive
basa rangu iwewe ndogona kukusiya munyaya
kana ukada kuvhaira nekugara mukaoffice kano,
ndine office inehuremu kupfuura kako aka"
akadaro Chama.
Mashoko akapinza vamupurisa tsekwende
iwaya nekuti zveshuwa chama vaisamuziva uye
vanga vasati vambobvira vakambomuona muka
dhorobha kadiki ikaka, apa munhu anga
anemuparavara nendebvu dzaiita kunge rasta.
Chama munhu anga ane Rasta imwe yanga
yakanaka zvaimwisa mvura asi akaigerwa
paakaenda kujere uye pavhudzi iroro ndipo
pakabva zita rekuti Chamavhudzi. Hino apa
anga achiri nezuda kubva paakabuda mujeri
ainge origera nerheza aida kuzoridzora
mukufamba kwenguva, apa aida kutanga
ambopedza nyaya yake yekutsvaka mwana
wake. Saka kuva nezuda aida kuti vanhu
vazvinji vasakurumidza kuziva kuti adzoka.
Mupurisa akaita basa rake akadzikama
mibvunzo nhando yaaimbobvunza haana
kuzoramba achiita apedza kunyora nyora nyaya
yacho akabva ati kwavari "Nyaya yenyu
ichaende kuvashamarari izobuda nepaTV
zvekare so mwana mungamusiya henyu pano
vanomuda vachamuwana pano" akadaro
mupurisa uye.
"Ko hazviiti kuti tikurayirei pamba patogara
vachada mwana vauye vomutore ikoko here?"
Akabvunza Chama.
"Ayewa handi mwana uyu haasi wenyu here?
Muri kumutsvakira hama dzake so siyirai nyaya
kwatiri vemutemo tichaita basa redu" akadaro
mupurisa uye.
Chamavhudzi haana kuitisana nharo navo
vamupurisa, akabva atora Chuvukelo kwave
kumubata mumapendekete kwave kutaura
akatonona "Uri kusara pano mafana mapurisa
ndiwo achakubatsira kutsvaka hama dzako
handika" akadaro Chama. Chuvukelo kakabva
kadzungudza musoro kureva kuti hakasi
kubvumirana nechirongwa chairongwa apa.
Vakaedza kukanyengerera asi kakarambisisa
zvekuramba zviye, vakapedzisira vaita
zvekukatora mifananidzo pamwe nekunyorera
mazita evabereki vacho kuitira kuti
pachinozobuda paTV vaise mufananidzo wacho
hama dzacho dzizoziva. Vana Chama havana
kuzogara vakabuda ndokudzokera kumba
kwavo vese vari vatatu. Vachisvika kumba
vakasviko siya Chuvukani ivo ndokupfuurira
kunotsvaka vachengeti vavanga vagara
vaudzana kuti vari kuzovatsvaka.
Vakasvika pamwe paigara mamonya pavaiziva
kuti panowanikwa vanhu vavaida
vanotozivikanwa kuti ndiro basa ravo
rekuchengeta dzimba dzeshoroma. Vakawana
aripo mamonya vachibva vatora matatu
ndokuenda navo pamba pachama, Chama
akavaudza mashandiro avaizoita,
vakatenderana zvese. Chama anga
achengetedza musha wake sezvo aiziva kuti
ane vavengi vakawanda. Chinhu changa
chasara kuti achitsvaka mwana wake chete
aida kuziva kwaari izvo aisada kushandisa
vemutemo zvakare aida kuzviita ega....
End of Chapter
Chapter 4
Chamabvudzi mushure mekunge aona kuti
anga achengeta pamba pake akazviudza kuti
haasi kuzomira kuvhima muvengi kusvika
awana mwana wake. Haana kuverengera
kuudza sahwira wake sezvo ndiye
waainyanyotemba panguva iyoyo.
"Sahwira pamba pangu pave nevachengeti
hongu tagona asi ndichiri kuda rubatsiro kubva
kwauri handi unoziva pandakasungwa kuti
mudzimai wangu akafa zvisina akaziva asi
vemutemo vakasarudza kupomera inini mhosva
yacho zvichinzi ndini ndakamuuraya. Asi
zvakazosara zvoitika handina kuzoziva sezvo
vemutemo vakashandisa simba ravo
vakandinyima mukana wekubatanidza kuti
nditsvake kwandaizosiya mwana." Akadaro
Chama.
Vamwe mungada kuziva zvakaitika pakashaya
mudzimai wa Chama. Pakangosvika varume
vanga vakazvivhara kumeso vaine pfuti.
Vakasvikopinda mumba machama vakawana
mukadzi chete ndiye anga ari mumba chama
anga asipo vari vaviri nemwana wake vanga
vabuda kuenda kunotenda doro kuVhumani
Town. Vanhu vakauraya mudzimai wachama
vakasvika vakamubvunza kwaenda murume
akasataura zvainzwikwa ndipo pavakabva
vamupfura nepfuti pfuti yacho vachibva vaisiya
mumba imomo ndokubuda vakaenda.
Chamavhudzi akadzoka kubva kuTown
akasvikopinda mumba aine mufaro uyo
wakazopera mushure mekunge aona ropa
richiita kupupuma mumusoro memudzimai
wake. Akachema zvikashaya basa, akazoona
pfuti yaakaziva mwene wayo. Akaibata pfuti
kudaro mapurisa akabva asvika nekuvhura goni
akaona Chama akabata pfuti uku mukadzi
akarara pasi kwainge kwangosara mutumbi
chete mweya waenda kune akamusika.
Mapurisa haana kupa Chamavhudzi nguva
yekubatanidza vakatoti ndiye ainge auraya
mukadzi wake. Nyaya yake yakatsikwa tsikwa
achibva atozovharirwa, mwana akaedza kuda
kutaura nevemutemo kutibatsvake wekusiira
asi havana kumuterera.
Akanogara mujeri kwemakore masere
akazobuda mushure mekunge kwanzi
hurumende yakati kusarudzwe vamwe
vasungwa vabudiswe kuitira kuti vapungudzike
sezvo chikafu chainge choita chishoma. Ndipo
pakabva pabatanidzwa naye chama achibva
abudawo mujeri. Paakabuda haana kuzogara
paimba yakafira mudzimai wake chaakaita
akatora mari yake yaakasiya asati asungwa
yaaichengeta pasina akaziva payanga iri apa
yanga iri mari svinu kwete chimari. Atora mari
iye akabva atenga imba itsva yakakwana zvinhu
zvese zvaivamo akazongo wedzera zvimwewo.
Akaita mwedzi umwechete achigara paimba
apa achimwa doro zuva nezuva, munhu
aingoziva kuti Chamavhudzi akabuda ndiZazati
sahwira wake chete. Iye Chama haana hama
dzaaiziva akakura achirara mimugwagwa
sezvimwezvo zvainge zvoda kuitwa na
Chuvukelo. Apedza mwedzi ari pamba
achifunga kuti otangira papi kuti atsvake
mwana wake? Ndipo umwe musi uri musi
wesvondo akafunga kumbonomwira hwahwa
kubhawa apo paakanoritanga masikati
achirimwa kunge mombe yabva kusina rwizi.
Akararamo mabhawa ndipo mangwana
paakamuka achizonhunga Chuvukelo.
Back to my story again.
Zazati mushure mekunge anzwa mumwe wake
achitaura nezvemwana anga asina ruzivo
rwakakwana sezvo pavaishanda vese
vaingosangana kubasa kazvinji saka vaisa
nyanyo zivirana nezvekumba kwavo. Zazati
aisaziva zvakanaka kuti Chama angava anga
aine mwana nemudzimai wake sezvo
aisazviratidza kana vari kumushando.
"Hongu ndorangarira. Ko wakasiya mwana here
paye, saka aripi?" Akabvunza Zazati.
"Ndosaka ndichida rubatsiro kubva kwauri
ndoda undibatsire kutsvaka mwana wangu,
sezvandareva ndakasiya mwana paye." Akadaro
Chama.
"Chama ndozvezvimwe zvataifanira kunge
tazviisa kune vemutemo ka izv...." Asati apedza
mashoko ake akagurisirwa naChama. "Usaite
kunge mapurisa ihama dzako Zaza, hauzivi here
kuti vanhu vaye vari pabasa? Uye ndivo vakaita
kuti ndisaita zano rekutsvaka kwandaizo siya
mwana wangu, ende handisati ndada
kuvaratidza kuti ndadzoka. Chinhu chandoda
parizvino kutsvaka muvengi akauraya mudzimai
wangu ndinoziva ndiye ane mwana wangu uye
ndiye achataura zvakawanda kana ndamubata."
Akadaro Chama. Mapurisa anga asingatomadi
panyaya iyi aisava chenesa pakufa
kwemudzimai wake saka aisada kuvangwadza.
"Vanhu vaye kushanda kwavari kuita hakusi
kuda basa kana kuda kungonzi ndevemutemo
ayewa varipo pakutsvaka mari. Izvozvi kana
ndikaenda kwavari ndikati ndine $10 000
ndirikuda kuuraya munhu saka ndoda mutsike
tsike nyaya yacho isasvika kure, unoziva here
kuti havarambi mari nyaya yacho inogona
kurova zvovharana zvakadaro?" Akadaro chama.
Sahwira wake akaona chiri chokwadi asi zano
rachama anga asati aribata kuti nderipi saka
akabva abvunza.
"Saka wanga wafunga kuti timutsvake sei
muvengi wacho?"
"Wave kutaura ikohino. Nyaya iripo kutopinda
musango tovhima muvengi, mwana wangu ari
kumuvengi wangu chete hakuna kumwe
kwaangave ari muvengi ndinomuziva ini. Dai ari
kune vemutemo ndingadai ndakamuwana
kudhara kubva musi wandakabuda asi chiri
kuita ndimushaye ndoziva mapurisa
akatopihwa mari" akadaro Chama.
"Muvengi unomuziva sei iwe wakawana vasipo
pakafa mukadzi?" Akabvunza Zazati.
"Pfuti yakashandiswa ndakaiziva kuti
ndeyevanhu vepi saka ndati ndoziva muvengi"
akadaro Chama.
"Saka kana zvakadaro zvave pachena kuti
tinofanira kuridza kuma bhawa kunomwira
shoroma muvengi paachationa tobuda muma
TV anobva aziva kuti wavepo panzvimbo. Nyaya
iripo magitare edu ngaagare akazara huturu
nekuti chero ipi nguva tinogona kupinda
pakaoma" akadaro Zazati. Vaviri
vakabvumirana kudaro vakaudzana kuti
vaizonotora mumwe wavo ainzi Zola
ndemumwe wavo panhau yekuridza mabhanju
Zola ndiye airidza magokoko Chama na Zazati
ndivo vairidza magitare, vaiwanzo famba vari
vatatu Chama asati asungwa saka
paakasungwa sezvo anga ariye musoro
wenyaya vakasara vacho vakasara voparadzana
mumwe nemumwe onotsvaka imwe nzira
yekuraramisa mhuri yake. Saka pakadzoka
Chama vakabva vafunga kuzvitangidza asi
vaine chinangwa.
Vakabuda ndokunanga kwaigara Zola uyo
aigara kupurazi raakasiirwa nevabereki vake.
Vaviri vachisvika vakawana mumba
muchinzwikwa vanhu kutaura vakagogodza
vakadairwa. Zola ndiye akabuda paakaona
Chama akashamisika chaiko pamwe
nekunyemwerera kufarira mumwe wake
waanga ava nemakore asati amuona "Chama
Chamavhudzi! Ndiwe here uyu? Pindai mumba
varume" akadaro Zola aine mufaro wakapetwa
makumi mapfumbamwe. Vakapinda mumba
varume vakamhoresana zvakanaka vapedza
kudaro chama akabva akumbira kuona Zola
pasina vanhu. Vakanopinda muroom yayiwanzo
shandiswa naZola kana achiita zvebasa. Chama
akataura nyaya yake yose kuna Zola. "Yaa
pakaipa asi wangouya zvanaka mwana
tinomuwana kungoti isu takasara ndisu
takatadza kuita rudo taifanira kunge takaita kuti
tive nemwana asi kuzotya kupinzwa pakaoma
chete ndosaka zvakadaro, unongoziva kuti kana
iwewe usipo hapana chinobuda." Akadaro Zola.
"Hakusi kuda kwenyu handina chigumbu nemi
vamwe vangu chandongoda chete kuti
mundibatsire kutsvaka mwana wangu
tamuwana tochitangidza kuita mari sezvataiita
kudhara" akadaro Chama. Vakabvumirana Zola
akabvuma kuti aizobatsira Chama kusvika
mwana avapo, chimwe chinhu ainge ofara kuti
ave pedyo kuzoita mari sezvo aiziva kuti Chama
ndiye aiva nenziraa dzakawanda dzaaiziva
dzaiita vawane mari. Vakazobuda havana
kuzogara Chama na Zazati vakadzokera kumba
Zazati akasara kwake Chama achibvawo aenda
kwakewo. Umwe musi Chama anga agere
achimwa svutu gadzike yake kuseni uku
akatarisa nhau pa terevizheni akabva aona
nyaya yekakomana Chuvukelo yave kutaurwa.
Akaona pobudiswa zve nemapurisa anga
achipwanya kumba kwaGwalala vakapinda
mukati kuratidza kuti vari kutoita zvebasa
chaizvo, akazonzwa kuchinzi "Mapurisa akatora
danho akasvika kuimba ya gwalala vakatora ma
fingerprints. Kwakazobuda vanhu vanokwana
kuita ivo vaviri vanonzi ndivo vakapinda mumba
maGwalala vakauraya murume nemukadzi
ndobva vatakura mitumbi vakaenda nayo saka
parizvino vachipo pakutsvaka mhondi dzacho,
Tichange tichiku zivisai nezve nyaya iyi. Asi
hama dzemwana kana dziripo munouya
kukamba tokupai mvumo yekunotora mwana
kwaari." Ndizvo zvezvimwe zvakabuda panhau.
Chama paakaona nhau idzi akabva aziva kuti
zvazvadaro nyaya yacho inogona kuuya
nepamwe saka akabva audza vachengeti vake
kuti hapana munhu aizopinda pamba pake
achida mwana iye asipo. Mangwana acho
kuchiyedza ndiro zuva varume ava ravaifanira
kunge vachizoenda kumafaro saka chama
akamuka kuseni ndokutorana na Chuvukelo
kuenda naye kuTown aida kumutengera hembe
dzaaizopfeka kumafaro kwavaida kuzoenda.
Akasvika akatenga tenga apedza ndokudzoka
kumba, achisvika akabva awana pamba paine
mumwe mudhara wechikuru asi asina hake
kunyanya kukura, anga ari nechekunze amiswa
nevachengeti avo vanga vasanomuudza kuti
ngaamirire mukuru wavo. Chama na Chuvukelo
vachisvika havana zvavakataura vakangosvika
nekupinda mukati kwave kunanga mumba,
mushandi wepagate ndiye akazonoudza Chama
kuti muenzi ari kuda kumuona. "Enda
unomuudza apinde" akadaro Chama. akanzi
apinde mudhara uye, akapinda achibva anogara
pasofa raive rakatarisana na Chama.....
End of Chapter
Chapter 5
Musi wakabva vana Chamavhudzi kukamba,
mapurisa akasara akagara pasi akaronga kuti
aizoita sei nenyaya yekushaya kwevabereki
vemwana uyo anga auya naana Chama?
Sarudzo yakazobuda ndeyekuti vakati
vanofanira kutsvaka mhondi yakaparadza vaviri
ava kureva Gwalala nemudzimai wake, vanga
vaona zvisingaiti kuti nyaya yacho ingoperera
pakunzi kune vanhu vakaurawa nyaya yacho
ikasa ferefetwa vakatya kuzopihwa mosva
nevakuru vavo. Vakarongana ndipo
pavakazoenda kumba kwagwalala vaine vatori
venhau, ndipo pavakanotorwa mavideo.
Mapurisa achipaza magoni kuti vapinde mukati
vachitsvaka humbowo. Havana humbowo
hwavakawana ndipo pavakazotora mafinger
ndokudzokera havo kukamba.
Vakaudza vashamarari kuti havasi kuzomira
kutsvaka mhondi dzakaita izvi kusvika
vadziwana. Nhau dzemhondi idzi dzakanzi
dzitaurwe panhau dzizivikanwe nevazhinji.
Zvikanzk ngadzisavanzwa kusvika mhondi
dzabatwa. Nyaya ya Chuvukelo yakanzi ibudeo
panhau zvekare kuitira hama dzake kana
dzichinge dzazvinzwa dziende kune vemutemo
vavaudze kwaainge. Mangwana acho pakamba
pakasvika murume wechikuru uyo
akasvikopinda muoffice memukuru
wemapurisa.....
Kunerimwe divi nechekumavirira kwedhorobha
rinonzi Vhumani kune imwe location yaivako
yanga yakakura paside payo panewo dhorobha
riripo rakati kurei kudarika Vhumani zita raro
rainzi Zilongo ranga rakanaka uye
rakashosherwa nevemutemo vaisada huipi
mariri.
Mu Location macho mune imwe imba yanga
yakanaka zvaimwisa mvura, vanhu vazhinji
vaiiona vaingonzwa kuda kutorwa mifananidzo
vari payiri. Yanga yakanaka zvayo mawindow
acho aisaratidza zviri mukati iyine magoni
akanaka zvakare, seri kwemba iyi kwanga kuine
mudhuri wakareba wakapfirirwa nemarata
sezvinoita garage revanhu vasina mari. Wanga
waakapfirirwa zvakanaka hapana aiona
zvemukati kana ari kunze, zvaitoda kuti upinde
mukati uye kuti upinde ikoko waitopfuura
nemukati memba. Seri ikoko kwaiva nezvinhu
zvaka siyana siyana kuine swimming pool
hombe ranga rakakomberedzwa nezvekugara
pamwe nezvekurara kana uchinge wabuda
mumvura.
Pamba apa paizviratidza pega kuti paigara
munhu anemari dzake nekuti paigara paine
mafaro chete. Saka zuva iri munhu wepo anga
ashanyirwa nemabhururu ake aishanda naye
pamwe nevashandi vake. Vanga vakagara seri
nechekunze paside pe pool vachimwira mwira
havo doro vachiridza mimhanzi yechimhanje
mhanje asi vachiridzira pasi pasi uku vakatarisa
pa terevizheni pavaiona movie yevakomana
vaiita zvema drugs. Vairatidza kuti vari kuona
zvinhu zvavanofarira, vari mukuona kudaro
mumba makabva mabuda musikana anga
akanaka zvaimwisa mvura. Uyu musikana pese
paaionekwa nevarume kazhinji aivasiya vato*--
ahaa regai ndigumire ipapo nyaya yacho
maiziva handika? Ehee iyoyo chaiyo mave
vanhu vakuru imi.
Abuda kudaro musikana uye akasvika mberi
kwevarume vaye vanga vakamutarisa, akasviko
tora remote ndokutendeka paTV kwave kubvisa
zvavaiona kwave kuisiya iri pachanel yenhawu
(news). Haana waakataura naye akatanga
kufamba seari kumodhela achidzoka mumba
maanga abva. Varume vaye pamwe nemuridzi
wemusha havana chavakataura vakatarisa
paTV ndipo pavakaona nhau idzo dzainge
dzazara muma channels akawanda enhawu.
Varume vachiona izvi vese vakatarisana kureva
kuti nyaya yanga ichitaurwa panhau vakaiziva.
"Ko kamupfana aka kabudiswa apa ndekapi imi
varume makashanda sei?" Akabvunza umwe
wevarume ava anova iye samusha zvakare
achiratidza kuti ndiye mukuru, zita rake
vaimudana kuti Boss GZ, iye zita rake achinzi
Gilbert Zarire ndiro raiva pachitupa.
"Kamupfana aka kakatiza musi uye ha...."
Haana kupedza kutaura zvaida kutaura murume
anga opindura wacho. Akanyaradzwa nepfuti
yanga yakokwa na Boss GZ zvese
nekumutendeka, aitoda kupfurwa asi vamwe
vake vakabudisawo dzavo ndokunongedza
Boss GZ.
"Makadii kundiudza kuti mune munhu
wamakatadza kuuraya? Vapfana imimi
munoziva here kuti rinovira ndakupedzai mese!
Hee?" Akadaro GZ oita kudedera nehasha. Ivo
varume musi wavakatumwa kunouraya Gwalala
vakanga vaudzwa kuti vauraye munhu wese
wavaizowana, saka pavakatadza kuuraya
Chuvukelo havana kuda kuudza GZ nekuti
vaiziva kuti vangapinda futi panguva yakaoma.
Apa vanga vapinda pakaoma asi vakazvipira
kuti mumwe wavo haangafi varipo, vakamira
naye zveshuwa kusvika hasha dzaBoss GZ
dzadzikira.
"Izvozvi zvazvatodai chatochaya tave pedyo
nekufumuka zvatakaita zvese. So kacheche
kaye kanofanirwa kubva pano kanogara
kunevamwe. Ako kamupfana mangwana
chaiwo ngakatsvakwe kapfuure panyika hakana
kodzero yekurarama" akadaro GZ anga asimuka
ave kutaura achifamba famba uku akabata pfuti.
"Saka imi varume zvoreva kuti muri kudya mari
yangu mahara hamusi kusvika muchiita basa
randinenge ndakutumai handi?" Akabvunza GZ.
"Ayewa Boss GZ zvakangoitika ipapa chete
mupfana uyu akatiza saka takaona kuti
tikataura mogona kutiti tatadza basa ndosaka
takanyarara taitya kunyimwa mari"
"Hoo saka kudya mari yangu ndiko kwamaona
kuchiita imi musina kupedza basa?" Akabvunza
zvakare.
"Pakato resveka mhosva inowanikwa muvanhu.
Nyaya yatovapo kutoti tiite zano rekubata
kamupfana aka tikangokabata zvese
zvodzokera panzvimbo imi batai munhu wenyu
kuitira kuti avhare magepi" akadaro umwe
wevarume ava uyu ndiye aizikanwa nehuipi
hwakanyanya ende airova kwete
zvekufungidzira haana munhu waairwa naye
waaisiya mbabvu dzichiri dzakanaka. Zita rake
murume uyu ainzi Chivhunambabvu saka
vazhinji vaimudeedza kuti Chivhu.
"Ndakunzwa Chivhu asi ngazvive
zvekupedzisira. Chinzwa zvatofanira kuita
unofanira kunotora mudhara mumwechete
kuvanhu vedu vaye ndiye watoda kushandisa
apa ndine zvandafunga saka wototora akati
changamukei auye arare pano tichimuudza
zvekuita." Akadaro GZ. Chivhu akatyora huso
kureva ainge anzwa zvataurwa naBoss vake,
akabuda ndokunopinda muimba inogara mota
kwave kutora mota yake Polo ye black.
Akabuda akananga kwaanga atumwa, asvika
panhu pacho apo payiita sepasingagari vanhu
paisaonekwi kuti pane imba. Panga paine
zichuru ranga rakakomberedzwa nemiti
yakanaka iye inotandavara serunyemba.
Pachuru ichi paigara varume vaviri vanenge vari
panze vachimbeya mbeya vakapfeka nhumbi
dzechiuto asi dzakaita mamvemve zvekuti
aivaona aigona kufungidzira kuti varwere
vepfungwa, apa vaiti kana vakarara waisavaona
nekuda kwehembe dzavo dzaifana nemiti.
Varume ava vanga vakazara nehuipi hakuna
munhu aifambira kumativi aya aizodzoka
kurokisheni. Vaigara nepfuti dzechiuto dzaiva
nerudzi rwakafanana nezvavaigara vakapfeka.
Pachuru ichi paiva negoni raivapo raipinda
mukati. Waiti wapinda mukati waigona kuona
sewave kuneimwe nyika nekuti mukati macho
manga muneimba hombe yanga yakavakwa
pasi pechuru ichecho ichigara vanhu
vakawanda vakadzi nevarume vaisabuda panze
kana vasina kunzi vabude, vaichengetwa
semakwai. Chivhunambabvu paakasvika
akanopaka mota yake pa ground padhuze
ndokuburuka akafamba kuenda pachuru paye.
Varume vaviri vaye vakaziva kuti Chivhu
haangouyi ane zvaanoda saka vakamusiya
achinopinda. Iye paakasvika pagoni, goni
rakabva ravhurika akapinda mukati ndokunanga
kuroom inogara mukomana wema computer,
achisvika akabva ataura zvaaida. Aida
kubatsirwa kusarudza dhara rakati ngwarei
"Tora matanyera ndiye akati ngwarei iyeye"
akadaro mukomana uye. Chivhu akabva
anotora dhara riye haana kugara akabva abuda
naro ndokunopinda naro mumota. Haana
chaakataura nedhara iri kusvika asvika
kwaanga abva kwaBoss GZ.
Achisvika akapinda nedhara mukati akanopa
GZ. "Wagona basa chienda unomuratidza room
yake tozomuona mangwana otanga basa"
akadaro GZ. Chivhuna akatorana nemudhara
uye ndokunomuratidza imba yaaizorara.
Akanomusiya imomo iye ndokudzokera
kuvamwe vake, mafaro akaenderera mberi
kusvika vazoparadzana mabhururu aGZ
odzokera kwawo. Mangwana kuchiedza
semazuva ese vanhu vese vakanosangana
moroom yavaiudzirwa mashandiro avanoita
nemukuru wavo ZG. Dhara riye naro ranga riripo.
Vakaudzwa vese kuti havasi kuzoshanda
kusvika vatanga vapedza kudzikisa mhepo
yanga yoda kusimuka iyi kurehwa nyaya ya
Chuvukelo. Apedza kudaro GZ akabva ati kuna
Chivhu "Enda muroom yembatya unotorera
mudhara uyu apfekewo zviri nani aende
kubasa" akadaro.
Chivhunambabvu akatyora huso ndokunopinda
muimba yaigara mbatya dzacho. GZ akasara
nedhara riye achiriudza zvese zvaaida,
akariudza nemazita acho ndokuzo pedzisira
nekuti "Unofanira kudzoka pano uine mupfana
iyeye pasina izvozvo handioni tikazowirirana
pano" akadaro GZ. Chivhu akauya nembatya
dzacho mudhara akanzi anopfeka, akanopfeka
zvakanaka ndokuzobuda akanakawo. "Chivhu
unobva pano wonosiya mudhara uyu kukamba
yeko, iye achanoudzwa mafambiro adzoka
pauri umuperekedze kunosvika pamba paari
kuenda iwe uchamuudza paanokuwana zvimwe
unonozvionera wavekuziva basa. Iwe mudhara
ooh magirazi aya unofanirwa kumapfeka
wosvika ndoda kuona munhu anonzi anogara
nekamupfana aka" akadaro GZ achitambidza
dhara mabhingo matema ane camera inotora
zvese zvaaona zvichibuda mu office ya GZ.
Chivhunambabvu akatyora huso hwake
ndokutorana nedhara riye vakabuda vakananga
kuVhumani. Havana nguva yakanyanyoreba
yavakatora nekuti mota yacho yaiteta kutsika
pasi kwete zvekutamba. Akasvika pakamba
ndokuti mudhara apinde, mudhara uye akapinda
muoffice memukuru wemapurisa uyo akabva
ati kwaari. "Ndingaku batsirai nei?" Akabvunza.
"Ini ndini sekuru vemukomana akabuda panhau
saka ndauyawo kuzomutora ndiwane kuziva
zvakaitika" akadaro mudhara uye.
"Hoo zvakanakai ndinovimba muchaziva
zvakawanda kubva kwaari nekuti iye akaramba
kusara pano" vakadaro vamupurisa vachibva
vanyorera mudhara uye house number
yapamba pa Chama, vapedza ndokuisa
chidhindo chavo ndokupa mudhara uye. "Maita
basa regai ndiende" akatenda mudhara akanzi
afambe hake zvakanaka. Akanopinda mumota
vakabuda muvhumani havana kurasika
zvakanyanya vanga vatosvika pamba pachama
apo pavakaona paine vachengeti "Ndipo apo
mudhara chiendai ini muchandiwana pakona
apo" akadaro Chivhu. Dhara rakaburuka
rikapfeka mabhingo aro ndokuenda pamba
paChama ndipo parakambo rambidzwa kupinda
nevachengeti rikazonzi ripinde mushure
mekunge Chama na Chuvukelo vadzoka.......
End of Chapter
Chapter 6
Kusvika kwakaita dhara rainge ratumwa na GZ
pamba pa Chamavhudzi, neparakanzi rimirire
varidzi vepamba vasvike. Zvese zvaionewa na
GZ ari muOffice make sezvo dhara raanga
atuma ranga rine magirazi aiona zvainoonwawo
naye GZ. Chaaisanzwa ndezvaizotaurwa chete
asi zvimwe zvese ayizviona, vanhu vaivapamba
paChama aivaona kuti vanhu vakaita sei?
Pakazosvika Chamavhudzi akapinda mumba
asina chaataura akamuona zvakare asi haana
kunatsoona kuti munhu wacho ndiani? Mudhara
paakazonzi apinda mumba aingozviona zvese,
akazovhunduka paakaona kuti munhu
anemwana wacho ari Chamavhudzi. Chimwe
chinhu chakamunetsa ndechekuti Chamavhudzi
wacho anga asina bvudzi sekuziva kwaanga
achita.
"Ooh shit munhu uyu futi!" Akadaro GZ
achiratidza kuti arohwa nehana nekuona
kwaanga aita Chama. Akamboda kufonera
mabhururu ake achida kuvaudza nezvazvo asi
akaona kuti anenge amhanya. Haana kuzofona
akaramba akatarisa achida kuona zvichaitika
pamunhu waanga atuma. Anga ava nekutyira
mudhara wake kuti anogona kupinda panguva
yachimbetu kana akasangwara. Akagara
akabatira hana mumaoko uku achironga zano
rekuti oita sei nemunhu uyu? Kureva
Chamavhudzi. Akati garei kwekanguva
akatarisa ma screen ema computer ake, pasina
nguva akaona ave masai sai chete pama screen
pasisina chainge choonekwa. "Shit!" Akadaro
GZ ndokubuda muroom yaanga ari achifambisa
kuenda kuroom kwake.
Ukuwo Chamavhudzi pakapinda mudhara
mumba paakaona kuti mudhara akapfeka
magirazi aisaonesa maziso akabva angonzwa
kusachenesa kamudhara aka. "Neimwe nzira
ndingati hatizivani mukuru wangu.
Ndingabvunza kuti muri ani uye ndingaku
batsirai nei?" Akabvunza Chama. Mudhara uye
akabva aita kuye kunenge kukosora kuri
kugadzira pahuro kuti anyatsopudisa mazwi
anonzwika zvakanaka asingashoshomi.
"Ichokwadi hatizivani, ini ndinonzi Hatlani
Masingita ndiri munun'una wababa vababa
wemwana uyu wandakanzwa panews zvichinzi
aripano" akadaro mudhara uye. Chama akabva
atarisa Chuvukelo kumeso apedza ndokutarisa
mudhara uye, akaona vakasiyana nekure vanhu
ivava. Chuvukelo kaiva kamunhu kanga
kakasara padiki kuva murungu nekuti kanga
kakatsvuka apa mudhara uyu anga ari mutema
kuita tsito chairo.
"Ehoi ndakunzwai mudhara saka mabvepi apa?"
Akabvunza Chama. "Uye mapfuura
nekumapurisa here?" Akabvunza zvakare asati
apindurwa wekutanga mubvunzo.
"Hongu ndapfuura nako kumapurisa ndivo
vandinyorera tsamba iyi" akadaro mudhara uye
achibudisa tsamba yacho.
"Hoo zvakanaka maita mauya pano asi mwana
hamusi kumutora kana muchinge matadza
kupindura mubvunzo unoti. Mabvepi uye
muzukuru wenyu anonzi ani zita rake, rababa
vake pamwe nera mai vake?" Akabvunza
zvakare Chama.
Mudhara uye akatanga aseka ndokuzotaura
"Nhai mwanangu kwakanaka here? Unofunga
kuti ini murume mukuru ndotadza kuziva vana
vamukoma here? Baba va Chuvukelo vanonzi
Gwalala, Amai vake zita ravo handirizivi,
ndingazo zivawo zita remuroora kuti ndadii?"
Akadaro mudhara uye achinyemwerera zvinova
zvakambo vhiringa Chama aona sechokwadi.
"Yaa ndizvozvo zita remuroora hamungarizivi
shuwa. Mwana ndiye iyeyu wamuri kuona taurai
naye munzwanane" akadaro Chama. Mudhara
uye akabva adana Chuvukelo kuti aenda
kwaanga ari "Huya muzukuru ndauya ini sekuru
vako" akadaro asi Chuvukelo akabva
adzungudza musoro kuratidza kusawirirana
nezvaitaurwa nedhara.
"Mwana uyu munomuziva here sekuru? Kana
kuti kutangawo kumuona nhasi?" Akabvunza
Chama.
"Kutanga kumuona, kungoti baba vake vaisauya
naye kumusha ndosaka asingandizivi" akadaro
mudhara uye. Chama asati apindura Chuvukelo
kakabva kasimuka ndokunotora chinyoreso
pamwe nebepa ndokuuya kuzogara pedyo na
Chama. Kakanyora zvakakanyora ndokupa
Chama kuti averenge achibvunza mudhara uye
mibvunzo yakanga kanyora. Kapedza kunyora
kakamutambidza bepa, akatanga averenga
apedza ndokukatarisa kumeso kwaChuvu iko
kakabva kagutsurira musoro. Chama akatarisa
dhara riye achibva anzwa hasha dzake
dzichiuya asati abvunza, anga atoona akapeta
peta kamudhara aka.
"Mudhara kana muchinyepedzera kudzungaira
nhasi muchaona kuti matambira kunonyudza"
akadaro Chamavhudzi, mudhara uye akarohwa
nehana nekuda kwemashoko aya asi haana
kuda kuzviratidza "Ko kwakanaka here
muzukuru?" Akabvunza.
"Ndiudzei kumusha kwababa vemupfana uyu
kwamabva imimi pamwe nezita chairo rababa
vemupfana uyu zvese nezita ramukoma venyu
baba va Gwalala?" Akabvunza Chama. Dhara
rakatanga kubuda dikita nekuda kwemubvunzo
uyu, apa ranga risina kumusha kwaraiziva
kwaibva Gwalala. Uye zvekuti Gwalala
anemazita maviri raisaziva futi "Haana mazita
maviri uyu anonzi Gwalala" rakadaro dhara.
Chama akabva asimuka nehasha ndokuenda
pamudhara uye kwave svikotora ma girazi aye
"Ndoda munyatsotaura ndichiona maziso enyu
aya, bvisai izvi ndati muno....." Asati apedza
kutaura akabva aona magirazi aye aine camera
zvanga zviri pachena kuti mudhara uyu itsotsi.
Hasha dzakamubata Chama achibva akanda
magirazi aya pasi pamwe nekumatsika.
Zvadaro akabva abata kamudhara kaye pahuro
ndokukasimudzira mudenga kachinoputsa
zvivheneko zvake zvekuvheneka mumba
zvanga zvakanaka zvisingaiti uye zvichirati
zvinodhura. Paakaona zvadaro hasha
dzakawedzera maari "Mudhara iwe watumwa
naani pano?" Akabvunza Chama.
Mudhara haana kutaura anga odedera uku
kuzasi anga ato totesa ne weti kwanga
kwangosara dhodho chete. Akatambidzwa
gwati rembama yakanzwikwa maungira imba
yese zvese nepanze kuvachengeti vakayinzwa
mbama iyoyo "Ndati watumwa naani pano?"
Akabvunza zvakare Chama nenzwi rine hukasha.
Mudhara semunhu anga audzwa kuti
ngaasamboti bufu hake kutaura munhu
amutuma haana chaakataura akashinga
akarohwa zvakapisa tsitsi, kumeso kwakasara
kwaisa semunhu arumwa nemago. Akasvika
pakumurega aona kuti angauraya munhu, uye
akazviona kuti mudhara anenge audzwa kuti
asataura chunhu kana achinge abatwa.
"Chinzwa mudhara. Dzoka unoudza akutuma
kuti kwandiri makata mwana uyu ndingatogara
naye inini kana pasati pava nehama yake
inoziva vabereki vake zvese nehama dzake"
akadaro Chamavhudzi. Akabva abuda nedhara
riye kunorisiya kunze kwegate iye
ndokudzokera mumba. Achiri pagate
pavachengeti akabva ati kwavari "Mugare
makachenjera muvengi anenge aziva
pandogara so pfuti dzenyu ngadzigare
dzakachengeta huturu" akadaro Chamavhudzi
achinopinda mumba make haana kubvira
amirira mhinduro.
Uyuvo Chivhunambabvu pakabuda dhara iye
akasara akati fambei kanhambo ndokunomira
nechekure kwemba ya Chama pakona paanga
audza dhara. Ari ipapo akagara kwekanguva
dhara ranguri raenda pave paye nhare yake
yakarira vaiva mukuru GZ vanga vofona.
"Mukuru wangu" akadaira achidaro.
"Yaa Chivhu, mira wakachenjera pauri ipapo
dhara rinenge rapisira handichasi kuona chinhu"
akadaro GZ.
"Saka chatsva ndoenda kunovapedzera here?"
Akabvunza Chivhu.
"Ayewa imbomira izvozvo hapadi dzungu apa
munhu anemwana ndeuye watakapfigirisa
makore apfuura, atori nehukasha munhu iyeye
zvekuti kana ukaita zvekutamba unodyevhu
ikoko" akadaro GZ.
"Saka mati ndodii?"
"Mira ipapo pauri kwekanguva uone kana
kusvika dhara radzoka. Asi rikasadzoka
mushure mema minutes makumi matatu dzoka
uuye tironge zvinofamba" akadaro GZ. Havana
kuzotaura akawanda nhare yakabva
yadimburwa.
Akamira kwekanguva ari pakona ipapo dhara
risingauyi. Nguva yaanga apihwa dzanga
dzakwana, ave kuda kusimuka kuti achienda
ndipo paakaona mudhara uye ouya
achikamhinira uku akabata rwuoko. Akamira
kusvika asvika mudhara uye, Chichu akavhura
mota kuti apinde mukati vafambe. "Ko
matambwa ipi yacho mudhara mave kuita
kunge munhu arumwa nemago?" Akabvunza
Chivhu, vanga vangori vatobva pavanga
vakamira vave kufamba kudzokera kuZilonga
town kunova iko kwavaigara.
"Hakuna kumira mushe murume anogara
nekamwana aka haana tsitsi ende anesimba
rinopfuura ra Samson." Akadaro mudhara uye
achiseka hake, aisaziva zvaiva mberi kumurume
waaienda kwaari kuti haana munhu waanotuma
anonotadza basa osvika odya sadza rake maya
aitoita kuti upungudzwe kuvapenyu.
Vaviri vakafamba vachiita nyanya, havana
kutora nguva yakareba vainge vatosvika pamba
pa GZ. Vachisvika vakananga muroom
yavaisanganirana vachironga zvebasa,
vakawana GZ arimo achitenderera neroom yese
achishaya pekubata, ainge ave kuona ariye ave
kujeri kana akasabata kamupfana aka.
Paakaona Chivhu ne dhara vapinda mukati
akabva ananga dhara riye "Ndiudze chii chaitika
uye magirazi andakupa wamasiyepi?"
Akabvunza murume akaita kuvhura ziso.
Mudhara akaedza nepaakagona napo kuda
kurondedzera zvaitika asi hazvina kushanda
akazongonzwa kurira kwepfuti haana kuziva
zvakazoitika nekuti haana chaakazoona.
"Handifambi nendonda inini, Chivhu dana vanhu
vauye vatakure mudhara uyu munocheka
zvinodiwa. Mutumbi wake munorasa
kunoraswa vamwe" akadaro GZ. Chivhu akabva
adeedza varume vanoita basa racho vachibva
vasenga mutumbi wedhara riye ndokuenda
nawo kwavaiziva......
End of Chapter
Chapter 7
Chamavhudzi achingopinda mumba akananga
panhare yake achibva aitora ndokuenda pa #
dzasahwira wake Zazati. Akafona Zazati
achibva aidaira ipapo ipapo "Mumwe wangu"
akadaira achidaro.
"Wamuka bhoo here sahwira? Kunoku ma1
wangu." Akadaro Chama, akarondedzerera
Zazati zvanga zvaitika pamba pake zvese. "Yaa
saka pakaipa watozikanwa iwe kana zvadaro"
akadaro Zazati. "Handioni sekudaro ini nekuti
camera yacho ndaityora tyora haana kuenda
nayo. Asi chavapo ndechekuti muvengi ave
kuziva panzvimbo yandogara chete" akadaro
Chama.
Pfungwa dzachama dzaizviudza kuti camera
yauya nemudhara yaiva yekutora ichi recorder
ichisaver mucard Ichizono playewa vave kumba
kwavo. Haana kuziva kuti anga achionewa na
GZ pese paanga achitaura nemudhara uya
achiri mupenyu. Vaviri vakataura panhare
vachionesana, vakazo dimbura nhare vaudzana
kuti vaizono sangana kumafaro sezvo raivawo
zuva ravo.
Chama akaswera mumba make musi uyu
achigadzira gitare rake. Zuva ronopinda muna
Amai varo vanga vagadzirira Chama pamwe na
Chuvukelo. Vakarongedza zvinhu zvavo
vatopedza ndipo pakabva pasvika Zola uyo
anga achiita kupenya penya muviri wese kuri
kuchena. Akawana vana Chama vatobuda
mumba vari panze asi muri nechemukati
meyard "Sahwira wangu wepedyo" akadaro Zola
achiburuka mumota vachino mbundirana na
Chama, apedza kumbundirana na Chama
akabva ano mbundirana zvakare na Chuvukelo.
Chama akato katyamara nazvo kuti sei chuvu
asina kuita zvekumhoresa Zola neruoko
sekumhoresa kwaanoita Zazati? Akazvibvunza
aine kakufungira mumwe wake asi akasvika
pakusiyana nazvo akangoti ndozvavari vapfana
vacho vanoita zvavanenge vafunga.
Vaviri vakaedza kutaura vese Chuvukelo na Zola.
Zola akazosvika pakubvunza chama, ndipo
paakazoudzwa kuti mupfana wacho haatauri.
Haana kuzotaura naye zvakawanda, vakabuda
muyard vave kuenda Chama akasiya monya
rimwechete musi uyu mamwe ndokubuda nawo
aida kuti anovachengeta vari kumafaro
kwavaienda. Vakabuda vakapfuura vachinotora
Zazati vakawana nayewo atopedza kugadzirira.
Havana kutaura zvakawanda vakango
mhoresana ndokupinda mumota nekutosimuka,
vaifamba nemota mbiri ya Zola neya Chama.
Vakatyaira mota dzavo vakanopinda
muVhumani town ndokusviko tenga doro ravo,
vapedza havana kumira sezvo vaiziva kuti ndivo
vanhu vanenge vakamirirwa kumberi
kwavayienda. Vakabuda muVhumani
ndokubuda netara yainanga kumabvazuva,
vakaitevedza kanhambo vati fambei vanga vave
pedyo kusvika kwavaienda vakaona chiboard
changa chakanyorwa kunzi {Welcome to
Chidombo's Night Club} apa ndipo pavaienda
paChidombo club yaifarirwa neshoroma, vanhu
vane mari. Papakanaka panhu pacho waiti
ukasvikapo waisabvapo nekuyevedzwe
netwunhu twaivapo.
Vainge vasvika saka vakabva vakona nekatara
kaipinda paclChidombo pacho. Vasvika
vakapinda mukati vakaona mawandiro anga
akaita vanhu vanga vakava mirira kuti vazoridza.
Chuvukelo vakanokagarisa ku VIP ndiko
kwavakaona kachikodzera ikoko. Zvinhu
zvainge zvatosetwa kare nema DJ changa
chasara kungoti ivo vapindire nema gitare avo
vatangidze mafaro chete.
Vakasvika vakakonekits magitare avo
ndokutangidza mutambo, mafaro akabaka
vanhu vaitamba vari vaviri vaviri senjiva. Vanhu
vari pamafaro kudaro kunze kwakasvika mota
BMW M3 ye black, yakasvika ikamira
ndokubuda musikana anga achiita sengirozi
Amai magadharina kuri kunaka chete zvekuti
ayipfuura njuzu nekure nekuti chimiro chaanga
anacho aisa tsanangurika. Aburuka musikana
uye anga ari ega saka akafamba kunopinda
mukati maiva nemafaro, vachengeti vakamuona
vakamusiya achipinda ivo vavodonha masiriri
nekuchiva runako rwemwanasikana. Apinda
musikana uye akatarisa mukati ari nechekwaiva
nerima, akaona Chama achiita kunakidza vanhu
achiimba uku ndebvu dzichikorobha mic yake.
Anga achigarwa neshavi remafaro murume.
Musikana uye paakaona kuti ndiChama ari
kunaka vanhu akabva afamba kuenda kwanga
kune vakaita vaviri vaviri senjiva ndiko kwaiva
nechiedza. Asvika akatanga kutamba aripake
ega achimodhela modhela ziso rake raiva
nechinangwa munhu waaida kuti ave pedyo
naye ndiChamabvudzi chete. Chama ari
pakuridza kudaro akafambisa meso ake
kuvanhu ndobva vasanganisa maziso avo iye
nemusikana uye. Akamutarisa kudaro musikana
uye akabva abatwa nerimwe zirume iro
raizviratidza kuti raitoda nambureti zvechisimba.
Akaramba akatarisa Chama achiri
mukufananidza musikana uye, akabva afunga
zvakamboitika ndokuona musi uye
waakasangana neumwe musikana mutown
akamudhuma foni yake ikatsemuka.
Paakafunga kudaro akabva aziva kuti musikana
uye ndiye iyeyu waayiona zvakare musi uyu.
Paakaona achishungurudzwa nerume riye
akabva aburuka pastage zvisina vazhinji
vakaona, anga afunga kuda kuratidza musikana
zvipo zvaanazvo kuti hazvisi zvishoma.
Akafamba achiridza uku achiimba futi nekuti
mic zvese ne gitare rake zvanga zvaka
connectwa pa Bluetooth. Asvika parume riye
akasvika akarirova zvine munyati nesure
kwegitare rume richinodyevhu. Apedza kudaro
ndokubata musikana uye kuenda naye
kumusoro, mafaro akatangidzwa musikana uye
anga oimba zvimwe zvakafadza vanhu uye
zvikafadza na Chama kusvika akanda shoko.
Vaviri vakanzwanana vakapinda murudo nezuva
rimwechete iroro, mafaro akazopera
kumahusiku nguva dzavanga vaka bvumirana
nemuridzi we club dzainge dzaringana apa
kwaiva kuma 2 ehusiku.
Musikana uye akabva ati kuna Chama "mudiwa
ini nezvaitika nhasi ndave kutya kuenda kumba
ndega, hazviiti here ndino edzesa ndiri kwako
ndozomuka ndichienda kuseni" akadaro
musikana uye. Chama akabva ati "Hapana
chakaipa kumba kwangu ndiri ndega
nemupfana wangu uyu saka usatya hako
tingaenda" akadaro Chama. Havana kuzogara,
vakapinda mumota dzavo vainge vave kufamba
nemota nhatu. Vakapfuura vachinosiya Zazati
kumba kwake, Zola akazonangao kwake sezvo
anga ane mota yake. Chama nemamonya ake
vese nemusikana uye pamwe naChuvukelo
vakananga kumba kwaChama. Vakasviko pinda
mumba Chama ndokuendesa Chuvukelo
muroom yake sezvo airatidza kuti hope dziri
kumukurira.
Apinda muroom maChuvu akabva ati kwaari
"Worara zvakanaka mafana tomutsana
kwachena" akadaro chama achibva apira tsvodi
paruoko ndokubuda kuenda kune mumwe wake.
Akawana akagara, ndokutanga kuita nyaya
zvese nekubvunzana mazita. "Zita rangu
ndinonzi Saseka Mulungu ndiro riri pachitupa"
akadaro musikana uye. Chama akagutsurira
musoro ndobva abvunza "Umbori murudzii
iwewe? Mutupo wako zvese nezita unenge
usitori werudzi rwemushona" akabvunza kudaro
Chama.
"Hongu handisi mushona ndiri MuChangani
kumusha ndinobva kunonzi kuZilela ndiko kune
zvese zvangu" akadaro Saseka.
Vaviri vakaita nyaya uku vachimwa doro, Chama
anga oti akati imwei imwei obuda, ati imwei
obuda. Nguva dzava kuma4 Chama anga
achibatwa nechikara chekuda kupinda mubako,
saka akabva anyenyeredza musikana kutaura
taura zverudo. Vaviri vakasvika pakudyanana
miromo uku vachiratidza kuti vapera nedoro,
vakabva vatorana kunopinda muimba ya Chama
yekurara. Vari ikoko chama akaedza
nepaaigona napo kuda kupinda mubako asi
musikana akaomesa musoro kuramba chaiko
"Hazviiti taonana nhasi totorara tese tisati
tazivirana, ngatingorara pasina chatoita tozono
ongororwa ropa mazuvaano kune zvirwere"
akadaro Saseka.
Chamavhudzi Jnr vanga vakaita kubuda tsinga
vogwina sanike huku yadamburwa musoro. Asi
pavakanzwa mashoko aya vakabva vadzikama,
Iye Chama akabva aona zviri nani kuti
ambokotsira asiyane nekufunga zvakawanda
akazviudza kuti aizo mirira zuva racho sezvo
musikana ayimuda. Kukotsira kwakaita
Chamavhudzi mission ya Saseka yakabva
yaratidza kuti yasvika, akamuka ndokuisa
maoko kumeso kwachama zviye zvekuda
kuona kuti munhu arara here? Akaona kuti
shasha yava kuhope nekuti yainge yoridza
ngonono.
Akamuka ndokutora chibag chake kwave
kubudisa pfuti, akaibata ndokuitarisa kaviri
achibva anyemwerera anga atoona auraya
Chama apedza otakura chuvu oenda nacho.
Akaipaka mabara matatu apedza
ndokuitendeka kuna chama. Yakanzwikwa
kurira pfuti nevachengeti vanga vari panze
ndokumhanya kuvhura madoor kunopinda
mukati ndokuwana ayizve......
End of Chapter
Chapter 8
GZ mushure mekunge aona kuti plan yake
yanga isina kubudirira akazviudza kuti ari kuita
zano rimwe repiri sezvo aizviudza kuti
haapererwe, uye akazviudza kuti kana zano
iroro rikasa budirira zvakare aizoita kuti vanhu
vese vaakadzidzisa kurwa vaizonoita hondo na
Chamavhudzi. "Ndichaita rimwe zano kusiri
kare uyu munhu tikangomunyudza tapedza
tochitora mwana" akadaro GZ achiudza Chivhu.
"Itayi tione asi zvikakona ndonotora vakomana
Tino pedzera munhu nemaoko pasina pfuti"
akadaro Chivhuna.
"Yaa iwe chaungaita parizvino mhanya
kuvakomana unoita kuti vagare vakagadzirira
kuitira kuti panotangira nyaya vagare vari
vakarongeka" akadaro GZ. Chivhuna semunhu
aiziva kwaanga audzwa kuti aende kunova iko
kwaiva nevakomana haana kuda kutaura
zvakawanda nemukuru wake, akatora makey
emota yake. Oda kubuda GZ akabva ati kwaari
"Wofamba boenini ndichasara ndoita madhiri
angu kuno tikasire kudzikamisa munhu uyu asi
kana ndatadza tochiita zvevakomana vekarate"
akadaro GZ.
Chivhuna akagutsurira musoro ndokutyora
huso hwake zviye zvinoitwa nevashandi
vamambo vachiratidza ruremekedzo kuna
mambo kana mambokadzi zvese nekune
mwana wamambo. Haana kuzogara
akanopinda mumota yake ndokunanga kuchuru
kunova iko kwaiva nevakomana vaidzidziswa
kurwa na GZ. Muzimba repachuru maiitwa
zvakasiyana siyana zvaiita kuti mari ya GZ
irambe ichiberekana saka maiitwa zvakawanda.
Varwi vehondo yepfuti pamwe neye vemiseve
vaivapo futi, murume uyu aitova nesimba
rakawanda zvese nemari zvekuti ayigona
kubhadhara mari dhorobha rese achiti nhasi
haasi kuda kuti vanhu vafambe mutown kuri
kuwandirwa nemari chete. Chivhuna achisvika
kuchuru akawana vakomana vekurwa nemaoko
varimo muimba yekudzidzira kurwa vachitakura
simbi vamwe vachiita zvimwe, vamwe
ndevairovawo mapunching bag.
Kupinda kwakaita Chivhuna vese vakabva
vamira zvavaiita sezvo ariye mutevedzi
wemukuru wavo saka vaimuremekedza
paanenge apinda.
"Varume munosimba here zuva ranhasi?"
Akavamhoresa achidaro Chivhuna.
"Tiri boe" vese vakadaira vachidaro
pamwechete.
"Zvakanakai! Muchiona ndauya pano ndauya
kuzokuudzai kuti hanzi kwete kuti ndati, ayewa
asi ndati hanzi mugare makagadzirira kuva
varwi nekuti pane zviri kuitika saka munogona
kudiwa chero ipi nguva zvayo." Akadaro
Chivhuna.
Vakomana sevanhu vaidzidziswa kurwa pamwe
vachipihwa chikafu chekuti vafarire kurwa.
Vainge vava nechidokwa chekuda kurwa saka
havana kurambirana nazvo vaka bvumirana
nazvo pamwe nekutaurira mumoyo kuti dai
zvikaita sekudaro sezvo vaifarira kurwa.
Vakomana ava vanga vakadzidziswa kurwa
zvekuti havana wavairwa naye aizorarama
kwemakore anopfuura maviri kana rimwechete
zvaro. Akazobvako Chivhuna kuchuru
vakomana vave kutososonwa neshungu
dzekuda kurwa.
GZ paakasiiwa na Chivhuna akabva apinda
muroom memusikana uye wekunaka. Akawana
akagara hake akanyarara uku akatarisa nhau,
ayo ndiwo ndiwo magariro aanga ari nguva
dzese. "Ndine basa randoda kuti uite hombe
ndofunga mashandiro epano wave kumaziva
saka zvandinenge ndakutuma unoziva kuti
unotozviita ukazvigona hauna paunotadza"
akadaro GZ achiudza musikana uye.
"Handina chandinotadza magara munondiziva
wani?" Akapindura achidaro musikana sezvo
ainge oziva nyaya yacho uye munhu wacho
ainge akambomuona asi akasamuziva kuti
ndiye. Chinhu chakamunetsa ndechekuti moyo
wake wanga waedzwa ukaringanwa mushure
mekunge ambodhumana na Chamavhudzi musi
uye wavaka sangana kuVhumani. Hongu
akaona kuti Chama amuda asi naye pachake
moyo wake wakatorwawo newa Chama. Asi
paakaziva kuti munhu anga atora moyo wake
muvengi wemukuru wake akabva azviudza kuti
hazviiti kuti adanane naye akaona zviri nani kuti
arwe naye kusvika akunda hondo yacho.
"Ndinoziva so nyaya iripo parizvino ndinoda
uende kumafaro kwavari kuenda uko unofanira
kunoita plan yekuti munhu anyure murudo newe
asi nyaya iripo ndeyekuti usabvuma kurara naye
kana ukangodaro mission unobva waitadza, so
zvaunofanira kuita iwe unozviziva ini chandoda
kuti mupfana uyu ave pano chete" akadaro GZ.
"Ndakunzwai mukuru ini chandichaita kuuraya
chete ndokuti nyaya ipere iyi." Akadaro
musikana.
Vakabvumirana kudaro musikana pamwe na
Boss GZ, ivo GZ havana kuzotaura zvakawanda
vakasiya vamuudza nguva dzainge dzapihwa
vana Chama kumafaro kwavainzi ndiko
kwavaizono farira. Boss GZ vachibuda muroom
ya Saseka vakabva vasangana na Chivhuna uyo
akavaudza kuti ainge asanganisa vakomana
akavaudza nyaya yese yainge iri panzvimbo.
"Wagona rega tione kuti Saseka anopabuda
here?" Akadaro GZ.
Vakaswera varipo pamba pavo varume, vainge
vasingachashandi zvakanaka nekuda
kwekufunga pamwe nekutya kupinzwa panguva
yakaoma nemurume ainzi Chamavhudzi. Nguva
dzafamba ave manheru Saseka anga agadzirira
zvombo zvake, akazobuda akaperekedzwa
nemamonya aakapihwa ndokunosiiwa
kuChidombo. Hapana akaona kuti Saseka auya
nani? Nekuti akasvika ari ega, murume
akarohwa na Chama aiva mumwe wa Saseka.
Waitova musungo wanga wakatosungwa kuti
ndizvo zvichaitika sezvo Saseka anga achiziva
kuti Chamavhudzi aimuda aitoziva kuti
achagumbuka kana akaona munhu waanoda
achibatwa asingade.
Kudanana kwakaita vaviri zvainzwikwa
nemamonya anga ana Saseka pamwe na GZ
aizvinzwa nekuti saseka anga ane kanhu
kaitora mashoko avaitaura achinobuda
kumamonya pamwe nekuna GZ. Pavakazo
bvumirana kuti vari kunorara vese GZ akafara
aiziva kuti Saseka achapedzera munhu.
Vakabva kuChidombo vachiteverwa
nemamonya asi havana kuzviona nekuti vanga
vakadhakwa, mamonya akazo vhiringika
pakabuda Zola nemota yake akananga kumba
kwake. Pane kuti vatevere mota yanga ina
Saseka na Chamavhudzi vakarasika vachibva
vatevera mota yanga ina zola nekuti yanga
yakafanana rudzi neya Saseka. Mota ya
Chamavhudzi yakasara pamba pa Zazati,
ndizvo zvezvimwe zvakaita kuti mamonya a GZ
arasike izvozvo. Akatevera Zola kusvika
anosvika kumba kwake asi akashamisika
paakaona Zola achiburuka ari ega mumota
ndipo paakaona kuti arasika. Akadzoka kuedza
kunotsvaka pamba pa Chama asi akapashaya
kusvika afunga kufonera mukuru wawo GZ
sezvo aiziva kuti ndivo vakabata information
yese..
Ukowo Saseka paakaona room yakaradzikwa
Chuvukelo akanyemwerera achizviudza kuti
nhasi ari kuenda nako. Pakazodzoka Chama
oda nambureti vakaenda muroom mairara
Chama. Saseka akamboda kukurirwa
nechirongwa chake mushure mekunge anzwa
matsvoderwo aanga aitwa na Chamavhudzi.
Akazongoona kuti kana akaita zvekutamba ari
kuzourawa na GZ saka akabva audza Chama
kuti hazviiti kuti varare vese musi wavaonana.
Ndipo chama paakaramwa achibva arara hope
chaidzo. Sasekawo ndipo paakabva aronga
tsoro dzake dzekuda kuuraya Chama, akaita
zvese akaisa mabara matatu ndipo paakati
achida kuchidhuvura Chama akabva anzwa
kurohwa kwegoni, akatarisa ndokuona iri
shangu yake yanga yarova goni. Akadzosa
meso kuna Chamavhudzi ave kuda kudhuvura
akabva asanganidzana maziso na Chuvukelo
ako kanga kakamira kachiratidza kuti
kakagumbuka zvimwe zvisingaiti zvekuti
kunyangwe pakava neshumba pedyo yaizotiza.
Saseka achiona zvadaro haana kubvira
avhundoka akaramba aine pfungwa dzake
dzekuda kuuraya Chama, paakada kudhuura
Chama, pfuti yakazorira yorova mudhuri
yapihwa bhutsu na Chuvukelo ichinorira pasi
yorova madziro. Kurira kwayakaita ndiko
kwakabva kwamutsa chama uyo akamuka
akawana Chuvukelo chakafumbata zvibhakera
chakatarisana na Saseka.
"Chiiko chiri kuitika muno?"
Akabvunza Chama. Achingopedza kutaura
vachengeti vake ndipo pavakapinda avo
vakazosangana nevanhu vakamira vakapimana
semabhuru aguta zvirimwa zvevanhu avekuda
kurwa. Aiva Chuvukelo na Saseka vanga
vakamisidzana semabhuru, mamonya akashaya
kana neremuromo mushure mekunge aona
zvese izvi. Chamavhudzi akatarisa Chuvukelo
ndokuona kachiri kaka fumbatira zvibhakera
uku kakatarisa Saseka. Akambo sekerera
ndokuzobvunza zvakare "Chiiko chiri
kumboitika muno?" Akabvunza kureva kuti anga
asina chaanga anzwa anga vhundutsva ne
ruzha rwepfuti asi haana kuziva kuti ipfuti
yanga yamumutsa.
Saseka paakaona kuti Chamavhudzi haana
zvaanga anzwa akatarisa Chuvukelo akaona
kari kamunhu kekuti akaona kasina kodzero
yekumutadzisa zvaaida kuita. Akabva ajamba
kunobata pfuti akanzwa yatsikwa na Chuvukelo.
Chakaitika ndechekuti Saseka akati achijamba
uku Chuvukelo nako kachibva kajambawo
kachinotsika pfuti yaida kunhungwa na Saseka.
Iye Saseka paakaona zvadaro akabva afunga
kuita zvehasha kutakura pfuti iye, akabva aita
zvisizvo apo pfuti yakabva yabuda huturu kaviri
huchinorova muchengeti uyo anga akamira
pamukova, mabara maviri akapinda munyama
chaimo muchengeti achinodyevhu.
Chamavhudzi paakaona zvadaro ndipo
paakapepuka akaona kuti musikana wake ndiye
mhondiyaida kumuparadza, akabva asimuka
pamubhedha wake nehasha ndokusvikobata
Saseka zvinesimba....
End of Chapter
Chapter 9
Mamonya aGZ paakaona kuti arasika
haachazivi kwekunanga akabva afonera mukuru
wao. Vafonera mukuru wavo, mukuru
anodambura nhare ndokufona iye. Ayo ndiwo
anga ari magariro ake wese anomufonera
aisadaira kazhinji kana dziri number dzinyuwani.
Chimwe futi changa choshamisa GZ nguva
dzaakaona ma tracker emamonya ake ofamba
nenzira isiriyo yainge yafamba naSaseka.
Akashaya kuti chingava chiri chii chaizvo chiri
kuitika? Akazvibvunza mubvunzo uyu ane
kakunetsekana maari anga atoona vatadza
zvakare kutora Chuvukelo.
Akambofunga kuvafonera asi akaona kuti
anenge akasira kuvadzora saka akati kana
vafunga kutiza aizova tevera onovapedzera
sezvo aiziva mawaniro aaizoita. Apedza
kudimbura nhare akabva afona ipapo ipapo,
nhare ichingo dairwa akatanga kutaura ndiye
GZ.
"Chiiko chiri kuitika kwamuri vapfana imi?"
Akabvunza
"Tarasika tika tevera mota isiriiyo saka
hatichazivi kuti todii?"
"Vapfana imi musada kuita zvekutamba neni,
makatadza kuuraya kamupfana kaya ndimi
saka handidi kunzwa zvakawanda ndoda
mudzoke kuno nemupfana iyeye pasina izvozvo
musadzoka pano" akadaro GZ ndokudimbura
nhare yake. Akatarisa pama computer ake
ndokuona madonhwe ema tracker achiratidza
musiyano uri pakati pe tracker raSaseka pamwe
nere mamonya. Akaona kuti vari pedyo
napedyo ndobva aona zvichiita kuti avabatsire
kusvika pamba paChama.
Akava fonera futi ndobva atanga
kuvarondedzera mafambiro avaifanira kuita.
Akafamba navo kusvika vava pedyo. "Yaa mave
pedyo iko zvino chinangai kuside rekuruboswe
kwenyu mupinda pamba ipapo ndirikuda
zvandakutumai kuno." Akadaro GZ achidimbura
nhare yake. Mamonya akamisa mota paanga
anzi amire ndokugadzira zvombo zvavo,
vakapaka huturu mupfuti dzavo vapedza vese
vakaburuka kunanga pamba paChama.
Havana kumbobvira varasika zvakavaitira nyore
nekuti imba yacho yanga iri payo yega. Dzimba
dzemunzvimbo yacho dzanga dzakavakwa kure
nekure sepanogara varungu, paiva nemiti
dzaivapo zvekuti munhu aikwanisa kusvika
pamba pasina amuona aizoonekwa oda
kupinda pagate. Mamonya aye akafamba
akahwanda nemiti iye ndokunosvika pamadziro
emudhuru wepamba paChama, umwechete
wavo akadongorera ndokuona varume vaviri
vanga vari pamukova vakagara zvavo
vakavarairwa.
"Panhu pakashosherwa nevachengeti pano.
Saka tinofanira kungwara vakomana tipedzere
vanhu ava tipinde mukati" akadaro umwe
wemamonya aya. Achingopedza kutaura
vamwe vake vasati vapindura, pakanzwikwa
kurira kwepfuti mumba. Zvadaro akadongorera
umwe wevarume ava ndokuona mamonya ese
achinopinda mumba. "Zvanaka varume
ngatipinde mukati" akadaro umwe wevarume
ava. Vakamhanya kugate ndokusvika
vachijamba vachikwira nepagate vese vanga
vazara mukati vari vana (4)
Ukuwo Chamavhudzi paakaziva kuti Saseka
imhondi akasimuka nehasha ndokusvikobata
Saseka muhuro umu zvine simba. Mamonya
ake anga asara maviri mumwechete wacho
anga akarara akabata paaka rohwa nepfuti asi
pasingauraye hapo. Vaviri vanga vasara
vakabva vatakura mumwe wavo kubuda
muroom muye kuenda naye muimba yake vaida
kunobvisa mabara acho. Vakati vachipinda mu
dining room vakabva vasangana nevakomana
mamonya a GZ, pavakaona zvadaro vakabva
vatiza nerimwe divi ndokunanga kuroom yavo
yavaichinjira vese.
Mamonya aGZ haana chaanga aona, akafamba
kunanga kwaainzwa kutaura. Vari
mukunyangira kudaro vakaona chinhu
chakadarika mberi kwavo asi havana kuona kuti
chingava chiri chii uye nekwachanga chananga.
Vakaudzana nemasign ekuti vaviri vafambe
nerimwe divi vaviri nerimwe divi, vese vari 4
vakabva vapesana vakafamba vaviri vaviri.
Vamwe vaviri vakafamba nechekurudyi uku
ndiko kwaiva ne room yairara Chuvukelo.
Vakafamba kuenda ikoko ndobva vaona munhu
akatinzvee achipinda muroom. Yakanzwikwa
kurira pfuti asi isina ruzha yanga yakasungirirwa
inonzi silencer saka yanga isingaiti ruzha kana
ikaridzwa asi vaiva mumba umu vakainzwa.
Chamavhudzi akabata Saseka kudaro akatarisa
kwaiva naChuvukelo ndokuona asisimo,
akatarisa Saseka achiita kubvunda nehasha.
Akaona Saseka abudisa ziso zvakamunzwisa
tsitsi achibva amusiya pasi ndokutanga kutaura.
"Watumwa naani kwandiri iwewe?" Akabvunza
asi Saseka haana kukwanisa kupindura anga
achiri kukosora kosora sezvo anga
akadzvinywa huro.
"Ndiri kutaura newe musikana ndati pano
watumwa naani?" Akabvunza zvakare.
Musikana uye akabva apinza rwuoko rwake
muhapwa make ndokubudisa chinhu changa
chiripo chairatidza kuti changa chakasungirirwa,
achitora akabva achibaya paakabaya apedza
ndokuchikanda pa bed wa Chama.
"Ndiuraye usiye kundibvunza zvakawanda,
ndauya pano kuzouraya iwewe so kana
ndatadza seizvi hapasina chandicha raramira
so ndiuraye" akadaro Saseka.
Chamavhudzi akanzwa hasha
ndokuvhuradrawer raiva padivi pemubhedha
wake kwave kubudisa pfuti yaivamo ndokutora
tambo yaivamo kwave kusunga Saseka maoko
nechekumashure. "Handisi kukuuraya usati
wataura zvandiri kuda nhasi. Ndati watumwa
pano kuzondiuraya, ndiyani akutuma uye sei
uchiti zvawatadza kundiuraya ndikuuraye?"
Akabvunza zvakare Chama, asati apindurwa
akabva anzwa kurira kwepfuti kuroom ya
Chuvukelo. Haana kuzoramba achinetsana na
Saseka sezvo ainge otyira Chuvu, Saka akabuda
ndokuvhara door nekukiya, ndokumhanya
kuenda kuroom yachuvu achinopinda akawana
musina munhu. Akabuda kuenda kumamonya
ndokuwana asipo panze akashaya kuti chii
chave kuitika? Akanotarisa mumba yawo
ndokuwana muine uye anga akuvara chete
vamwe vasimo.
"Ko vamwe vaendepi?" Akabvunza
Chamavhudzi.
"Vabuda parira pfuti hameno kuti vazodii kunze
ikoko" akadaro monya uye.
Akasara kunopedza kutaura Chama atobuda
mumba, akasvika nekubuda gate iro ranga
rakavhurwa. Zvaiva pachena kuti vanhu vabuda
nepagate. Akabudawo ndokufamba akabata
pfuti mumaoko ati fambei asati asvika pakona
yaiva nechepamberi uchangobuda pamba pake,
akanzwa kutinhira kwemota pamwe nepfuti.
Akamhanya kuenda kwazvanga zvichirira
ndokuona hutsi hwemota, iyo mota
yaingonzwikwa kutinhira chete. Mamonya ake
maviri ayingoridza pfuti mumhepo mota
yatoenda.
Akafambisa kuenda kwaiva nemamonya ake
achisvika akabva abvunza "Chiiko chaitika
varume imi?" Mumwe wemamonya maviri aya
akabva apindura "Tatambwa apa mukuru
tapindirwa tiri mumba patatakura mumwe wedu
ndipo papinda mhondi dzikatora mwana"
akadaro monya.
"Uri kutaura kuti Chuvukelo ndiye atorwa here?"
Akabvunza zvakare chama. Monya rakangoti
"hongu shefu." Haana zvaakazotaura chama
akatendeuka kudzoka mumba ndokusvikotora
mota yake nekubuda. Obuda akasangana
nemamonya pagate avekuda kupinda. "Ndasiya
munhu mumba umo saka musapinda mukati
chengetai munhu iyeye asabuda ndodzoka toita
zano rekuti mumwe abatsirwe" akadaro Chama.
Vachengeti vakagutsirira misoro iye Chama
ndokuvhetemesa mota yake kutevera mamonya
aye. Kunze kwainge koedza saka mota dzanga
dzazara munzira vanhu voenda kumabasa, asi
iye Chama aingomhanya zvakadaro, marobots
aingosvika achipinda rakavhara.
Akatevera asina ani waaudza pamabhururu ake
ese, akatyaira mota kusvika anopinda
muZilonga Town haana mota yaakabata. Zuva
rakasvika mukubuda muna amai varo asina
mota yaakafungidzira, akatsvaka paakamisa
mota yake muri mujinga memugwagwa anga
ave kunzwa kuvhiringika nekuda kwezvanga
zvaitika. Akamira ipapo akabva afunga kubata
bhururu wake Zazati, akafona asi nhare haina
kudairwa. Akafunga kuti zvimwe angava
akarara sezvo vakabva kumafaro mahusiku.
haana kuzofona kwepiri akafunga kufonera
Zola uyu aiziva kuti haarari zvekusvika paku
kangamwa nhare. Afona Zola akadaira "Wadii
Chama hope dzatopera here?" Ndiwo
madaviriro aakaita.
"Wangu hapana kumira mushe kuno mwana
atorwa nemuvengi" akarondedzera zvese
zvanga zvaitika.
"Ha asi mudhara mune pamwe pamorasika imi
bby riye makatori chenesa zvekusvika
pakupinda naro mudheni, saka marisiyepi
izvozvi?" Akabvunza Zola.
"Zvaitika wangu handioni zvikazoitika futi, handi
unoziva here kuti ini handina bako randopinda
saka ndaiti ndazviwanira. Ndamusiya kumba
ndakamusunga"
"Ito dzokai kumba ndouya ikoko totangira ipapo
mubby uye ndiye achatiudza kwabva muvengi"
akadaro Zola. Chama akabva adambura nhare
ndokudzoka kuenda kumba kwake, haana
nguva yakareba yaakatora anga atosvika.
Akawana mamonya ake achitenderera nemba
ari mukati meyadhi, haana kutaura nawo
akananga mumba maChuvu achida kunoona
kuti ichokwadi haamo here? Akawana
zveshuwa hamuna munhu, akaridza tsamwa
ndokuzviudza kuti arikuda kupedzera shungu
dzake nekurova Saseka kusvika ataura munhu
amutuma. Akafamba ndokusvika achipinda
mumba make aine fungidziro yekuti anowana
munhu akazvipeta pakona pemba nekutya
kuurawa asi akashamisika paakavhura goni
ndokuwana ayizve......
End of Chapter
Chapter 10
Chuvukelo paakanoradzikwa na Chama
akanyepedzera kurara kusvika Chama abuda.
Kubuda kwakaita Chama haana kusara akarara,
akabuda mumba make kwave kunyahwaira
achityira kuti asaonekwa nevaviri vaimwa
hwahwa. Akanopinda muroom ma Chama.
Asvika akapinda mu wardrope kwave kuhwanda
seri kwehembe dzachama akavhura wardrope
zvishoma. Chuvu pachake kubva paakaona
Saseka haana kubvira amuchenesa asi kuti
audze Chama akaona zvisingaiti saka akaronga
zvinhu zvake amene kuti Chama azvionere
pasina kuda kumuudza nemuromo aida
azvionere nemeso.
Akaita nguva akahwanda achinzwa nyaya
dzichinaya kuvaviri Saseka na Chama.
Akaramba arimo mu wardrope haana kubuda
kusvika vaviri vazopinda mumba, zvese
zvakaitika mumba anga achizviona pamwe
nekunzwa zvaitaurwa. Pakazorara Chama uyo
Saseka oda kuchidhuvura Chama, akabva
abuda zvisina ruzha ndokunhunga shangu iyo
yaakazoshandisa pakuvhiringa kwaakaita
Saseka. Pakazomuka Chama haana kuzoda
kuramba ari muroom umu sezvo zvaanga
achida kuti zvionekwe na Chama zvanga
zvaitika Chama anga oziva kuti Saseka muvengi.
Pakabuda mamonya nayewo akasara akabuda
ndokuona mamonya aChama achitiza hondo,
akadzungudza musoro anga aona kuti hapana
zvevachengeti pamba apa. Akafamba
akahwanda vavengi vanga vapinda mumba
ndiye akazoonekwa atinzvee akananga kuroom
kwake. Akanopinda muroom make achivhara
door, apo ndipo paakazoonekwa nemamonya
aGZ kuti pane munhu apinda panova ipo
pakazoridzwa pfuti iyo yakazonzwikwa na
Chama. Paakapinda mumba make akasvika seri
kwegoni ndokumira akahwandira, ndipo
pakazopinda monya rekutanga rakaita
munyama rakapihwa bhutsu imwe yakari
tenderedza musoro richinowira uko. Monya
repiri parakapindawo naro rakapihwa yaro,
vakada kurwisa vari vaviri varume asi vakatadza.
Iye Chuvu akazovarairwa haana kuziva kuti
mamonya aya anga akawanda akazongonzwa
arohwa kumusana zvese nekuvharwa muromo,
haana kuzowana simba rekurwisa. Mamonya
paakangoona kuti awana munhu chaiye avaida
havana kuda kutsvaka Chama, vakatakura
Chuvu ndokubuda naye. Pavakasvika pagate
rakabva ravhurika vachibva vabuda
vakamhanya kuenda kumota. Zvese izvi
zvaiitika mumaziso emamonya aChama asi
haana kukwanisa kurwira, chinhu
chaakakwanisa kuita kuvhura gate kuti muvengi
abude vazonyepedzera kumudzingirira vanenge
vaityira hwavo hupenyu. Vakatevera kwainge
kwaenda vavengi ndipo pavakati vosvika mota
ichisimuka, vakasara voridza pfuti mota
yatoenda.
Akaizvambura mota mutyairi ayi tyaira mota
yemamonya aGZ. Mota yakamhanyiswa zviye
zvekuti vaisatoda kuti anotevera avabate,
mumarobots vaisamira vaingopinda achiri
akatsvuka kudaro. Vakafamba nguva
inokodzera kunge vangava vasvika kuZilonga,
vasvika muZilonga havana kupinda mudhoroba,
vakaita zvekupotera nechekunze kwaro
vachibva vanobudira pamba pa GZ. Zvekuti
vaiteverwa havana kumbobvira vazviona zvekuti
dai vaonewa naChama vaizosvikirwa
vakavarairwa. Vasvika pamba vakasvika
nekubudisa Chuvu vakaita zvekukatakura
ndokuenda nako muimba yavaisanganira
nemukuru votaura zvebasa, vakasvika
vakapinda ndokutsveta Chuvu pasi ivo
ndokugara pazvigaro vakamirira GZ kuti abude
aonane nekamunhu kaaida, asati auya
kwakatanga kuuya vana Chuvhuna.
Iye GZ paakapedza kufonera vakomana akabva
anopinda mumba make umo manga mune vana
sikana vaviri vanga vakamumirira kuti azova
shandira. Akatora laptop yake ndokunoi gadzika
patafura rake paaiona zvese zvaaida kunge
achiona arimumba make. Vasikana vari
mukupuruzira murume wavo umwe achidya
nambureti umwe achibata bata pese pese.
Rume rainge rapinda panguva chaiyo
yaienderana nezvaraiitwa, parakati rave kuda
kuti ritange basa rakanzwa kurira pa laptop
zvaidudzira kuti pane connection yadzimwa.
Akatarisa ndokuona iri connection ya Saseka
yanga yadzimwa. Mutambo hauna kuzotambwa
rainge ragumbuka, rainge raona zvakare Saseka
atadza kutora Chuvu.
Akaedza kuda kubatanidza asi zvakashaya
basa, akafunga kuda kufona asi akatya kuti
zvimwe anogonakupisira nhare yodairwa na
Chama. Akasvika pakuramwa ndokutarisa
madomhwe emamonya ake ndokuona ave
kutaura kuti ave pedyo kusvika panzvimbo apa
kwainge koenda kunoedza. Akadzoka pabed
ndokusvikorara nemanhede, vasikana
vakatanga zvakare mutambo wavo vainge voda
kuti vashandirwe vazowana mari sezvo vaiziva
kuti vakasashandirwa havawani mari.
Munongozivawo kuti mutambo uye hauna
anoukunda kazhinji kana mukadzi angokutanga
kukubata bata uri murume, kunyangwe
wakatsamwa john anomira chete ofunga
kuvhula gate. Wakatambwa mutambo kusvika
zuva rabuda muna amai varo. Vakomana vainge
vanguri vatosvika nemukomana. Wapera
mutambo vakatanga kunogeza vese vari vatatu
vapedza ndipo GZ paakazobuda kuenda
kuroom kwaiva nevakomana mamonya ake.
Akanopinda muroom macho akapfeka huso
hweshumba kuri kuda kutyiwa kana zvichinzi
vanga vasina kuuya nemwana. Akazo chinja
huso aona chikomana Chuvu chirimo
"Yaa ndiko kugona basa ka uku" akadaro
achifamba kuenda kuna Chuvu ndokusvikoka
bvisa dhende rakanga kakasungwa naro.
"Uri sei mupfana wangu?" Akadaro GZ
achimhoresa Chuvu. Chuvu pane kuti kadaire
kakadaira nekupfira mate zviye zvekuratidza
kuti kari kusemeswa nemunhu ayitaura nako.
Mbama yakakapihwa kamwana kevanhu
ndofunga kana nyeredzi kakadziona chete, asi
hakana kuchema kana kudii kakangotarisa
munhu akarova kwave kudzungudza musoro
pamwe nekupfira zvakare.
"Pano shungu dzako dzinoperera pasi usina
zvawaita, chero uchinamata sei pano ndipo
paunofira chete" akadaro GZ akabata Chuvu
pachirebvu. Akamboedza kuda kutaura nako asi
akasvika pakuneta nekuti kaisa pindura,
akambokasiya ndokuenda kumamonya ake.
"Magona basa manje mave nekodzero yekudya
mari yangu asi chinhu chandiri kutyira
chimwechete. Saseka kubva apinde mumba
memurume uyu angoita nguva diki ndine
connection naye network ichibva yarasa.
Maitiro acho anenge aputsa chirango atorara
nemunhu uyu" akadaro GZ. Anga otyira kuti
Saseka anogona kufumura nyaya yese.
"Ndichataura ne vakomana ndinzwe kuti vari
kudii zvandaronga kana zvikabudirira tochiuraya
kamupfana aka. imi parizvino imi mombozorora,
iwe Chivhuna tora kamupfana aka uende nako
kuchuru. Ini ndichasara ndichiona mafambiro
aSaseka pa Tracker rake sezvo abvisa chinhu
chandainzwa zvaiitika zvese" Mamonya akabva
asimuka ndokuenda kudzimba dzawo kozorora.
Chivhuna nayewo akabva atorana na Chuvu
kwave kuenda nako kuChuru.
Ukuwo Chamavhudzi paakapinda muroom
make aine fungidziro yekuti aizowana Saseka
akagara pasi, haana kumuwana akagara pasi
akawana akagara pabed pake uku asina
kupfeka chivhara ngozi. Anga akagara akavhura
makumbo uku akaisa maoko kumashure sezvo
anga aka sungirirwa. Chama paakaona
nambureti iri panze apa ichiratidza kuti richiri
dohwe risati ratsemurwa raingobuda husvusvu
huye hunenge tsvigiri. Waiva mukoko une huchi
husina mazana, akaramba akamutarisa nambu
yake iyeyo, pave paye ndipo paakazotarisa
kumeso kwake.
Paakamutarisa kumeso Saseka akabva
asimuka ndokufamba kuenda kwaiva nachama.
"Ndozviziva kuti une kakusandi chenesa mauri
sezvo ndataura zvekuti ndaida kukuuraya, asika
changovapo kuti undiitirewo zvandoda
kukumbira usati wandiuraya" akadaro Saseka
akamira akatarisa Chama mumaziso.
"Urikuda rubatsiro rwei iwe waramba kundiudza
akutuma? Iko zvino mupfana wangu aenda.
Handina chandokubatsira nacho asi
ndotokusungisa" akadaro chama oda
kusuduruka kubva pedyo na Sase, asina
kwaaenda akabva avharwa kuti asafamba.
"Kana uchiri neni pano ndichasara kufa
ndakuudza zvese asi ndoda kuti utange waita
zvandirikuda kukumbira" akadaro Saseka.
Akanzi ataure nyaya yake "Ndinokumbirao
chinhu one chete. Zvinhu zvawaida kundiita
wakadhakwa ndizvo zvandave kuda ndifewo
ndave kuziva chinonzi murume. Ndiri kureva
kuti ndife ndisisiri mhandara" akadaro Saseka.
Chama akabva avhura ziso kutarisa munhu
anga achitaura mashoko akaita seiwayo
zvinova zvinhu zvanga zvisina kumufanira
kukumbira murume kuti arare naye. z
Zvakamu shamisa zvisingaiti pamwe
nekuzvibvunza kuti sei achitaura zvekuti
imhandara nezvaaive ari runako zvese
nechimiro chakanaka? Uye sei achiti anoda kufa
asisiri mhandara? Akazvibvunza futi kuti ko
kana iye akasamuuraya aizourawa nani?
Mibvunzo yese yaakazvibvunza iyi yaisada kuti
azvibvunze iye, yaitoda kuti abvunze mwene
wazvo. "Sei uchitaura mashoko akadaro
wanzwa kuti ndinoda kukuuraya here?
Nyatsotaura nyaya yako chii chiri kuitika pauri?"
Akabvunza zvese zvaanga ambozvibvunza
mupfungwa dzake asi haana kupindurwa
zvakawanda akangonzi "Chandirikuda parizvino
ndechandakumbira zvimwe zvese tozotaura
ndawana zvandoda" akadaro Saseka, achipedza
kutaura ndokutanga kupa Chama tsvodi.
Vakatsvodana vaviri kusvika vese vapinda
mumagear acho, tambo yanga yakasungwa
Saseka yakazoitwa zvekudamburwa. Sika rudzi
ya Chama ikati yanga yava nemakore akawanda
isati yamboita mutambo uyu yanga yakaita
kumira semuchengeti wemukuri wenyika, yanga
yakati twasa!.
Saseka nayewo ainge onzwa kuida mukati
sezvo nayewo anga akanguri akazviona pafoni
zvichiitwa nevamwe. Akazoiridza mhere anzwa
john avhura gate zvechokwadi, Chama anga
abairira ane pfungwa dziye dzekuti zvimwe
ndirikuda kutambwa. Akazobvuma anzwa jonh
abatwa nerumano, vaviri vakatamba mutambo
wavo kusvika vapedza Chama akatumira mbeu
mukati chaimo "Iih zvazvorwadza nhai veduwe.
Wandikuvadza iwe ndizvo here izvozvi
zvawaita" akabvunza Saseka mushure mekunge
mutambo wapera ainge onzwa kuzasi koita
kunge kwasonwa nenareti kusina kutangwa
kwatindivadzwa. "Ndizvozvo uchapora simuka
hande kogeza ndine munhu ari kuuya pano saka
anofanira kuwana tageza uye unofanira
kuchindiudza zvese zvawandivimbisa"
"Ehoi ndinokuudza zvese asi ini ukasandi
sungisa ndiri kuzozviuraya ndomene" akadaro
Saseka.
"Ko sei uchidaro ndiudze ndione kana urimunhu
anobatsirika ndikubatsire?" Akabvunza Chama.
Saseka akabva atanga kurondedzera makuriro
aakaita kuti akakura achichengetwa na GZ, uye
vabereki vake haavazivi kuti vakaendepi?
Akamuudza zvakare kuti ane tracker raanaro
pagaro rekuti chero akada kutiza aizowanikwa.
Akataura zvakare kuti aisa bvumidzwa kuita
zvevarume paakazoonekwa kuti ainge akura
zvekuti ainge abva zera zvekuti chero ipi nguva
aizowana murume chero. Zvakawanda
zvaakataura nekudzidziswa kurwa kunoitwa
wese wechidiki anotorwa na GZ, akazo
pedzisira nekuti. "Izvozvi ari kutoziva kuti ndiri
pano ende akato gumbuka nekuda kwechinhu
chandabvisa ichi chayiita anzwe zvese zviri
kuitika pano nezvandotaura newe. Ende kana
kuri kuti watadza kundisungisa wonditi
ndidzoke uko ndiri kunofa chete" akadaro
Saseka.
Chama akanzwa tsitsi nehupenyu huri
kurarama vana vevanhu kunze uko "Saka
akauraya va bereki vemupfana wangu
unomuziva here?"
"Hongu vakato urawa nevakomana ivava
vatumwa naye mukuru" akadaro Saseka.
Zvainge zvave pachena sadriver we tractor, kuti
Chama achaziva zvakawanda kubva kuna
Saseka. "Hauchafi uye hauchadzoki kwavari
chero kukusungisa handichaku sungisi,
uchange uri mudzimai wangu kana uchida.
Tracker ndicharibvisa nhasi chaiye,
ngatichihande togeza tozotaura kana Zola
asvika." Vaviri vakatakurana ndokunogeza,
vapedza kugeza vakapedza Zola achinzi asvika.
Chama ndiye akabuda kuenda kumumwe wake
ave nepfungwa dzekuda kufonera chiremba
vake kuti vauye kuzobatsira monya rake riye
ranga rarohwa nepfuti.
Akafamba achifona chiremba vakadaira nhare
akavaudza chimiro chiripo, apedza ivo havana
kuramba vakabvuma achibva avaraira kuti
vanofamba sei kusvika pamba pake. Apedza
kutaura nachiremba akadambura nhare yake
ndokunanga kune mumwe wake "Uri sei
mumwe wangu?"
"Ndiri kwaye ini sahwira, ndazoti nonokei
kusvika unongozivawo vakadzi twumutemo
temo twavo" akadaro Zola.
Vakaita nyaya Chama achiudza Zola zvakaitika
zvese nezvaazoronga kuti vashandidzane na
Saseka. "Aaah zvichiita here chibaba kuchenesa
muvengi kusvika pakadaro, munoziva sei kana
uri musungo (setup) yamuri kuitwa?"
Akabvunza Zola.
"Ayewa wangu munhu uyu ndiye achatove
mudzimai wangu nekuti ndine zvandatoona
zvaita kuti ndimuchenese" akadaro
Chamavhudzi. Zola haana kuitisana nemumwe
wake nharo sezvo aiziva kuti kana angoti ichi
ndachida hapana aizomurambidza. Vakabva
vapinda mumba achino ratidza mumwe wake
bby, vapinda akati agare muimba yekugara iye
Chama ndokuenda kuroom yaiva na Saseka.
Akamuudza kuti ane munhu arikuda kumuona,
vakabuda vese ndokunogara vachiita nyaya
zvekuti Zola naye akasvika pakuona kuti
zveshuwa Saseka haachazi muvengi. Vakagara
vachiita nyaya kudaro vakanzwa kurira
kwebhera remota panze.
End of Chapter
Chapter 11
Pakanzwikwa kurira kwebhera remota Chama
haana kubuda panze akamirira kuti monya rake
riuye ritaure kuti ndiyani ari kuridza bhera.? Iwo
mamonya ari kunze ikoko pakarira bhera umwe
wavo akano dongorera nepaburi repagate sezvo
mudhuri wacho wanga wakati rebei.
Adongorera kudaro akawana iri mota yaasina
kuziva, vaive chiremba vanga vauya kuzorapa
monya ranga rakuvara.
"Ndingaku batsirai nei mukuru?" Rakabvunza
monya. Chiremba akatsanangura ,vaaida ndipo
monya parakaona kuti vaiva chiremba. Akabva
aenda kunodana Chama, Chama akabuda
paakaona vari chiremba akabva aratidza kuva
nemufaro.
"Titambire chiremba mukuru" akadaro
Chamavhudzi.
"Tambirai tambirai vebvudzi hombe" vakadaro
chiremba vari mumota yavo. Vakanzi vapinde
mukati nayo, vakapinda vava mukati
vakaburuka "Inga wani chisingaperi chinoshura,
ndiwe here Chamavhudzi wandoziva ave
nezuda" vakadaro chiremba vachiseka havo.
"Ndave munhu mukuru handichaiti zvevhudzi ini,
rangova zita chete rasara" akadaro Chama
achifamba kunanga kuroom yainge iine monya
rake. "Ndazviona hangu kuti Jeri rakuchinja, ko
aita sei murume uyu asi watanga kurwisana
nemunhu uya?" Akabvunza chiremba, vainge
vapinda mumba maiva nemonya.
"Arohwa ne pfuti zvaitika tisina kutarisira kuti
zvingadaro, saka imimi itai kuti mubvise
mabara acho kana mapedza mondiudza ndine
zvandoda mugoita futi" akadaro Chama.
"Ehoyi unoziva wani mashandiro angu
ndopedza manje manje" vakadaro chiremba.
Akavasiya voita basa iye Chama ndokubuda
kudzokera kwaiva asiya Zola na Saseka.
Akasvika akagara paainge akagara padivi
pemumwe wake Saseka. Havana kunyepa
vakuru pavakati rudo ibofu" chaiva chokwadi
chakapetwa kaviro, vainge vodanana vanhu
vaida kuurayana.
"Saka wawati toita sei nemwana Chama?
Nekuti kunhu kwaaenda hatizivi zviriko
tinofanira kuita zano rekuti timutevere."
Akabvunza Zola sezvo chainge chiricho chinhu
chaanga anyanyovinga pamba pa Chama.
"Mwana tofanirwa kumuwana nhasi handizivi
manje kuti tomutsvaka kupi?" Akadaro Chama,
apo kubvunza kuti aizowana kupi mwana aida
kunzwa Saseka kuti anoti kudi? Iye Saseka naye
akaita seainge anzwa kuti mubvunzo wainge
waka nangana naye saka akabva apindura.
"Mwana haasi kuzofa kana ini ndisati ndavako
kuna GZ saka nhau iripo kuti tibatsirane kurwa
hondo iyi, asi totamba taka chenjera nekuti GZ
ane varwi vakawanda uye maitiro ake anenge
anodyidzana nemapurisa" akadaro Saseka.
Asati apindurwa akabva ataura futi kwepiri
"Chimwe chinhu chandichiri kutyira tracker
randinaro rinogona kuita kuti ndizivikane kuti
ndichiri pano uye ndiri mupenyu saka rinoda
kubviswa. Rikangobva anogona kufungidzira
kuti zvimwe ndafa ndauraiwa na Chama"
Mashoko aya akanzwisisiwa nevaviri Chama
pamwe na Zola, vaka bvumirana nazvo apo
chama akabva ati "Tracker ndatotaura na
chiremba vacharibvisa vapedza zvavari kuita"
akadaro Chama.
"Kuti ndibviswe na chiremba hazviiti wadii
wandibvisa iwewe kana kuti nditsvakire banga
rinopinza kana razor ndizvibvise ndega"
akadaro Saseka anga achityira kubatwa
magadziko nemumwe murume asiri Chama.
"Mudiwa unotya kubatwa magaro nachiremba
hauzivi here kuti pauchapona vachatokubata
kuzasi chaiko? Hazvina basa izvo handi
ndinenge ndiripo here?" Akadaro Chama
achiseka hake. Vakambo itisana nharo kusvika
Saseka azobvuma, chiremba vainge vapedza
basa vatove mumba maiva naana Chama
pamwe ne monya ravanga vachibvisa mabara
ranga ratosungwa mabandage ropa
risingachabudi. Vakambo kumbira mvura
yekumwa chiremba vasati vatanga basa
rekubvisa Tracker. Akanzi anochera mvura
yacho muimba yekubika ndiSaseka.
Achangobuda Saseka kunze kwakaita munhu
akagogodza goni, akasimuka Chama kunotarisa
kuti ndiani achibva awana ari mapurisa pamwe
nemumwe mudhara anga aine mapurisa ari
wechikuru kuzvima kumi mashanu ikoko.
"Ndingaku batsirai nei?" Akabvunza Chama.
"Tauya pano nehama yemwana ndiyo iyi"
akadaro mupurisa anga agogodza goni wacho.
Mashoko aya akaita kuti Chama apererwe
nemate mukanwa nekuti aiziva kuti zvazvainge
zvadaro yatove mhosva kwaari nekuda
kwemwana wacho anga asipo. Haana
kupindura akaramba anyerere achibva avhara
goni ndokudzokera mumba, mupurisa haana
chaakataura akazviudza kuti Chama aenda
kunotora mwana. Chama apinda mumba
akasvika paiva nevamwe vake ndokuti kwavari
"Zvinhu handioni zvikamira mushe, mapurisa
auya nehama dzemukomana apa haapo"
akadaro Chama.
"Kana zvadaro zvanaka ka totoudza mapurisa
nyaya yacho toenda tese" akadaro Saseka.
Mashoko akasunungura Chama achifunga kuti
zvimwe aizobudirira panyaya yacho. Akabuda
ndokudzoka kumukova kwaiva nemapurisa aye.
"Ndine hurombo mwana uye abva mukutorwa
nhasi nevamwe varume vatoita zvekumuba
a....." Asati apedza kutaura akabatwa mukanwa
nemashoko nemurume uye ainzi ndiyo hama ya
Chuvukelo.
"Handisi kuda kunzwa ngano mukoma wangu
ndauya kuzotora mwana wamunin'ina wangu
pano pasina izvozvo ijeri iri" akadaro mudhara
uye achiratidza kuti ainge achinja chiso
nekugumbuka. Chama akashaya kana
neremuromo nekuda kwemashoko ainge
ataurwa nemudhara wacho.
"Saka mukoma ndosaka makaramba kuti
musiye mwana maida kuzotengesa mwana
wevanhu here?" Akabvunza mupurisa.
"Ayewa mwana atobiwa nhasi uno ndini
ndingaita mumiririri waChama" akadaro Saseka
anga auya kubva mumba mushure mekunge
onzwa kukandiranwa kwemashoko panze.
Yanga yava dai ndakaziva kuna Chama, wanika
vakuru vakataura vakati "dai kufunga kwebenzi,
dai ndakaziva haitungamiri." Akafunga kuti
ndiye achakwanisa kudzimura moto wacho izvo
kwani ndiye akato kuchidzira, pane kuti adire
mvura akadira iri peturu chaiyo Saseka.
"Hoo makato tengesa mwana mari yacho ndiyo
yamato unganira pano kuti mudye nhai? Manje
chinzwai munzwe, mese muripano masungwa"
akadaro mupurisa uye achideedza vamwe kuti
vasunge wese aiva mumba yaChama. Vanhu
vese vaiva mumba vakasungwa kubatanidza na
chiremba. Chiremba vakamboda kuramba hanzi
handina chandoziva asi vakanzi unoziva,
zvakanzi ukagota moto wembavha newe
watovewo mbavha. Vakamboedza kubatanidza
mashoko kuti vasasungwa asi hazvina
zvazvakashanda. Vasati vabuda Chama
akaringa ringa mativi kutarisa vachengeti vaviri
vake akavashaya. Akato shaya kuti vangava
vanga vaendepi? Semunhu anga asungwa
haana kuda kuvatsvaka akakiya imba yake
magoni ese apedza ndokubuda kunopinzwa
mumota yemapurisa. Mota yakatyairwa kuenda
kukamba vachiri munzira chiremba
vakambobvunza kuda kuziva sezvo vanga vasiri
kunzwisisa mhosva yavaisungirwa.
"Ko mwana wacho watiri kusungirwa amboita
sei? Ichokwadi kuti wakatengesa mwana here
Chama?"
"Handina mwana wandakatengesa ini mwana
uyu ndiye akonzeresa kukuvara kwemurume
uyu (kureva monya) zvadaro abva atoshaikwa
pamba vanhu vamutora ndavashaya" akadaro
Chamavhudzi, akarondedzera chiremba nyaya
yose manhungiro aakaita Chuvu zvekuti
akasvika pakudemba zvakare kuti dai anga
asina kubvira akamunhunga. Ainge ozviona
avharirwa mujeri zvakare asiya hwahwa.
Mota yemapurisa yakasvika pakamba
ndokuburutsa vana Chama kuenda navo
muhofisi. Vasvika vakawana mukuru wemo
arimo "ko vanhu ava mavawanepi?" Akabvunza
mukuru, asati apindurwa nhare yake yakabva
yafonerwa achidaira.
"Mukoma wangu" akadaira achidaro, ari kune
rwumwe rwutivi akabvunza zvaakabvunza apo
mukuru akambotarisa vasungwa neziso rinenge
rechitsotsi. "Hongu yaa haa aripo" akadaro
mupurisa uye wekunerimwe divi akambotaura
kwekanguva mupurisa akango nyarara nhare
yakazo damburwa mushure mekunge
mupurusa adaira kuti "tichaona musi wacho, asi
musatya zvangodai chete zvanaka" ndiwo
mashoko akava ekupedzisira emukuru paainge
afonerwa.
"Mati vanhu ava mabva navo kupi uye mhosva
yavo ndeyei munenge makavasunga?"
Akabvunza mukuru.
"Vanhu ava ndivo vakauraya vabereki
vekamukomana kaye kavakauya nako paye
vachinyepedzera kutiita chikuku vata-vata.
Nhasi kwauya hama yako iyi ichikada tawana
kasiko vanenge vakatoka uraya" akadaro
mupurisa umwe uyo anova iye anga auya naana
chama. Mashoko aya Chama aimanzwa
achitaurwa akaterera hake achinzwa
achipomerwa mhosva yaaisaziva.
"Sei muchiti ndivo vakauraya vabereki vamwana
uyu ivo vakauya naye vachitsvaka hama dzake?"
Akabvunza mukuru uku achinyora nyaya inenge
yapindurwa yacho.
"Tadaro nekuti mwana tamushaya vari kuti
abiwa asi chatikatyamadza tawana vakatogara
vachimwa havo hwahwa. Zvimwe handi paye
takanotora mafingerprints kuimba yevabereki
vekamupfana so chimboedzai kuvatora ivava
mufananidze neaya tione zvikasa enderana"
akadaro mupurisa uye. Mukuru akambobvunza
Chama kuti chaiva chokwadi here asi iye
Chama semunhu wehasha misodzi yainge
yochururuka mumatama nehasha zvekuti ainge
ava nepfungwa dzekuda kurwisa mapurisa asi
Zola akakasika muzvikona achibva apindura.
Asi haana kubudirira, vakanzi vanotorwa
mafingerprints vaone kuti haaenderane here?
Vakanoita sekudaro munhu akatorwa kutanga
ndiye Chama. Mafingerprints akabva abuda
akafanana neakatorwa kumba kwaGwalala,
mhosva yakabva yatoonekwa iina Chama.
"Nxaa ndomhondi dziri kupedza vanhu idzodzi,
shamwari torana nevanhu vako ava uende navo
kwakakodzera mutongo wavo uchanotongerwa
kucourty ndiko kwavachanotaura kwavakaisa
mwana ikoko" akadaro mukuru uye.
Vakasengwa varume vatatu nemukadzi
mumwechete kwave kuendwa navo kuchitokisi
kunovharirwa.
End of Chapter
Chapter 12
Pakabuda mamonya aGZ kuenda na Chuvukelo
kuchuru, iye GZ akasara ndokunopinda mumba
maanga asiya vasikana vaviri avo vanova ivo
vanga vari vakadzi vake husiku hwezuva iri.
Asvika haana zvakawanda zvaakataura navo
sezvo zvaaida iye ainge azviwana. Akananga
panogara mari yake kwave kutora yaanga
atenderana nevasikana vacho kwave kuvapa.
"Endai kunze kwegate ndichatuma munhu auye
akuperekedzei kwamabva" akadaro GZ.
Vasikana sevanhu vanga vawana mari yavo
vakaita zvainge zvaita murungu rume wavo. Iye
akasara mumba achibva afonera mutyairi
wemotokari kuti atakure vasikana aende navo.
Apedza kufona akabva agara achiruka zano
rekuda kuziva kuti Saseka aiva apanduka here
kana kuti anga achibatirwa na Chama kuti
asadzoka kwake?
Akakagara kudaro uku akaringa laptop yake,
kutarisa Saseka achitoona kuti achiri mupenyu
asi kuti afone aityira kupisira futi. Zano
rakazouya kwaari akambo sekerera, pfungwa
dzekusungisa Chama dzakauya zvakare maari
apo paakabva afonera mukuru wemapurisa
akataura naye akaudzwa kuti abuda mari refu
kwete pfupi sezvo vaiziva kuti varikudya basa.
Akabva ati kwavari "Mari kwandiri mapepa imi
ingoitai zvandareva chete kana mapedza mari
ndichatumira kana kuuya nayo" akadaro GZ.
"Zvakanaka asi panoda zano rakakora rekuti
tivabate handizivi tingaita sei?" Akabvunza
mukuru wemapurisa.
"Rega nditsvake munhu mumwechete
wechikuru auye azoita kunge hama yemupfana
uye ndiye munhu achasungirira vanhu iyeye"
akadaro GZ.
Vakabvumirana vaviri nhare ichibva
yadamburwa. GZ akabva afunga mumwe
mudhara waaiziva panhau dzekuda mari kuti
akangomuudza nezvayo aiuya achimhanya.
Akafonera mudhara wacho akamuti auye,
mudhara uye akauya akaudzwa kuti ari
kuzomupa US$300 kana achinge akwanisa
kuita zvaaida. Mudhara uye akabva ati
zvishoma kwaari aizoita izvo chaizvo. Zvanga
zvave pachena semutyairi wetarakita kuti
vemutemo vanoshandidzana na GZ sekutaura
kwaimbenge kwakaitwa na Saseka achiudza
vana Chama. Mudhara akapihwa mota yake
pamwe nemutyairi aizomuperekedza kwaanga
atumwa. GZ anga ozviudza kuti kana Chama
achinge angobatwa chete aida kuti Saseka
adzoke panzvimbo, kana akaziva kuti yave
mhandu yake aida kuzomuuraya zuva
rimwechete na Chuvukelo, ndivo vanhu vaainge
otyira kuti vakangovapo musi wedare vanogona
kuita kuti Chama asavharirwa.
Dhara rakaperekedzwa kuVhumani town,
rasvika kukamba rakawana mapurisa aizoenda
naro kwaChama avako atopedza kugadzirira.
Harina kugara rakasvika nekutora vemutemo
ndokupfuurira kumba kwaChama rakapfeka
huso hwebasa. Vasvika kwaChama vakatora
munhu wese aivako kunze kwevachengeti vaviri
avo vakati vachingoona mapurisa ndokutiza
havana akavaona kuti vaendepi. Vadzoka
kukamba mukuru paakafonerwa aifonerwa na
GZ anga achibvunza Saseka kuti aizotoreka
here? Mukuru ndipo pavakapindura kuti aripo iri
nzira yekuvhara kuti vana Chama
vasafungidzira kuti pane dhiri riripo, iye GZ
akaziva nyaya yacho haana kuzotaura
akawanda.
Dhara rainge rapedza basa harina kuzogara
rakabva radzoka kwaGZ richisvika rakatendwa
rikapihwa mari yaro. Chinhu changa chasara
kuti GZ achinotora Saseka, akadeedza Chivhu
kuti auye kuroom kwake. Akauya achibva anzi
"Ndinoda undiperekedze kumapurisa eku
Vhumani ndinobhadhara mari yekuti Saseka
abude kwaari handidi kuti asungwe, kana
apanduka tofanira kumuuraya zuva rimwechete
nekamupfana kaye" akadaro GZ. Chivhuna
haana zvaakapindura akango gutsirira musoro
sezviya zvinoitwa nechidhanana chiye
chemusoro weblue chinonzi chigumukumu.
Zvaidudzira kuti ainge anzwisisa zvainge
zvataurwa nemukuru wake. Vaviri vaka
gadzirira ndokubuda kuenda ikoko vachisvika
vakawana mukuru uye aripo vachibva vataura
naye nyaya yemusikana zvese nekuvapa mari
yacho.
Havana kunyepa vekutanga avo vakataura
vakati mari ine chitema, ichokwadi mari
yaizviratidza kuti ine simba rekuti inokwanisa
kuitisa munhu yese yese. Mukuru wemapurisa
anga apihwa mari yakawanda iyo yaaizo govana
nevamwe vake. Akasimuka omene mudhara
uye ndokuenda muchitokisi kwaiva na Saseka,
akasvika akavhura door ndokuti kwaari "Simuka
hande urikudiwa ku office izvozvi" akadaro
mukuru. Saseka haana chaakapindura
akasimuka anyerere ndokufamba vaviri
vakatungamidzana kuende kuoffice.
Akashamisika pamwe nekurohwa nehana
Saseka mushure mekunge aona GZ. Akamboda
kuramba kupinda muoffice asi akazviona ega
kuti chimiro chiripo kana akaita dzungu
zvaizofa kwaari. "Mr G Zarire ndiyoka hama
yenyu iyi yamuri kutsvaka?" Akabvunza nhema
mupurisa uye seasina chaaiziva.
"Hongu mukuru wangu maita basa. Saka
mungamu sunungura mondipa ndoenda naye
hanguzve handi find ndabhadhara here uye uyu
haana mhosvaka?"
"Ehoyi angobatanidzirwa uyu mhondi chaidzo
dzirimo umo" akadaro mupurisa uye kwave
kusunungura Saseka.
Iye Saseka aisada kuzviratidza kuti adhiniwa
nevanhu ava kuri kutya kuurawa asi GZ aizviona
kuti Saseka pane zvirikuitika paari aimuona kuti
achinja saka akazviudza kuti vaizo pedzerana.
Havana kuzogara vakaonekana ndokunopinda
mumota yavo avoo vakananga kuZilonga
kumba kwake GZ. Vakafamba nzira yese pasina
ambotaura nemumwe, vasvika vaka
tungamidzana Saseka na GZ vakananga
mumba mavaitaurirana nezvebasa. Vasvika GZ
ndipo paakatanga kuchibvunza "ndiudze chii
chakaitika handidi kunyeperwa unondiziva?"
Akabvunza GZ akapfeka huso hwembada.
Saseka haana kumbovhunduka kana kudii ainge
ozviudza kuti hapana kusiri kufa.
"Ndakakurirwa nemunhu uye ndiye akadzima
connection, saka vanga vakandi vharira vachiti
varikuda kushandisa inini kutevera mwana"
akadaro Saseka.
"Hauna chawakavaudza here?"
"Magara munoziva wani handiiti chimero
chakadaro" akadaro Saseka onyepa hake oedza
kuda kuchengeta hupenyu hwake akamirira
Chama nekuti ainge azvipira kuva mudzimai
waChama saka munhu aimushaisa mufaro aiva
ndiye GZ.
"Wagona basa so hapana zvaakuita here?"
Ipapo Saseka ndipo paakairasa akabva ati
haana zvaainge aitwa, achibva anzi.
"Kana zvakadaro zvanaka nhasi ndoda
kuzvionera huya nditevere" akadaro murume
ainge afunga kuda kunyepedzera kurara naye iri
nzira yekuda kuona kana Saseka asina
kutorerwa humhandara, izvo zvinhu zvaanga
anguri aona asi aida kunatsobata chokwadi.
Vapinda mumba vaviri Saseka haana kukwanisa
kuramba sezvo aiziva kuti munhu wacho kana
asvika panguva yekuuraya haana nyena. Akaita
kumukurura panty ndokumuradzika, apedza
kudaro akanyepedzera kuita seanga akurura
bhurukwa kuti jonh avhure gate. Zvadaro
chaakaita akabva atuma chikumwe chake
chepakati kuti anzwe kana mukoko uchine
huchi husina mazana, ipapo ndipo pakaresveka
zvinhu zvese. Chikumwe chiye chakaitawo
sechinengozi nachoo nekuti chakasviko
dzimbira chironda apo Saseka akabva awaruka
pamwe nekuyuwira kuratidza anga arwadziwa.
"Nxaaa watove muvengi wangu haukodzeri
kurarama iwewe, wakarara naChama wapedza
wonyepera inini kuti hauna zvawaitwa" Akadaro
GZ nezwi rine hukasha achibva pamusoro pa
Saseka uku achipukuta ropa nehembe
dzaSaseka. Haana kutaura zvakawanda kana
kumirira mhinduro kubva kuna Saseka, chinhu
chaanga ofunga kuuraya chete. Akadana
muchengeti wake kuti auye atore Saseka
anomupinza muroom maiurairwa vamwe aida
kuvauraya vari vaviri na Chuvukelo. Muchengeti
akauya akasvikoita zvekutakura mwana sikana
kwave kuenda naye kunomuvharira achibva
asiya amusunga maoko.
GZ akabva anopinda muimba yavaiitira meeting
yavo, akabva ati kuna Chivhuna "Hapachina
chekumirira apa mhanya unotora kamupfana
kaye tigare tapedza nevaviri ava" akadaro GZ.
Chivhuna akatora mota yake ndokuenda
kuchuru, akatora nguva yakakodzera kuti
asvikeko. Asvika haana kuda kuita nguva
yakareba akatora mukomana kwave kubuda
naye haana kumusunga sezvo aiona kari
kamupfana kwaari. Chuvukelo paakapudwa
naye akabva aita masign ekuratidza kuti arikuda
kurasa mvura, akanzi arase ipapo asati apinda
mumota. Akati achirasa mvura kudaro pfungwa
dzake dzaimuudza kuti tiza asi paakaona
musango muine vanhu vaiita semiti vari
vachengeti akabva adzikama. Akarasa mvura
akaita zvekutumba semunhu wechikadzi
abatwa nekuda kurasa mvura ari mudhorobha
apa akapfeka bhurugwa kunge murume,
munongozivawo hunhu hwevakadzi ndiwo
maitiro akaita Chuvhukelo. Apedza akanopinda
mumota, Chivhuna akamutsa mota kwave
kubva panzvimbo kudzokera kwaanga abva.
Asvika patara ada kubuda munzira yevhu oda
kupinda mutara, paiva njanji iripo inotevedza
tara saka kwakauya chitima chakabva
chamutangira kupfuura, achbva amira. Ipapo
Chuvukelo kakabva kaona uri mukana
wekushandisa. Paye pakarasa mvura
kakatumba kane dombo rakakanhunga zvisina
ani akaona saka ndiro rakakafunga kushandisa
ipapo.
Kakatarisa widow rekumashure kakaona ririro
ringakurumidza kupwanyika. Kakazviita nguva
diki kakaita kuposhera zvine simba uku
Chivhuna anga akatarisa chitima, chatopfuura
paakada kuti achipinda ndipo paakaona
kumashure kwashama mupfana asisimo
mumota abuda ave kutiza. Akatarisa panze
kwave kukaona kari chinhambo kachimhanya,
akabva abuda aine pfungwa dzekuti pamwe
achakabata akaedza kukadzingirira akakatadza
zvekuti akapedzisira afonera GZ kuti atumire
vanhu vazomubatsira kutsvaka. GZ achinzwa
nyaya iyi nehasha naye akabva abuda
nemamoya ese kwave kusiya rimwechete iro
raakati richengete pamba. Dzakabuda mota
mbiri dzikanopinda musango kunovhima
Chuvukelo, vakavhima kusvika vaneta.
Vazoneta ndipo pavakaona kuti zvirinani
vadzoke kumba vaizoita rimwe zano. GZ anga
oda kunopedzera shungu dzake kuna Saseka,
kuti atsamwira Chivhuna zvaisaita nekuti
aimutya.
Vasvika kumba akananga muroom manga
masara Saseka ndokuwana angori machira
chete. Akatsvaka muchengeti uye anga asara
akamushaya, rume rakadzvova sebhuru
rabayiwa nenyanga yerimwe bhuru, kuri
kuchema kumbai ridza mhere chaiko.
End of Chapter
Chapter 13
Kuronga kwakaitwa na GZ paakatuma Chivhuna
kunotora Chuvu. Zvese zvaiva munzeve
maSaseka sezvo room yaanga ari yaiva pedyo
ne room yaiitirwa meeting. Akaona pake
pamuperera kuti abude mumba umu
maisabudika nekuti anga akakiyirwa.
Hapana munhu asingazivi kuti kudenga kuna
musiki anova iye muridzi wedenga nepasi
nezvese zviri munyika. Kana zvinhu zvichinge
zvaoma ungava uri godobori, chidhakwa,
pfambi, mhondi kana mbavha. Kana uri
panguva yakaoma mwari unovarangarira chete,
ingava iri Shumba hongu haitaure zvayo asi
kana yave nenzara inovhima chipenyu kuti
iwane kuguta. Munamato wayo ipapo kuti
mwari ayibatsire ikwanise kumutsa imwe muka
iyiuraye iwane kuguta. Iyovo mhuka kana
ichinge yaona Shumba painotiza paye
munamato wayo kuti mwari vaibatsire kuti
isaurawa. Minamato miviri yakafanana inoenda
kuna musiki asi vachadaira umwechete pakati
payo.
Ndizvo zvinova izvo zvaiva pakati paSaseka
pamwe na GZ. GZ ainamata kuti akwanise
kuuraya vaviri ava kuti huipi hwake husabuda
pachena, Saseka nayewo ainamata kuti abude
mukanwa meshumba kuti asaurawa ndiyo yaiva
mhuka isiri Shumba. Pakazobuda GZ afonerwa
na Chivhuna kuti atume vamwe vachengeti
vazomubatsira kutsvaka Chuvu, iye GZ achibva
aenda pachake dziri hasha dzanga dzamubata.
Saseka paakanzwa mota ya GZ yotinhira
akanyemwerera akazviudza kuti zvake zvinenge
zvaita. Zvadaro haana kuita dzungu akatanga
kusunungura tambo iye kumashure zvinyoro
nyoro kusvika ya sununguka. Apedza
kusunungura akabva adanidzira "Ndiyani ari
pedyo andipewo mvura yekumwa" akadanidzira
kudaro.
Muchengeti akanzwa kutaura ndokusvedera
pedyo kuda kunzwa zvanga zvichitaurwa
zvacho. Akazvinzwa Saseka kuti pane mutsindo
wekufamba kwemunhu ainge asvedera pedyo
naye saka akabva adanidzira zvakare
"Ndokumbirawo mvura veduwe ndatsva"
akadaro
"Unomwa mvura iwe uchida kufa here? Dzikama
uko" akadaro muchengeti uye.
"Usadaro iva nemoyo wekubereka chero ndikafa
hangu asi wandibatsira makomborero iwayo,
ndokumbirawo chero shoma shoma zvayo"
akadaro Saseka. Muchengeti uye akanzwa tsitsi
ndobva ati ari kuzomupa.
Akanochera mvura yacho ndokudzoka mumba,
akakinura goni kwave kusiya bargla "ooh"
akadaro achitambidza akamira nechekunze.
"Nhai Gede ndoitambira sei mvura yacho handi
ndakasungwa here? Apa andisunga wacho
ndiwe, pinda undimwise unobvei?" Akadaro
Saseka. Gede akabva aseka hake achikinura
bargla "Ndaiti pamwe zvamuri varwi vakuru
munogona kusunungura ka oooh" akadaro
Gede anga atopinda mukati oda kumwisa
Saseka mvura. Bhutsu yaakapihwa kuzasi
kusikarudzi uku haina kumira mushe, rakabowa
rume uku rakabata zvombo zvaro. Yakauya
imwe bhutsu kumusana ndobva Gede amira
zvakanaka uku achiratidza kuti adhakwa
nemabhutsu, akaphihwa yekupedzisira
nechemuhuro pedyo nenzeve achinoti tunye
pasi ndiye zii.
Yanga yabvuta rekeni zvino shiri, hungwe.
Akabuda Saseka ndokunopinda muroom ma GZ
akasviko kinura box rake PIN anga achiiziva,
apedza akaunga mari yose yaivamo kwave
kuiisa mubag, akatora makey emota yaaiziva
yaidisiswa na GZ kwave kubuda kunopinda
mugarage maigara mota dzese. Akasvikopinda
mumota macho nekubuda achiita kuidzvovisa
ikati yaiva mota svinu yakada kufanana
neinodada na prophet vaye vaye mavazivaka?
Ehe ivovaye. Abuda pamba chinhu chakatanga
kuuya mupfungwa dzake kutiza akananga
kuChilombo kunerimwe dhorobha, kwaiva
kusina hama yake asi aiti anonozvionerako
sezvo naye anga asina hama yaaiziva. Akaona
kuti kana akagara pedyo musi waanobatwa
chete aizourawa, uye akaona kuti akatanga
kuenda kumapurisa zvaisaita nekuti ese ainge
asisama chenesi aiona vese vari vashandi va
GZ.
Mota ikati yaimbururuka se gondo raona nhiyo
iri kure naamai vayo roda kunobvuta nhiyo,
munongoziva zvaroita mese ndiwo mamhanyiro
aiita mota yaiva na Saseka. Akarova mota
musikana akatora nguva yakakodzera kuti
asvike muChilombo, asvika akabva aona board
revanhu vaye vanoita zvekugadzira mota
akabva atora number dzavo kwave kuvafonera.
Ane zvaanga afunga, afona vakadaira achibva
avabvunza "Ndatora# dzenyu ndichida kuziva
kuti zvamogadzira mota munokwanisa here
kusearch mota kuti ine tracker zvese
nekuichinja rudzi?" Akabvunza.
"Hongu ibasa diki iroro togona kutora
maminutes mashoma kana isinganetsi, asi
kuchinja rudzi ndiko kungaita nguva" vakadaro
vekugadzira mota. Akavaudza zita remota
yacho vakamuti tichaona asvika ngaauye.
Vakamuraira nzira yacho akaenda paiva pedyo
uye pakashosherwa nevachengeti panhu pacho.
Asvika akatambirwa zvakanaka vakati vaizoita
basa racho aripo ozoenda hake, akatenderana
navo sezvo anga aona pakachengetedzwa asi
mumoyo anga ane kutya kuti anogona
kuwanikwa.
Ukuwo Chuvukelo paakabuda mumota
akapinda musango akamhanya se tsuro iri
kudzingiriswa nemazimbwa mahombe ichimbo
pekura besu voona kuti nzvee kuchena asi
vachizoona rima mushure mazvo. Kakamhanya
kusvika kano pota seri kwegomo, kakaita
sekakwira gomo izvo ayewa kakangoti pote
kwave kutiza kakananga gomo rimwe rakaiona
se riri pedyo izvo bodo paiva nemufambo
zvekuti kainosvika ikoko makumbo azvimba.
Vana GZ vakasvika vakatenderera negomo
kukwira gomo vachifunga kuti zvimwe kangava
kari imomo asi vakakashaya ndipo pavakabva
vadzokera kumba.
Chuvukelo hakana kumira kuvhura nhanho
dzako kaimhanya kupepereka se hoto iri
kutorwa nemhepo. Kakasvika pakuneta kasati
kasvika kugomo apa zuva rainge rorereka
kunopinda muna amai varo. Kakafunga
kuzorora kachibva katsvaka pakaizo zorora, kari
mukuringa kuti kawane pekuzorora kakabva
kaona pamwe paiva nemucheka muchena
kakafunga kuti zvimwe pangava paine vanhu
vanopinda Johan masowe. Kakanyahwaira
kuendako ikoko, kave penyo kusvika pane
musungo wakakatsika kachibva kabatwa
makumbo kakazoona kave mumhepo
makumbo mudenga musoro pasi.
Sango iri rakanga kapinda raigara vanhu asi
vanhu vacho ndevaye vaipfeka matehwe se
mazulu asi vanhu vacho vaiva verwumwe rudzi
rwusiri rweShona. Vanhu vacho vaiteya
misungo yavaiteya mhuka dzichibatwa
makumbo maviri emberi zvekuti hadzaisa
kwanisa kudambura. Uye vaiti kana vakateya
musungo wavo vaigarira vari mumuti kusvika
kwavira kana kuti vachinge vabata. Saka
kubatwa kwakaitwa Chuvu nemusungo uyu
zvakanzwikwa nemuridzi wawo uyo akabva
aburuka mumuti achinoka sunungura. "Ndiwe
ani iwewe uye urikudei musango munomu?"
Akabvunza murume uye achitaura chirudzi
chake che Xangani.
Chuvu chakapindura "Ndiri kutandaniswa
nevanhu vari kuda kundiuraya ndokumbirawo
rubatsiro" chakapindura nerurimi chairwo
rwakainge kabvunzwa narwo. Rume rakanzwa
hasha dzichiuya kwave kukwira mumuti rikatora
miseve yaro zvombo zvaro zvese kwave
kuburuka. "Hande tivachingamidze vanhu vacho
tipedzerane, handina mwana anoshungurudzwa
ndichiona uye ari werudzi rwekwedu." Rakadaro
rume riye mushure mekunge ranzwa Chuvu
achitaura Xangani rakaona itori hama yaro.
Roda kufamba kunanga mativi anga
anongedzera Chuvu kuti ndiko kwakabva.
Chuvu kakabva kabata rume riye rwooko
"ayewa ngatisaenda ikoko vasiyei tinonofa
vanhu vacho vane pfuti" akadaro Chuvu.
Achinzwa zvadaro murume uye akafungidzira
kuti zvimwe vanhu vacho angava ari mauto
enyika, akafunga kuti zvimwe ane pfuti
dzehondo saka akabva atorana nachuvu kwave
kuenda naye kwaiva nebhiza rake, mucheka uye
wakatorwa zvakare kuendwa nawo. Vasvika
panebhiza vakakwira vese ndokuritasva
vakananga kumativi ekwaigara murume uyu.
Rakatsika pasi bhiza vakaita kanguva
vakazonosvika zuva richangonyura, kumavirira
kuchiri kwakatsvuka. Vasvika pamba pacho
panga pane dzimba dzemauswa chete dziri
dzeround pasina kana imwechete zvayo
yemarata. Aburuka pabhiza Chuvu, zvana
zvepamba apa zvakatanga kuuya
zvichimuunganira zvoyeverwa naye akati anga
akatsvuka kusara padiki kuita murungu. Zvana
zvakazorega kumuteverera mushure mekunge
zvavhundusirwa nemurume uye.
Akazoendwa naye muimba maigara vamwe
sekuru vairatidza kuti vaiva kuzvima 60 years
ikoko. Vapinda vakawana vakagara mumba
vakafunya chisero, chuvu achipinda akabva
aona muine zvombo zvekurwa zvakafanana
nezvaaiona mumba mababa vake. Akango
karuka anyemwerera.....
End of Chapter
Chapter 14
Kubuda kwakaita Saseka arova Gede, Gede
akaita nguva akarara pasi ainge afenda.
Mushure mema minutes anokwana kuita iwo 45
ndipo paakazomuka, akatarisa muroom
maanga ari akashaya kuti ainge arikupi? Njere
dzinenge dzanga dzarasika. Mushure me 5
minutes dzakazo dzokerana akaziva kuti ndiye
anga asiiwa pamba achinzi achengete pamwe
nekutarisa Saseka asatiza. Paakafunga kudaro
akaziva zvainge zvaitika zvekuti anga atambwa
yakapenga nemusikana. Akatenderera imba
yose achifunga kuti zvimwe Saseka angava
achiripo, paakamushaya akaona kuti pake
panogona kumuperera kana GZ akawana
pasina Saseka.
Pfungwa dzakauya maari ndedzekutiza asi
akatanga apinda muroom maigara zvombo
ndokusviko tora banga rimwe rine zvinhu
zvakawanda zvaicheka, rine chinovhura drink,
tinned fish, nezvimwe zvakasiyana siyana.
Aritora azvicheka padivi pemascle, akambo
buda ropa asi semunhu anga ane chinangwa
chaaiziva kuti chaizomuponesa akashinga
kusvika zvaaida zvaita. Akabvisa tracker
raivapo apedza haanda zvakawanda zvaakatora,
akango kwanisa kutora zvombo zvaaida kuti
zvizomuchengetedza kana pakava neanoda
kumurwisa.
Akabuda nehembe dzaanga akapfeka dzega
sezvo ainge otyira kuti angawanikwa achipo
achirongedza. Akabuda akananga ku N4 imwe
yaiva neche kuseri kwedhorobha yaienda
kunedzimwe nzvimbo. Asvika akatanga kumisa
mota, haana nguva yakareba yaakatora
akamirirwa ne gonyeti achibva akwira
ndokuenda kwaraienda.
GZ paakawana pamba pasara nzvimbo chete
vanhu vaanga asiya vatiza. Akamboda
kushandisa hasha asi akaona kuti hadzina
zvadzobatsira pane kuti aite zano rekuti abate
mhandu dzake nguva ichiripo. Akatanga
kutsvaka vaviri ava nemushina wake sezvo
aiziva kuti vanema tracker. Chimwe chinhu
chaaifunga ndechekuti paakawana vaviri ava
vasipo akafunga kuti vanogona kunge vatiza
vese. Akatora laptop yake ndokunogara
muroom make ega akatarisa akanga kuona
tracker ra Saseka rakamuratidza kuti ndiro
ranga richiri kuratidza kuti riri pamunhu achiri
kufema mweya wepanopasi.
Ra Gede akaona rakadzima uku ichiratidza kuti
iripedyo pamba pake, akabva a connecter pa
foni yake ndiyo yaaida kuti afambe nayo
ichimuratidza kune vanhu vake.
Akaita ma settings ese apedza akatarisa
location ine tracker ra Saseka ndokuona kuti
raiva chinhambo kubuda muZilonga. Akasecha
nzvimbo yacho iyo yaakaona akaiziva nepaiva
na Saseka wacho akabva anyemwerera
ndokutora nhare yake ndokui tokonya tokonya
achitsvaka # dzaaida kufonera. Yakarira
kanokwana katatu nhare ikazodairwa
"Mumwewangu" akadaira achidaro mufonerwi.
"Ndeyipi JK ndine mhuka yangu yanditiza kuno
ende iri kuzviratidza kuti iri paarea pako ipapo
wamboiona here?" Akabvunza GZ.
"Handisati ndaiona, munhui?"
"Musikana uye wekumboti chinjira station paye
tichiona movie" akadaro GZ.
"Ko aita sei futi? Ini ndiri muoffice mangu mira
ndione kana asvika pano" akadaro JZ iro ndiro
zita raaideedzwa naro nemumwe wake GZ iye
zita rake chairo achinzi Jekeleza Zamazama.
Akadongorera nepa window achibva amuona
Saseka akagara pamumvuri uku achiringa ringa
seanga ane chaaitsvaka.
"Yaa ndamuona anenge iye akagara
pavakomana apo ndanga ndisati ndamuona"
akadaro JZ.
"Yaa saka zvaita iwe chiita kuti asakuona nekuti
anogona kukuziva, ingoudza vakomana
vamuringe asabuda" akadaro GZ.
Havana kuzotaura zvakawanda vaviri ava nhare
yakadamburwa. GZ sezvaanga aziva kuti
Saseka kwaari haana kwaaizoenda saka akabva
atarisa pairatidza tracker ra Gede. Akafamba
nemba achitarisa kusvika apinda muroom
macho ndokuwana ingori tracker chete munhu
musina, "Shit!" akadaro achibuda kuenda
kwaiva nevamwe vake akawana vakagara
muroom mavayiitira meeting.
"Gede anenge asara akafuririka nepfambi iye
akaisunungura iye achibva atizawo, apa abvisa
dumwa hameno kwaaenda. Zvavapo apa tave
nevanhu vaviri vasina ma dumwa vatofanira
kutsvaka kusvika tavawana.
Kamupfana kaye pamwe na Gede. Ari kubata
vanhu ava ndiri kumupa US$500, kana
anovawana vese vari vaviri ndiri kumupa
US$1000 cash" akadaro GZ.
Machinda ake ese akazvipira kuti aizotsvaka
vanhu vacho sezvo vaiziva kuti ndiro basa racho
ravakazvipira uye raivapa mari. Vakapihwa
mazuva maviri kuti vange vadzoka nevanhu ava,
munhu asina kusarudzwa pakutsvaka vanhu
ava ndiChivhuna ega sezvo anga ariye
muchinda mukuru pane machinda ese ndiye
aifamba ari pedyo naGZ mukuru wavo. "Iwe
Chivhuna uri kundiperekedza kwaJekeleza
tinotora Saseka" akadaro GZ.
"Ndiko kwaari here?" Akabvunza Chivhuna.
"Hongu ndiko kwaari ndatoudza vakomana veko
kuti vasamurega achibuda." Akadaro GZ.
Chivhuna na GZ ndivo vakatanga kubuda
kuenda kuChilombo kunova iko kwaiva na
Saseka, vakaenda nemota imwechete ya
Chivhuna. Zvekuti mota yake yaanodisisa
nemari yese yaiva mumba zvainge zvatorwa
haana kuzviona. Vakatora nguva inokodzera
kuti vasvike kuChilombo kumba kwaJekeleza,
vasvika vakawana gate rakavharwa zvishoma
kuratidza kuti nguva yekuti vashandi vachaise
yainge yakwana.
Kuvhurwa kwanga kwakaita gate vashandi vepo
vairatidza kuti vanga vane vanhu kana munhu
wavanga vakamirira kuzopinda vazovhara
pamwe nekuchaisa.
Zazati nayewo musi waakafonerwa na Chama
haana kukwanisa kudaira nhare yake nekuti
anga ari mubishi kutamba mutambo wekusika
vana nemudzimai wake. Pavakapedza
akayeuka kufonera mumwe wake back asi
airtime anga asina, akaita call back ikapinda asi
Chama haana kufona anenge anga asina kuiona.
Mukadzi wa Zazati aiva munhu aida mutambo
wekusika vana zvakanyanya zvekuti aisada
kuona Zazati akapfeka hembe dzekurara aibva
afunga kuda kupakura nambureti. Ndizvo
zvaakaita ipapo paakaona kuti Zaza ainge
apedza zvaanga achiita pafoni yake akabva
atanga kumunetsera kuti apakure nambu,
Zazati akaita zvido zvamumwe wake apedza
ndipo paakazofunga kuenda kumba kwaChama
anepfungwa dzekuda kunoona kuti angava
anga achidei nenguva dzaanga afona nadzo ivo
vanga vabva kumafaro husiku?
Akatora motokari yake ndokupinda munzira,
adzimai anga avasiya kumba. Akatora nguva
yakakodzera kuti asvike pamba paChama.
Asvika akawana pakavharwa. Akayedza kuridza
bhera remota asi hapana akadaira sezvo panga
pasina vanhu, akabva afunga kunotenga airtime
aite zvekufona. Akamhanya kunosvika
kudhorobha muVhumani, asvika akatenga
akajusa kwave kufona foni yaChama yaisapinda
yaingorova voice mail. Paakaona zvadaro
akabva atyaira motokari yake akananga
kukamba uko kwaakati achisvika pagate
pachibuda mota imwe yaakafananidza akaziva.
Akanopinda mukati ndokusvika muoffice maiva
nemukuru wemo uyo akabva ati kwaari
"Ndingaku batsirai nei?" Akabvunza.
"Ndokumbirawo kuona vasungwa vamabata
nhasi" akadaro Zaza.
"Vanhu vatasunga nhasi?" Akabvunza mupurisa
uye achiita kunge haana chaari kuziva.
"Hatina vanhu vatasunga nhasi isusu uye
muchitokisi medu hamuna vasungwa saka imi
muri kureva vapi?" Akabvunza kudaro.
Zazati haana zvakawanda zvaakazotaura
akangoti "zvakanakai" ndokubuda mukamba
akanopinda mumota yake ndokuyitsika
kudzokera kumba kwake haana kuzotsvakana
nezvakawanda, akazviudza kuti kana
vavekumuda vaizomufonera.
Akati ari mangwanani wezuva rinotevera
akamuka kuseni akaita zvinoitwa kana munhu
achinge achangomuka. Apedza akanogara
mudining uku aka batidza TV achifunga nezva
Chama chete, ari mukufunga kudaro akafunga
kufonera Zola. Akaita sekudaro asi foni yaZola
nayoo yanga yakadzima sezvo nayewo anga ari
muchitokisi maiva nevamwe. Nguva dzafamba
dzainge dzava nguva dzaaiziva kuti kana
akavhura channel yaaiziva yaionesa zviri kuitika
kunotongwa vasungwa vachipihwa mitongo
yavo. Akavhura channel yacho ndokuita
masanga nenguva yaitongwa vakomana,
akashamisika kuvaona vese varipo Chama na
Zola.....
End of Chapter
Chapter 15
Akasvika pamba pasahwira wake aine mufaro
une huipi mukati. Afungidzira kuti zvimwe ainge
agwanda win izvo ayewa. Asvika pamba
pasahwira wake akafona achiudza mumwe
wake kuti ainge asvika.
Jekeleza akabaya remote yake gate
richinovhura mota ya GZ ikapinda mukati.
Apinda gate rakabva ravhara, ziso raGZ
akarituma chivanze chese kutarisa Saseka asi
haana kumuona. Akafunga kuti zvimwe kune
kwaendeswa, akananga kuoffice kwemumwe
wake. Akaita knock akanzi apinde "Sahwira
handisi kuona munhu wangu panze apa
usandiudza kuti atiza" akadaro GZ. Pfungwa
dzekutarisa pafoni yake kuti azive kune tracker
ra Saseka hadzina kubvira dzauya maari.
"Angaendepi aripo panze apo hande kwaari"
akadaro Jekeleza.
Vakabuda vaviri vakatungamidzana kuenda
kwaiva nevashandi vake. Vasvika vakawana
munhu wavaida asipo "Ko munhu wandati
musarega achibuda aripi?" Akabvunza Jekeleza.
"Abuda nemota yake apa yatapedza kugadzira
aenda na Tabwera ati izvoni ane zvaari
kunotenga mutown" akadaro muchinda wa
Jekeleza. GZ akatanga kubuda dikita pamwe
nekudedera nehasha, ainge atoona madhiri ake
ese aenda kudondo. "Ko imi munozonzi munhu
ngaasabuda mosiya achibuda hindava? Ko iyo
mota yaabuda nayo ndeyani?" Akabvunza
nenzwi rine kakubhowekana maari zvekuti dai
anga ari mushandi wake angadai adyevhu.
"Auya nemota yake pano achida kuti tiyi scratch
pamwe nekubvisa tracker. Ndiyo mota
yatotiitisa mari ati anodzoka" akadaro
muchinda ayibvunzwa wacho. GZ paakanzwa
mashoko aya ndipo paakayeuka kutarisa
mufoni make akaona dumwa ra Saseka
richitaura kuti harisisiri munyama ranga rakaita
zvanga zvakamboita ra Gede paakabvisa rake.
"Nxaaa vashandi vako Jekeleza dai varivangu
vese ndaipedza kudyisevhu. Hapasina munhu
wangu wandichawana apa hona" akadaro GZ
achiratidza Jekeleza foni yake kuti aone
zvaitaura dumwa ra Saseka.
Jekeleza achiona zvadaro akabva ati "Mira
kuwanza hasha pamwe a...." Haana kupedza
zvaaida kutaura akabatwa muromo nemashoko
aGZ ayo akaita kuti Jekeleza asafara nazvo
"Usandi dzikamisa JZ hona zvandiri kukuratidza
hapana munhu achadzoka apa.
Asi sei uchidaro iwewe unoziva wani kuti ndiri
panguva yakaoma munhu iyeyu wawasiya
achienda anogona kundipinza panguva
yakaoma.
Izvozvi ari kunzi abuda nemota apa haana mota
munhu iyeye zvese nemari pamwe atora
midziyo yangu, ndakuudza iwewe Jekeleza kuti
usamusiya achibuda iko zvino chachii manje
ichi?" Akadaro GZ ainge opopota zvekuti panga
pasara padiki kuti abudise pfuti, asi akatya kuti
haasi pamba pake ari kumba kwevanhu
aizopinda panguva yakaoma ndiye.
"Hauzotauri uchipopota ka bhururu, pano
ndepangu hapasi pedu. Unofunga kuti
ndingakuitira hutsinye here inini?
Usada kuti ndibudane newe uri mumwe wangu
iwewe zvekurwa newe handidi. Chinhu
chandingaita pano kukubatsira kutsvaka munhu
wako, asi kana uchitaura sekudaro
ndokubatsira sei?" Akataura kudaro Jekeleza
akapfavira nezwi riri pasi pasi. GZ paakanzwa
mashoko ekurwa aitaura nemumwe wake
akabva adzikama kupeta mwise sembwa yaona
Shumba. Aiziva kuti mumwe wake haana
kumira mushe panhau dzekurwa. Vakataurirana
vakaudzana kuti vaizo batsirana kutsvaka
Saseka. Akazobvunza zita remota yanga yauya
na Saseka achibva audzwa.
Akaita seachafenda paakaziva kuti mota yainge
yatorwa ndeyake. Hazvina zvazvakashanda
yainge yatorwa yachinjwa zvese mota yaenda.
Vakarongana nenguva diki vese vachengeti va
Jekeleza naye JZ wacho, vakabuda vese
vakagadzirira semauto ayienda kuhondo.
Vabuda gate vave munzira Jekeleza akaedza
kufonera# dzaTabwera jinda rake iro rainzi
ndiro rainge rabuda na Saseka. Foni yakarira asi
haina akaibata, akasiyana nazvo ndokunanga
kwaiva ne donhwe retracker ra Saseka.
Saseka paanga akagara pasi pemumvuri nguva
dzaakaonekwa na Jekeleza iye akamuonawo
asi haana kuda kuzviratidza kuti ainge amuona,
akabva aziva kuti ndawira mukanwa meshumba
zvakare saka akazviudza kuti ari kufanirwa
kuita zano rekuti atize pasati pashata. Nguva
dzaayi ringa ringa anga achitarisa kuti kana
zvikamuomera aizobuda nepapi? Mota yake
yakagadzirwa achiruka zano rake, akaita rombo
rakanaka tracker remota rakakurumidza
kuwanikwa richibva rabviswa. Tracker iri
raisava connected nemishiini ya GZ asi yanga
ine connection nekwaakatenga mota saka kuti
iwanikwe zvaida kuti GZ abate vanhu vacho
vabatsirane nevemutemo kuitsvaka. Mota
yakachinjwa rudzi nenguva pfupi nhatu
dzekunodoka kwezuva dzakasara kunochaya
vakomana vapedza basa. Pane pakadeedzwa
Tabwera nemukuru wake achimuudza kuti
ngaasasiya Saseka achibuda. Zvese izvi zvaiva
mumaziso aSaseka akagara paainge agere.
Vari mubishi kumurongera naye anga
achirongawo rake zano.
Paakaona kuti mota yake yapera kuitwa zvese
zvaaida akabvunza kuti imarii yavaida.
Akaudzwa mari yacho haana kuchema chema
akabudisa chaiyo yavanga vataura hapanoi
pakuti achiti ave kuenda ndipo Tabwera akabva
ati "Ayewa hamubvumidzwe kuenda kana
mukuru asina kusigner mapepa ebasa rataita,
ndokumbira mumire kwema minutes mashoma
ati ari kuuya" akadaro achinyepa hake. Haana
kuziva kuti ari kutamba nemunhu anoziva
matsotsi.
"Hapana chakashata kana pano paine pekurara
muchatondipawo room kwanhasi chete ndirare
ndozoenda mangwana.
Asi parizvino ndine mapiritsi andoda kunotenga
mutown umo kana zvichiita
mungandiperekedza imimi tonotenga todzoka
tese hazviiti ndirare ndisina kumamwa" akadaro
Saseka. Tabwera akairasa ndiye, akabva audza
vamwe vake kuti aizodzoka ngavasare
vachipedzisa mota yanga ichigadzirwa ipapo.
Ndiwo mabudiro akaita Saseka iwayo.
Vakatsika mafuta vakananga mudhorobha apo
akasvika akamisa mota pedyo nechipatara
chaivapo chachiremba asiri weruzvinji (Private
Doctor). Akaudza chiremba dambudziko rake,
vakamboda kuramba asi mari munongoizivawo
kuti ine chitema.
Vakazobvuma mushure mekunge vaiona mari
ichipenya segoridhe. Vakaita basa ravo vakaita
nguva diki diki kubvisa tracker. Zviye zvekuti
hee handibatwe garo nemunhu asiri murume
wangu unenge usati wasvika panguva
yachimbetu. Akaribatwa garo Saseka
nachiremba vakaita kuripfanya pfanya
vachirinzwa kuti richiri rakabatana harisati
ratambwa naro nevakomana ana juju veku
churuja. Apedzerwa ane piritsi raakatenga (drug)
raaida kuzoshandisa, haana kuzogara
akatakurana netracker rake akadzoka mumota
akawana Tabwera vakagara vakavarairwa
vasingaoni kuti munhu ave odzoka. Pfungwa
dzatabwera dzainge dzofunga zvekupinda
murudo nasaseka asi kuti amutange aitya
runako zvese nemari yaanga anayo haana
kuziva kuti yaiva mari yei?
Saseka asvika pamota akavhundutsa Tabwera
nekuvhura magoni emota, akaseka achipinda
mukati ndokutanga kuita nyaya. "Saka
wakaroora here iwewe?" Akabvunza Saseka
achinogara panyanga panogara mutyairi.
"Ayewa ndiri bhachura inini ndiri kutotsvaka
wekuroora" akadaro Taa, mashoko aanga
anguri akamirira ndiwo anga asvika. Dzanga
dzawira mutsvanda dzanga dzisingacha netsi
kunhongera kwaari mukomana.
"Wakazvichengeta wena. Zvisinei zvatave
kudzoka kwatabva tadii kupfuura tichinotenga
zvibhodhoro tizonodhakwa?" Akabvunza
Saseka. Tabwe ainge obvuma zvese nekuti
anga atapirirwa nemusikana aisaziva kuti
arikuda kutambwa yakapenga.
Vakabvumirana Tabwe ndokuudza Saseka kuti
aizofamba sei kusvika anosvika ku club imwe
yaiva muChilombo dhorobha raiva pedyo na
jekeleza. Vakatora nguva dzakakodzera kusvika
paClub, rwendo urwu vakapinda vari vaviri
vachimodhela semukadzi nemurume vari
murudo. Zuva rainge rarereka ratonopinda
muna amai varo. Vaviri vakapinda ndokunogara
pamatafura aiva mukati imomo, akadeedzera
doro rikauya rakadirwa muzvimwirwa zvaro.
Rasvika vese vakadhudhudzira kwave kudana
rimwe.
Rauya rwendo urwu Saseka haana kumwa
akasimuka ndokuti kune mumwe wake
"Ndodzoka rega ndimbopinda muchimbuzi
ndodzoka totenga chibhodhoro tinomwira
kumba" akadaro. Tabwera vakagutsurira
musoro, vakasara vachizvirova dundundu
pamwe nekuzviudza kuti vaizopedzera mwana
musi uyu. Saseka kuchimbuzi kwaanga aenda
hapana chaainzwa asi aida kunodira doro rake
piritsi riye. Akaita sekudaro apedza ndokubuda
kudzoka kwaiva nemumwe wake
achinyepedzera kuita seadhakwa. Asvika paiva
nemumwe wake akanyepedzera kumwa.
Zvadaro akabva ati "Pedzisa iri ini nditenge
chibhodhoro ndingadhakwa ndozotadza ku
driver" akadaro achitambidza Tabwe chimwirwa
chake chaiva nedoro iro raanga adira drug.
Akafamba kuenda kucounter akasvika
akabvunza mutengo wedoro chete haana
raakatenga. "Ehoi regai ndibvunze murume
wangu raanoda racho" akadaro achidzoka
kwaiva na Tabwe uyo waakawana akatsikitsira
pamusoro petafura. Haana kutaura naye
akatora tracker rake achinoriisa muhomwe
maTabwe ndokubuda kunopinda mumota make.
Asati ayimutsa akashamisika kuona mota ya
Chivhuna yakadungamidzana nedzimwe mota
dzaaisaziva dzichisvika paClub. Kungwara
kwese kwakapera apa anga azviudza kuti
apukunyuka asi paakaona zvadai akaona pake
pamuperera......
End of Chapter
Chapter 16
Vainge vakagara muchitokisi vachiita nyaya
varume vatatu vasingazivi kuti zvichazodini?
Nzvimbo yacho ikati yaitonhora munzvimbo
yavanga vari manga makaita kunyorovera. Zuva
rakasvika pakudoka varimo hapana weukama
akauya nechikafu. Vakarara nenzara kusvika
kwanoedza, kwaedza vakamutswa neruzha
rwegoni rechitokisi rovhurwa.
"Varume nhasi ndozuva renyu
ramunonosangana nemitongo yenyu saka budai
tiende" akadaro mupurisa uye. Vakabuda
vakadungamidzana mapepa avo ainge
atonyorwa nyorwa kudhara. Vakanonzi
vanopinda mumota uku vakasungwa, Chama
akaringa ringa akaona mumwe wake asipo
akabvunza
"Ko handi makatisunga tiri 4 ko mumwe wedu
aripi?"
"Unobvunza sewakauraya naye vabereki
vemumwe munhu nei? Wave musungi here
kana musungwa iwewe unobvunza zvisina basa?
Pinda mumota uko." Akadaro mupurisa uye
achisundidzira Chama.
Hasha dzakamubata Chama bhutsu yakapihwa
mupurisa haina kumira mushe
akazongonzwikwa ogomera ave pasi. Mamwe
mapurisa akauya kuda kubata chama, pakaitika
mhere mhere pakamba mapurisa
achizvamburwa nemunhu akasungwa. Akazo
nyangirwa nemukuru uyo akamurova ne sure
kwepfuti pamwe nekumubata maoko
akanomupinza mumota "Ndinoziva kuti nyaya
yatongwa kare iyi hakuna dare
randinonobudirira asi motonamata kuti
ndinofira kujeri ikoko ndisanobuda.
Kana mukangoona ndabuda muchazviona kuti
ndiri munhu akaita sei? Zvandakuitai apa
zvishoma muchaona henyu ichakwana nguva"
akadaro Chama ave mumota hasha dzichiita
kumukurura achitadza kuzvidzora. Mupurisa
akavhara door pamwe nekukiya achitaura
"Nevanhu vawakauraya hapana jeri rauri kubuda
uchanofirako" akadaro mupurisa uye.
Kwaiva kutaura kwemunhu mukuru kusada
kuzviratidza kuti haana kupinda tsekwende asi
anga anyura mukati mekutya mashoko aChama.
Yakarohwa mota kubva pakamba vakananga
kumatare, varimo mumota vakomana Zola anga
akanyarara uku akatarisa mumwe wake Chama
achimushaiwira kuti ambori munhu akasikwa
sei? Nehasha dzaanga anadzo dzaisamufita
ende hapana munhu aikwanisa kumubata kana
agumbuka angava ari sahwira wake kana ani
zvake.
Achiri akamutarisa akabva ataura naye "Chama
nezvawaita izvo watadza kuzvibata here wangu
unoziva here kuti ndeimwe mhosva iyo
vangotadza kukuudza chete asi uchanzwa tave
kumatare yotaurwa nyaya iyoyi" akadaro Zola.
"Vanhu ava vakatengwa kudhara nyaya yedu
yakatongwa kudhara iyi. Unoti dai zviri
zvemutemo patabuda kuchitokisi tingadai tisina
kupihwa nhare dzedu tofonera hama pamwe
neshamwari here? Vasiye vaite yavaita inguva
chete.
Ukangoona rwendo rwuno ndavharirwa kaa
pandichabuda ndichaita zvisati zvaitwa
munyika ndiri ndega handichadi kupinza vanhu
panyaya dzangu.
Izvozvi Zazati aripi kutadza kana kunditsvaka
apa anoziva kuti tiri panguva yakaoma
ndamufonera haana kudaira foni?" Akadaro
Chama misodzi yoyerera dziri hasha. Zola
haana kuzopindura mota yanga yasvika
kwayaienda. Zvaizviratidza zvega kuti nhau
yevakomana yainge yakatongwa kare nekuti
pavakasvika mapepa avo ainge atogadzirwa
kudhara ndivo vaitova pekutanga vese vari
vatatu hapana anga aine mumiririri wake. Nyaya
yakanzi geje padare mheja vakabvunza
"Solomon Gopito nevamwe vako vaviri ava muri
kubatwa nemhosva yekuti makauraya vabereki
vemwana komana Chuvukelo Masingita.
Mapedza makanorasa mitumbi yavo kwaisina
kuwanikwa. Uye muri kunzi mapedza kudaro
pamakaziva kuti nyaya yave kune vemutemo
makabva manouraya mwana wavo Chuvukelo.
Zvakare muri kunzi marova mapurisa kutaura
kuno vari kunzi vari kuchipatara vakakuvara.
Ndizvo here izvi?" Vakabvunza mheja.
"Akandiona ndichiuraya ndiani proof yacho
ndeipi? Mapurisa hongu ndamatambidza
mugove wawo nekuti havazivi basa ravo"
akadaro Chama. Mheja vasati vapindura
kamudhara kaye kekutumwa na GZ kainge
karipo ndiko kakabva kasumuka.
Kungwara kwakaita kamudhara aka kakatanga
kurudunura mazita ese evabereki vaChuvu
kapedza ndokuzoti "Chiri kundirwadza mitumbi
yevana vangu, uye vakasapika jere ndinoziva
vachandiuraya chete nekuti ndiro basa ravo"
kakadaro kadhara kosvima misodzi.
Yakatongwa nyaya asi vana Chama ndivo
vakabatwa nemhoswa, vakaedza kuda
kurondedzera asi sevanhu vanga vasina lawyer
hazvina zvazvakashanda.
Vakapihwa mutongo hupenyu hwese vari mujeri.
Vakatinhwa varume vakanopinzwa mugumba
kumba, vakavharirwa imomo zvichinzi vari
kuzoendwa navo kujeri kana mamwe
mabhanditi apedza kutongwa ainge abva kujeri.
Vakagaramo vakasungwa makumbo zvese
nemaoko kuitira vasatiza.
Chuvukelo kubva paakasangana nevanhu
vaitaura chirudzi chake akanzwa kusununguka
maari zvekusvika pakuti arase pfungwa
dzekuda kuzvivanza kuti haataure sezvaanga
achiita kuna Chama. Pese paaiita seasingataure
ane zvaanga achizviitira aiziva kuti vanhu
vakauraya vabereki vake vaigona kuzomutsvaka.
Uye aiziva kuti zvaanga atorwa na Chamavhudzi
aizoda kumutsvakira hama dzake achishandisa
vemutemo saka akaziva kuti panogona kuzouya
hama dzenhema idzo dzaaizoda kuti Chama
azodzibvunza kuti mwana anotaura here kana
kuti haatauri? Kufunga kwake mupfana uyu
kwakaratidza kuti ndekwemunhu anezvanga
zvakamugara nekuti hama dzenhema dzacho
dzakauya zveshuwa dzichiedza kuda kumutora.
Ndozvezvimwe zvaakanyorera Chama paye
achiti abvunze mudhara uye wekuzorohwa
zvaanga asina kufungidzira.
Kusvika kwakaita Chuvukelo pamba pevanhu
vaitaura chirudzi chake ane zvaakayeuka
zvaakamboona kare achiri negumi remakore
kuti nzvimbo yaanga ari anenge akamboisvika.
Paakapinda muimba manga mune murume
wechikuru umo maakazona mune zvombo
zvakaita kuti anyemwerere asati aona huso
hwasekuru vanga vagere pasi vakapfunya
chisero. Sekuru vaye paakapinda vakasimudza
huso kumutarisa, vachimuona navoo vane
zvavakaona vakarangarira vachibva vati kune
muchinda uye anga auya na Chuvukelo.
"Ko mwana wa Mafiyosi wamuwana kupi?"
Vakabvunza sekuru vaye. Chuvukelo kakabva
katanga kusvima misodzi kainge kayeuka kuti
sekuru ava ndibabamudiki va baba vako
munin'ina wababa va baba vaGwalala,
zvichireva kuti zita raiva chairo ra Gwalala ainzi
Mafiyosi Masingita. Kakazo nyaradzwa
nasekuru vako avo vakasimukoenda pakanga
kari kwave kukambundira.
"Usacheme muzukuru watouya pano zvanaka
wave kumba" vakadaro sekuru vaye.
Vakanyaradza muzukuru wavo kusvika anyarara,
havana kukasika kuda kumubvunza chainge
chaita kuti asvike nenzira yaanga asvika nayo
nekuti anga auya ega apa anga ava nemakore
mashanu asina kusvika kunzvimbo iyi vese
nababa vake.
Baba vaChuvu vainzwanana naBamunini vavo
ava nenhau yekufarira kurwa asi baba vavo
vaisafarira kuti mwana wavo iye gwalala aite
zvekurwa. Vakambonetsana mukoma
nemunin'ina nenhau yekudzidzisa Gwalala
kurwa asi baba vake vasingadi. Nyaya iyoyo
yakaita kuti pave nekuvengana kwamukoma
nemunin'ina. Mukoma vakaramwa mwana wavo
uyo akasvika pakunogara naBamunini ivo
bamunini vacho havana kuita hanya nazvo
sezvo vaiziva kuti vari kugara nemwana
wamukoma wavo weropa kwete mutorwa.
Gwalala aiva munhu akanyararisa asi ainehasha
dzakavandira zvekuti baba vake vakasvika
pakumusiya aite zvaanoda iyewo haana kuita
basa nazvo. Akata kugara navo bamunini
kutanga ane 15years kusvika ave ne 18 years,
baba vake vakasvika pakushaika achigara na
naBamunini vake. Akazoenda kunogara
kudhorobha uko kwaaipota achidzoka kumusha
pano neapo kusvika azoshaya zvisina
kuzivikanwa nehama dzake.
Kusvika kwakaita Chuvukelo ndiye akazotaura
nyaya yese yakaitika. Sekuru mushure mekunge
vaudzwa nyaya yekufa kwemwana wavo
zvakavarwadza zvekuti vakamboda kutakura
zvombo zvehondo kuda kutevera muvengi asi
vakazo batwa na Chuvu uyo akati kwavari.
"Sekuru nyaya yese iyi pirai kwandiri imi makura
hazvizodi kuti mupindire nyaya dzevana.
Chinhu chamungaita parizvino kuti mupe inini
hushingi zvese nekundidzidzisa kurwa
zvamakaita baba. Kana ndave kugona
ndichanotevera vavengi mumwe mumwe
kusvika ndavapedza" akadaro Chuvu. Mashoko
aakataura apa aisava mashoko ezera rake
sekuru vake vakazvinzwa pamwe nekuona
hushingi hwaiva pamuzukuru wavo zvekuti
chavaka kwanisa kuita kugutsirira musoro
kubvumirana nezvanga zvataurwa. Vabvuma
vakati vaizotanga kumuudzidzisa mangwana
acho vakarara vadya sadza nederere musi
iwoyo. Mangwana kuchiedza nyaya yakava
iyoyo vakaswera vachidzidzisa muzukuru wavo
kugara 180 ndiyo yakava yekutanga.
Akatsemuka pakati pemakumbo zvishoma asi
akashandisirwa mushonga wechivanhu kuti
asanyanya kurwadziwa. Mushure memazuva
maviri ainge ave kugara 180 yake pasina
kuverengera kwaayiita pekutanga. Akava
mazuva akakwana kuita iwo matatu umwe musi
Chuvu nasekuru vake vari chinhambo
nechivanze uko ndiko kwavai dzidzisirana
kurwa. Vari mubishi kudzidzisana kurwa
vakavhunduka vaona munhu akati nzwe
achibva ahwanda. Vakanyahwaira kuenda ikoko
ndokunawa munhu wavanga vaona seahwanda
kuti kwainge kusiri kuhwanda asi anga adonha
pasi ave kufemera kure kure.....
__________________________________
Book redu richange roda chegumi kutanga pa
chapter 21 vanyori venyu vawanewo ye data.
Haridhure zvaro vari ku south munotenga cell c
R30. Vari zim muchange muchizobata munyori
ku box imi yenyu i70RTGS Ecocash. Izvi ndaitira
kuti musanogadzirira mashangura tivarairwe
pamwechete
End of Chapter
Chapter 17
Kwaiva kuda kuziva paiva netracker pamwe
nekuda kuzonetsana nevanhu vane pamba
pakabvisirwa tracker asi kuti tracker harisiri
muropa memunhu aizviona GZ. Vave pedyo
kusvika paiva netracker jekeleza akabva ataura
"Ari paClub uyu ngatinange ikoko hakuna
kumwe kwaangaenda" akadaro achizviudza kuti
vatobata munhu wavo. Vakasvika pa club
ndokumisa mota dzavo nechekunerimwe divi
kusiri kwaiva na Saseka.
Iye Saseka ainge achiri akagara mumota
achivaona varume vakasenga zvombo vachiita
kunge vavhimi vanzvengwa nemhukahuru
yavaiziva kuti vangoiuraya vanonzwa
nekugocha. Mota dzamiswa vakaburuka vese
vakafamba kunopinda muclub. Padzimota
dzavo pakasara machinda maviri ari panze
akamira achitarisa kana paine abuda.
Vakapinda mukati varume zvikati vaityiwa
zvakanyanya munzvimbo iyi pese pavaisvika
vanhu vai dzuvura kuri kutya kugurisirwa
hupenyu. Vachengeti vepa club havana
chavakataura vakasiya vachipinda. Vakananga
paiva na Tabwera uyo anga achiri akatsikitsira
piritsi richiri kufamba naye kunyika
dzevanopinda masvondo ajohani kudhakwa.
"Iwe mupfana muka tione" akadaro jekeleza.
Achifunga kuti zvimwe kwaiva kudhakwa
kwehwahwa. Hapana Tabwera akazungunuka,
gwati rembama raakatambidzwa ipapo
rakanzwikwa kurisa kudarika mimhanzi yairira
mukati. Vanhu vese vaiva mu club vakamira
kufara kwavaiita kwave kubiridzira kutarisa
zvaiitika, vaitotya kutarisa nekutya
kuzobvunzwa mibvunzo yezvanga zvaitika.
Tabwera haana kana chaakanzwa kana
kuzununguka hake, paakada kutambidzwa
imwe mbama yepiri yakabva yavharwa nerimwe
monya raivamo rakaita zvekumubata
"Munouraya munhu mudhara iye achiratidza
kuti ashandisirwa hungwaru nevasikana
vepataundi, nhuhwidzai munhu uyu munzwe
kuti ari kunhuhwei?" Rakadaro monya riye.
Rakatariswa na jekeleza neziso riye rekuti uri
ani iwewe unondibata rwuoko zvikadaro? Asi iro
harina kumbotya kana kuvhunduka. Zvisinei
haana kuda kuita zvehondo akaita zvaanga
audzwa ndokunzwa zveshuwa munhu anga
adhakwa.
Akasimudza huso kutarisa monya riye ndokuti
"Waona zvaitika iwe chindiudza aripi munhu aita
izvi?" Akabvunza jekeleza. Monya riye rakabva
ranongedza kuvachengeti vepamukova ndokuti
kwaari "Endai munobvunza varume vaviri avo
ndivo vangakuudzai munhu azviita uye
kwaananga" rakadaro monya rofamba kudzoka
kunomwa haro hwahwa.
Vakaenda kuvachengeti vacho akasvikobvunza
asi haana mhinduro svinu yaakawana. Zvadaro
hasha dzakamubata ndokubudisa pfuti yake
paakada kupfura muchengeti uye jinda rake
pane maviri anga asara panze rakabva rasvika
richimhanya.
"Boss mota iye yapedza kubuda izvozvi ende
ationa nekuti ari kuratidza kuti arikutiza"
akanopedza kutaura GZ otobuda kunanga
kumota, vese vakabva vabuda ndiko kupona
kwakaita vachengeti vepa club.
Kungwara kwanga kwaita Saseka paakavaona
vachisvika haana kuita dzungu kana kubatwa
nekutya kwakanyanya asi hana kubika
manhanga yaibika hayo zvishoma.
Akadzikamira achida kuona kuti vachadii sezvo
vanga vamisa motokari dzavo nechekure
neyake. Paakaona vopinda mu club akabva
afunga kuushandisa mukana wekutiza,
akaimutsa mota ndokubuda achifamba
zvishoma semunhu asiri kutiza asi
paakangobuda gate akabva atsika chepakati
zvinova izvo zvakaita kuti afungidzirwe kuti
ndiye.
Dzakabuda mota dzana GZ
dzakadungamidzana ainge odriver omene mota
yake GZ iyo yaanga auya nayo kuZilonga aina
Chivhuna. Iye Chivhuna anga akagara
kupassenger seat uku akabata pfuti. Jekeleza
nemachinda ake navo zvaiva zvimwezvo
vachitevera mota dzobowa kuri kumhanyiswa.
Ya Saseka yanga yafamba chinhambo asi
ichioneka kuti iyo sezvo hwanga hwava husiku,
ikati yaibvuma kuvhurika kumhanya mota yacho.
GZ akaona kuti kana akasaita zano rekuti
munhu agarirwe mberi hapana pavaizobata
mota yacho nekuti aiziva kuti hayigumi.
Paakaona kuti mota yacho yakananga
kuZilonga akafonera machinda ake kuti vagarire
mberi akavaudza kuti vamwe ngavavhare
mugwagwa unoenda kuVhumani vamwe
vavhare waipfuura nekuchuru uchienda
kwavaideedza vachiti kuZinjanji. Vakaudzwa
kuti vazviite nekukasika, anga angwarirwa
Saseka ayinge asisina kwekuenda. Iye haana
kuziva kuti ainge arongerwa paakaona kuti pane
mota dziri kumutevera vanhu vaakatanga
kufungidzira kuti ndivo vangamubata mapurisa
ekuVhumani sezvo anga asingama chenesi.
Saka paakasvika pa turn off Zinjanji akaturner
akananga ikoko haana kuziva kuti nakoo
kwainge kwaka shosherwa zvakare nevarume
vanga vanepfuti dzimwe dzisina kumira mushe.
Ati fambei hana yake yakarova zvaasina
kunzwisisa, akabva aflasha ma lights emota
kuti aone zvirimberi mberi kwaari kuenda
nechekure adaro ndipo akaona ma reflecter
emota yairatidza kuti yakamira nechemberi
yakahwanda. Aona zvadaro akadzora
kumhanya kwaaiita achibva amisa mota kwave
kutora nhare yake zvese ne bag remari haana
kusiya. Akadzima ma lights emota yake akasiya
ichi indicator ndokubuda kupinda musango
zvisina akaona.
Akatanga kumhanya murima imomo apa muri
musango akananga kugomo. Asvika pagomo
akakwira pamusoro zvishoma ayiitira kuona
zvese zvaizoitika kana zvichinzi vamutevera.
Machinda aGZ akamira akaona mota yaiuya asi
akazoona yamira ikatanga kuindiketa
isingachafambi. Pavakaona zvadaro vakatanga
kufamba netsoka vachimhanya vari mumativi
emugwagwa. Vachisvika paiva nemota vana GZ
navo vachisvikawo nedzavo ndokuwana iri
mota chete munhu musina. "Ko munhu wacho
aripi?" Akabvunza GZ achifamba famba
sabhiridha apererwa nedhaka. Vachengeti vake
nekutya kuurawa vese vakaramba vakanyarara
vaiziva kuti angotanga kupindura akangoirasa
pake paizomuperera. "Imi hamusi kunzwa here
kuti ndiri kubvunza?" Akadaro GZ achikoka pfuti
yake kuda kuishandisa ane kamwe kakuda
kuratidza Jekeleza kuti mushandi kana atadza
basa anoitwa sei? Asi akazo dzikama mushure
mekunge anzwa Jekeleza otaura.
"Ayewa wangu apa hapadi hasha tikadaro
hatina kwatoenda tinomushaya munhu uyu."
Akadaro jekeleza achifamba kuenda kwanga
kunemumwe wake. "Varume ndiudzei
matambwa ipi nemunhu uyu?" Akabvunza
Jekeleza.
"Hameno kuti ationa here kana kuti haana
tangoona mota yamira iyi tikafungidzira kuti
angava ariye ndipo patafamba kuuya pano
tikawana asimo asi maitiro acho anenge
ananga mativi aya" akadaro mumwe
wemachinda aGZ anga agarire Saseka.
"Hapana chekumirira varume pindai musango
mubate munhu uyu haana kwaanoenda
musango umo. Teverai mudzoke naye pano"
akadaro Jekeleza ndiye ainge otaura anga aona
kuti mumwe wake anenge ane kufunga
kwakanyanya. Vakapinda musango varume
vese nehuwandu hwavo GZ na Jekeleza
vakasara mumota vakagara.
Saseka ari mugomo akaona matorch achiuya
kugomo kwaanga ari ndokuziva kuti ave
kuvhimwa. Akadzika mugomo ndokuti chitsoka
ndibereke akapesvaira nesango akananga
kwaaisaona, kwaaisaziva foni yake anga
akaidzima aisada kufonerwa. Sango ranga
rapindwa na Saseka nekwaanga achienda
aisakuziva ende kuti kwaanoenda kunevanhu
aisaziva chake aisada kuti abatwe nemhondi
idzi chete.
Iwo machinda apinda musango akatsvaka
gomo rese vakamushaya. Nguva dzakafamba
varimo musango, vakuru vavo vaifona
vachibvunza asi vaingovaudza kuti hapana
munhu wavati vawana vakanzi vadzoke vaizoita
rimwe zano. Vadzoka Jekeleza akatorana
nevake akaenda kwake GZ akaitawo zvimwezvo,
akasvika kumba nekurara akamirira zuva
ramangwana. Kuchiedza akamuka kuseni seni
zuva risati rabuda akafonera mukuru
wemapurisa akamudza kuti kana vakaona
Saseka kana kamupfana chuvu ngavaite zano
rekuti kasapinda mudare. Iye akaudzwa kuti
ngaatume vanhu vake pamwe nemunhu
aizoenda kunomira saiye. Akaita sekudaro
zvakafamba sekuronga kwaanga aita zano rake
rakazobudirira apo vana Chama vakazonzi
vavharirwe, kutongwa kwese kwavakaitwa
aizviona paTV akanyemwerera paakaona
abudirira.
Akazviudza kuti hapana paaizotsvakana
nevanhu vatiza ava sezvo munhu waainyanya
kutyira aiva Chamavhudzi kwete Chuvukelo
akaona kachiri kacheche, akazviudza kuti
pakaizouya koda zvehondo aizotangira ipapo.
Kamudhara kaye pakakapedza basa rakanga
kapihwa kakadzoka kakarodza maoko kuti
kanopihwa mari naGZ. Kasvika pamba
kakatambirwa zvakanaka kakanzi kapinde
mumba, kakapinda kakagara mu sitting room.
"Wagona basa mudhara saka wati ndokupa
marii apa?" Akabvunza GZ achiratidza kufara
pachiso chake.
"Ingondipai yakafanana neyazuro" kakadaro.
"Oky ishoma iyoyo rega ndikupe yandoda"
akadaro GZ. Aisaziva kuti safe yake yanga
yapindirwa negudo guru iro rakaita kukumba
yese. Akanopinda muroom make akananga
paka safe akasvikovhura avhura akawana
ruvara chete. Akazvipukuta maziso kuda
kunyatsoona asi akaona zvimwezvo kuti mari
hamuna ndipo paakafunga kuti mari yainzi yaiva
na Saseka ndiyo yake yaanga atora.
Akazviwisira pabed pamwe nekunyarara.....
End of Chapter
Chapter 18
Jekeleza paakapesana nemumwe wake vabva
kunotsvaka Saseka akaudza mutyairi wemota
yake kuti anange ku club uko kwavanga vasiya
jinda rake Tabwera. Vakatora nguva
yakakodzera kusvika ikoko vasvika vakawana
akagara achibwaira bwaira semuroi aedzerwa.
Anga asingachazivi zvekuita nekuda kwaSaseka
uyo anga amutamba. Paakamuka kubva kutsi
kwehope dzedrug raanga amwa, monya riye
ranga richiripo saka parakaona amuka rakabva
raenda paari rikamuudza zvanga zvaitika zvese
nekusvikirwa kwaakaitwa akarohwa akasanzwa.
Paakaudzwa zvese izvozvo ndipo paakaziva
kuti anga atambwa 10-0 nemusikana wekunaka
waanga ada kuti ave wake.
Aziva zvese izvi akachitanga kufunga kuti ainge
amboudzwa kuti munhu iyeye ngaasamusiya
achibuda pamba nekuti ari kutsvakwa. Afunga
izvi ndipo paakapepuka akashaya kuti ainge
ambobatwa nei chakaita kuti abvume kubuda
na Saseka kuenda naye kwese uku?
Chimwe chinhu chaainge otya mukuru wake
kuti achazodii kana achinge amuwana paari
asisina munhu waanga anzi asamusiya
achibuda? Achiri mukunetsana nepfungwa
dzake ndipo pakabva pasvika jekeleza anova
iye mukuru wake nemamwe machinda ake.
"Simuka tiende unozorora" akadaro jekeleza.
Mashoko anga asina kutarisirwa na Tabwera
iwayo, akasimuka ndokufamba
vakatungamidzana kunopinda mumota akanzi
apinde agare kumashure nemukuru wake.
Vakafamba vachiita nyaya dzisiri dzezvaitika
jekeleza aida kuzobvunza mushandi wake
mangwana acho anyatsodzamisa pfungwa.
Vakasvika nekurara mangwana kuchiedza
vakasangana ku meeting room. Vamwe vese
vakaudzwa basa ravaifanirwa kuita vese
vakanzi vabude umwe neumwe akananga
kwake.
Vakasara vari vaviri jekeleza na Tabwe.
"Zvawakaita nezuro hazviitwi Tabwe chii
chakaitika kuti usvike pakunyengedzwa na
dherira ini ndakuudza kuti usamuchenesa?"
Akabvunza mukuru.
"Ini handitozivi chakaita kuti ndibvume kudaro"
akarondedzera zvese zvakaita kuti abvume
zvinova zvaakanyengedzwa nazvo na Saseka
zvekuti akati arikunotenga ma piritsi apedza
kudaro akabva ati "Saka ndakafunga kuti
zvimwe anogona kunge ari mapiritsi ebp nekuti
munhu wacho airatidza kuti ane zvaaifunga
mondiregerera mukuru handioni zvikazoitika
futi" akadaro Tabwe.
Kwaingova kukumbirawo ruregerero kwekuda
kunzi agozonzi akakumbira hake asi ayiziva
mutongo wemhosva yake kuti irufu. Aiziva kuti
chero zvidini ndiro rainge rava zuva rake
rekupedzisira rekufema mweya wehupenyu uho
wakatanga kuva pana sekuru vedu Adam chero
hazvo vakazokurirwa nemukadzi uyo
akanyengerwa nenyoka vakadya muchero
wepakati pemunda. Zvakazviratidza kuti
vakadzi ndivo vega vanokwanisa kutumwa na
Satan kuti vasiye munhu wechirume asare ari
parumananzombe. Ndozvimwechete zvakaitwa
Samson akanyengerwa na dherira akagera
bvudzi rinova iro raimupa simba. Vakawanda
vakanyengerwa nevakadzi munhu akakwanisa
kukunda muyedzo kubva kumukadzi ndijosefa
pamwe na jobho vamwe vese vazhinji
vakakurirwa.
Ndizvo zvainge zvaitwa Tabwera anga asiiwa
parumananzombe nekuda kwemukadzi ainzi
Saseka, akatoona rwave rufu rwake paakaona
vamwe vese vachinzi vabude kuenda kumabasa
iye achinzi asare.
Saseka Mulungu arimo musango husiku hwese
hwakapera achifamba asingasviki kwaaienda.
Akaita rombo rakaipa apo akasangana
neshamwari dzine moyo isina tsitsi idzo
dzakamuperekedza kwaaienda asingakuzivi
dzichiita kumusvezva ropa kusvika kwanoedza
ndipo padzakamuti chisarai mega vatete
mamboti batsira neropa renyu tatave nenguva.
Nhunga idzodzo dzaisava netsitsi
dzakamuruma kusvika aneta kuzvirova iri nzira
yekudzidzinga, kwaiva kunzvenga dombo
raposherwa rikadonha parodonha onzvenga,
ndozvaayiita. Kwakaedza achingofamba
musikana akambofunga kuti zvimwe anganzwa
kurira kwemachongwe azowana kunanga ikoko
asi hapana jongwe raakanzwa.
Kwachena akatarisa kwaanga achienda kwave
kuona gomo ranga richionekwa nechemberi
kuti rine chinhu chichena pamusoro paro.
Akatarisa kumashure ndokuona zvakare kuine
gomo akaziva kuti ndiko kwaanga abva saka
akabva ananga iro raiva nechichena kumusoro.
Akamboedza kufamba asi akanzwa ave
kuremerwa nemakumbo zvese nemaziso.
Akabva afunga kurara, akarara akatsamhira
mari yake iyo inova yanga yomuremera. Akarara
kudaro pane vanhu vakasvika asi vaisava vanhu
chaivo vanova vanhu vakafanana nemi muri
kuverenga nyaya iyi. Vanhu ivavo vanga vari
vaviri vaine mazino akatesvera kumativi
seeShumba. Vasvika havana kuda kumupa
nguva yekubatanidza vakamubata kwave
kumusunga muoko zvese nemakumbo kwave
kumutakura kuenda naye kumba kwavo idzo
dzaiva pasi pevhu semba yemajuru.
Vave mukati vakanomukanda muroom make
ega kwave kumuvhariramo vachibva vabuda
panze. Akanzwa voita nyaya vachiseka vanhu
vacho asi zvaitaurwa aisazvinzwa nekuti
chirudzi chacho chaisava chaicho chakafanana
nechake chaainzwa. Ainzwa kunhuwira
kwenyama yanga ichigochwa kunze ikoko
musiri muroom maanga ari. Bvudzi rake
rakamira zviye zvinoitika kazhinji kana munhu
uchinge wasvika panzvimbo inorema. Mushure
mekanguva akanzwa kwanyararwa zvaidudzira
kuti hapana munhu padhuze. Pfungwa yekuda
kubuda yakamubata mwana sikana akatanga
kuikwetsura mhere achirova mudhuri.
kwakabva kwauya mukadzi ndiye anga ari
pedyo akasvika achinyenama nyenama uku
mazino azere ropa kureva kuti aidya nyama.
akasvika akataura zvisina kunzwikwa naSaseka
futi asi akagutsurira musoro seanzwa. Mukadzi
uye akabva abuda ndokuzodzoka akabata kapu
yaiva nemvura ndokuvhura achibva apinda nayo.
Paakati koda kumumwisa akairasa haana
kuziva kuti ainge atambira kunonyudza.
akahedwa mazino iwayo ese apamberi achinoti
wararaaaa pasi ropa richitevera, zvadaro
akakwakuka akasungwa kudaro maoko
nemakumbo ndokunononga zino rimwechete
rinova iro raakashandisa kucheka gavi ranga
rakamusunga mumakumbo. Changa chasara
nderaiva mumaoko akabva afamba kunanga
pamusuwo apo paakasviko kwizira padanda
raivapo gavi richidambuka akazohwa abatwa
huro nemai iye yaita zvekukwakukira
yikamumana muchiuno zvese nehuro.
Yakava kikiri kikiri mumba imomo Saseka
akaedza kuda kubvisa mai iyi asi akakatadza
paakanzwa oita seopererwa nemweya akabva
anyepedzera kuita seafa pamwe nekuzviwisira
pasi. Ndipo paakaregedzwa, zvadaro akabva
akosora pamwe nekukwevera mweya mukati.
mai iye yanzwa zvadaro yakaona kuti yainge
yisina kutora mweya, payakati yoda kujambira
yakatambidzwa bhutsu yezera rayo
yichinorovera mudhuri payakati yoda kudzoka
yakabva yatambidzwa imwe nechepamutsiba
yichibva yadhakwa. Akaenda payaiva
ndokuyibata huro kwave kuyityora nekuyikanda
pasi.
Yainge yadyevhu mai iyi munhu kufa senjiva.
Apedza kudaro akatakura bag rake kwave
kunyahwaira kubuda. Achinosvika pamukova
obuda akaona murume wamai iye ouya
achifambisa uku akasenga huni. Zvaidudzira
kuti paakanzwa vasingacha tauri murume anga
abuda kunotsvaka huni yekuda kuzogocha
nyaya iri fresh kureva yake Saseka. Saka
paanga odzoka murume ndipo paakasangana
nenyama yake yava kubuda kuda kutiza.
Saseka pakaona murume achiuya haana kuda
kutiza akazviudza kuti kwaanga anguri
apukunyuka kurefu saka akazvipira kufa
nekurarama. Murume uye achisvika uku masiriri
achidonha akakanda huni pasi ndokunanga
nyama yake uku akabata bhemba.
Vakasangana vaviri murume paakaposhera
bhemba kuti ateme akabva anzvengwa pamwe
nekubatwa rwuoko irworwo rwuchino
monyororwa rwuchino regedza bhemba pasi.
Haana kutora nguva yakareba Saseka kutora
hupenyu hwekamu vampire aka akanhunga
bhemba riye achinotenderera sure kwekamu
vampire akajamba nekukahaka huro pamwe
nekucheka uro musoro uchinowira kwakadaro.
Apedza kwave kukanda bhemba pasi pamwe
nekutakura bag remari yake kwavekubuda
akananga kwaaisaziva zvakare.
Akapindana naro sango akafamba kusvika zuva
radoka asina kusvika kwaari kuenda. Husiku
hwese achifamba achizorora, mangwana
kwaedza ndizvozvo futi akafamba kusvika
kwavira asati asvika kunhu kune vanhu. Husiku
hwese akafamba achizorora futi kwave
kunoedza nguva dziri kuma4 akanzwa kurira
kwemachomwe kumativi ekwaanga akananga.
Hushingi hwakauya maari akafamba akananga
ikoko asi nzara nenyota ndizvo zvainge
zvomurwadza ukuwo nhunga ndizvozvo dzakati
hadzisi kumira kumuperekedza muviri wese
wanga wazara mapundu chete ari ekudyiwa
nenhunga.
Kwaedza kwachena ave pedyo kusvika apa
ainge ofamba zvishoma nezvishoma. Akanzwa
ruzha rwevanhu vairwa sezvinoita maChina
zviye, akafamba kuenda ikoko apa anga
ozviudza kuti chese chauya chaizoitika nekuti
Simba rekurwa ayinge asisina. Paakaona kuti
vanhu vaviri vanenge vari kudzidzisana kurwa
avo simba rakabva rapera rekufamba achibva
awira pasi. Ndipo apo paakaonekwa na
Chuvukelo pamwe na Sekuru vake avo
vakamhanya kuenda paanga ari vakawana
achifemera kure kure uku akabata bag ravasina
kuziva kuti rinei.
"Muzukuru tototakura munhu uyu toenda naye
iwewe ndiwe uchamubereka ndiwe uchiri
nesimba" vakadaro sekuru. Chuvu akati "ehoyi"
vakabatirana Chuvukelo ndiye akamira
kumakumbo kuti aberekeswe. Hameno
chakaita kuti acheuke kuti aone kumeso
kwemunhu waaida kubereka apo paakazoona
ari Saseka akabva ati "Ayewa sekuru munhu
uyu imhondi musamubata arikutevera inini"
akadaro Chuvukelo achibva pedyo naye uku
achiringa mativi ese kutsvaka kuti hakuna
vanhu vakahwandira here.
End of Chapter
Chapter 19
Ainge onzwa tsitsi Chamavhudzi akagara
mugumba kumba vakamirira mutyairi wemota
yaro kuti vaende kujeri. Aiti akatarisa chiremba
ovanzwira tsitsi nekuti vanga vofira isiri yawo
vakaitwa wegwenzi kubatanidzwa neshuro. Asi
painge pasisina chekuita nekuti njema dzanga
dzakavasunga hapana aizokwanisa
kudzisinungura. Uye gonhi re gumba kumba
racho hapana zvavaizoriita kunyangwe dai
vakagona kubvisa njema kuti vatize.
Nguva yakakwana yekuti vachienda kujeri apo
vasungwa vanga vanzi vachiri padare vese
hapana akadzoka vainge vabudirira pamhosva
dzavo. Raka tyairwa gumba kumba rakananga
kujeri zvaitove pachena kuti ndiko kwainge
kwava kuvharirwa kwevarume vatatu ava ende
havaisazobuda kana vasina kufa. Vasvika
mujeri vakapindwa navo zvese zvinoitwa
vachangopinda zvakaitwa vachibva vanzi
vapinde mukati.
Vapinda vakaonewa nemamwe mabhanditi aiva
mukatiwo. Iwo paakaona Chama kuti adzoka
kwakanzwikwa ruzha vanhu vachidanidzira
"Chama Chama Chama Chama" zvese
nemiridzo ichirira zvaidudzira kuti aizivikamwa
zvakanyanya mujeri umu. Iye anga angori zii
hake akabata magumbezi ake pamwe
nezvekugezesa kumashure kwake kuchitevera
vachengeti vetirongo. Vakanosiiwa kumacell
avo vese anova iwo avaizorara, kugezera zvese
imomo.
Kumba kwachiremba mai chiremba vakaita
mazuva vasingaoni murume wavo zvinova
zvakava shamisa kuti chingava chii chainge
chaitika kumumwe wavo? Vaiedza kufona zuva
rega rega rakasikwa namwari asi nhare
yemurume wavo yaisapinda. Vakasvika
pakufunga kuenda kune vemutemo uko
kwavakasviko udzwa mashoko akavarwadza
ekuti murume wavo akasungwa nenyaya yekuti
vakawanikwa vari mumba yemhondi saka
yavawo mhondi. Mai chiremba havana
kuzvichenesa nekuti murume wavo vaiziva basa
rake uye vakakwana panhau dzemapepa ebasa
ravo saka vakabva vafunga kuenda kunoona
murume wavo kujeri iri nzira yekuda
kunonzwisisa.
Vakabva kukamba vakadzoka kumba kwavo
uko kwavakanorara husiku humwechete
ndokuzofuma mangwana vakananga kujeri.
Vakatora nguva yakakodzera kuti vange vasvika.
Vasvika vakakumbira mvumo yekuti vanoona
murume wavo, izvo zvagara hapana
pavaizorambidzwa. Vakanodaidzwa chiremba
vakauya muroom umo mavaizotaura
nemudzimai wavo panhare iye yakafanana
neyeruzhinji. Mai chiremba vachiona murume
wavo misodzi yakabva yatanga kuerera
vaimuda murume wavo kana vomuona
akapfeka hembe dzechibhanditi iye
ayisimbopfeka masutu zvakavarwadza kusvika
pakusvima misodzi.
"Usacheme hako maimwana zvawauya kudai
zvanaka ndochikuudza zvekuita kuti ndiwane
kubuda muno" vakadaro chiremba.
Vakanyaradza mudzimai wavo kusvika anyarara
ndipo pavakazotaura nyaya yakaitika yese
vapedza ndokuti kwavari.
"Uchibva pano ndinoda unopinda muroom
medu utore makey ari mu wardrobe
andakaturika mukona. Utonyatsotarisa
unogona kusamaona, wamawana unopinda mu
spare room. Uzviite manheru wakadzima ma
lights ndokuti uone.
Utarise pamadziro neche kudivi kune mukova
uchaona chinhu chichange chichilighter
zvitsvuku. Kana wachiona woenda pachiri
wosvika woita seunoda kuchibata chichabaka
manumber. Wadaro wochibaya gore
rawakazvarwa kana chavhura tora bepa ririmo
imomo uchaona bepa rakanyorwa
zvandakanyora usaverenga zvakawanda iwe
chako tora number dzirimo ufone ipapo munhu
wauchataura naye ndiye achaita kuti ndibude
iwe chako kumuudza kuti ini ndiri mujeri.
Zvimwe zvese zvichada mari zvichazviita
zvega"
Vakadaro chiremba chakaririra munzeve
mukadzi akazvinzwira ega havana zvakawanda
zvavakazotaura. Mukadzi akabuda kudzoka
kwaanga abva akasvika kumba nguva ichipo
sezvo anga abva makuseni uye aine yake
motokari. Munongozivawo vanhu vechikadzi
kuda zvinhu anga audzwa kuti ngaatsvake
chinhu chaaudzwa ari manheru. Iye tsvee
achingosvika mumba room yaakatanga kupinda
ndiyoyo. Akaita seacha tara tara imba yese
nebanga achitsvaka chinhu chaanzi atsvake
manheru.
Mudhara uye wekutumwa na GZ, paakanzi mari
yaataura ishoma arikuzopihwa yakawanda
akasara achiita kunyemwerera uku
achikwenyera maoko ayo anga ososonera mari
yaanga anzi achapihwa. Akagara kwekanguva
arimo muimba yekugara pasina GZ abuda. Kuti
iye atevere zvaisaita saka akabva atsvaka
vashandi vake achibva awana Chivhuna.
"Uri sei mwanangu? Ko imbotarisa boss vedu
mumba mavo undibvunzirewo kuti zvobudirira
here? Ndavekuda kuenda ndine kwandiri
kumhanyira," akadaro mudhara uye.
"Haaah mudhara munomhanyirepi semune
vana vacheche nezera ramuri iroro? Ambotora
nguva yakareba seiko apinda mumba macho?"
Akabvunza Chivhuna.
"Pave nenguva mwanangu chimboendamo
unondibvunzirawo" akadaro mudhara uye.
Chivhuna haana kuzoda kuramba achiomesa
musoro nekubvunza zvakawanda. Akafamba
kunopinda muroom ya GZ apo akagogodza asi
hapana akadaira. Akasvika pakuzvivhurira
omene opinda ndokuwana mukuru wake akati
rabada asinga zungunuke. Ndipo paakabva
asvikomumutsa asi haana kumuka pfungwa
dzake dzakamuudza kuti pamwe arwara saka
akabva afonera chiremba wake uyo akaita
nguva diki kuti asvike panzvimbo.
Mudhara uye akamboudzwa kuti amboenda
kumba aizodzoka asi akaramba akati aizoenda
GZ amuka. Chiremba vasvika vakaita basa ravo
vega asi vakaona kuti hapana chimuko zvaitoda
kuti vamusenge kuenda naye kuchipatara chavo
pasina izvozvo vakaona kuti aizofa. Vakaudza
vachengeti kuti vamuise mumota vaende naye.
Zvese zvakaitwa nenguva diki vachibva vabuda
chiremba kudzokera kumba kwavo.
Sekuru va Chuvu mushure mekunge vanzwa
kuti munhu wavanga vachida kubatsira imhondi
vakabva vamuregedza kwave kutora bag
raanga anaro ndokurivhura kwave kuwana
muine zvuru zvemazana emadhora
akamonerwa nerekeni. Vakaona mari yacho
isinga verengeki kwave kuidzosera ndokuti
kumuzukuru wavo. "Uri kuti imhondi mwana uyu
unehumbowo here muzukuru?" Vakabvunza
sekuru.
"Hongu atouya kudai anogona kunge atori
nevanhu vaanavo varikutevera kumashure
vakangowana inini chete vanosiya tese taparara
pano" akadaro Chuvu. Sekuru vakabva
vadzungudza musoro kwave kuzoringa mativi
ese havana munhu wavakaona. "Kana
zvakadaro muzukuru tatofa zvee nekuti
zvaasvika pano kana varipo vari kumutevera
haaa vatosvika uye vatoziva pauri.
Chinzwa zvatoita zvandiri kuona pamunhu uyu
anenge akaneta kwaabva kurefu ende anenge
anenyota zvese nenzara. Hino handingasiyi
munhu achifira muraini rangu ngozi inorwadza
kuripa munhu wausina kuuraya saka zvatotoita
pano iwe bereka munhu zvandakuudza
timubatsire kana kuri kufa inenge iringuva
muzukuru tese tichafa chinhu chakakosha
rubatsiro rwuchatendwa nedenga iye chero
akasatitenda." Vakadaro sekuru Chuvu
akaramba chaiko.
"Kungoti sekuru hamuzivi huipi huri mumunhu
uyu dai maiziva musingatauri kudaro. Ini hangu
kubereka mhondi handidi" akadaro Chuvu obva
paiva nasekuru vake ofamba kudzokera
kwaaidzidzisirwa kurwa. Sekuru vakasara
vakamira vakacherechedza saseka apo
pavakazoona rupaho rwakafanana rerwekwavo
nechepahuro. Vakatumba ndokubata saseka
vakanyatsotarisa kwave kuona rwakafanana
nerwekwavo. Vakabva vadeedza Chuvu ipapo
ipapo "Chuvukelo dzoka huya pano uone
muzukuru wangu" vakadaro.
"Kana zviri zvemunhu iyeye sekuru
mondiregerera handikwanisi" akadaro Chuvu.
Vakamunyengerera kusvika adzoka achisvika
vakabva vati atumbe nayewo zvavanga vakaita
vachibva vamubata pahuro nechepazasi
penzeve.
"Muzukuru tarisa pazasi penzeve yangu apa
nechepahuro kumashure undiudze kuti
waonei?" Vakadaro sekuru ivo zvavanga vaona
pana saseka zvaiva zvimwezvo zvavanga vaona
pana Chuvu. Iye Chuvu akasimuka ndokutarisa
paanga anzi atarise akaona zvaanga aona.
"Ndaona vara dema makaita sei ipapa?"
Akabvunza Chuvu. Ivo vachibva vati kwaari
"Hauna chawati waziva muzukuru uchiri mudiki
baba vako vanga vasina kukuudza handi?
Hazvina mhosva uchaziva. Chionaka muzukuru
handi waona vara pahuro pangu chitarisa
munhu wauri kuti imhandu yako pahuro uone
zviripo" vakadaro sekuru. Akatarisa Chuvu
ndokuona zviri zvimwezvo zvaanga aona pana
sekuru vake. Saseka anga ane vara rakafanana
neraSekuru zvese nerake.
"Zvinorevei izvozvi nhai sekuru?" Akabvunza.
"Handina chandingaku rondedzera parizvino
bereka munhu uyu tiende naye kumba ndinoda
andiudze vabereki vake chete nekuti ndine
zvandiri kufungidzira" vakadaro sekuru
vachitarisa kudenga sevari kuona ngirozi
magadharina. Chuvu haana kuzoda kuramba
achiramba ainge onzwira Sekuru vake tsitsi uye
nayewo anga ava nezvaanga onzwa maari kuti
pane nyaya hombe inotoda mudzimu unoyera.
Vakatakurana na Saseka chuvu achifamba kuita
seasina kubereka munhu.
Vakatora nguva diki yaikodzera kuti vange
vasvika kuchivanze. Vakasvikomu radzika
muimba yaSekuru iye ine zvombo zvekurwa
"Mhanya enda unochera mvura yekumwa
udeedze nagogo vako vauye kuno" vakadaro
sekuru ivo vakasara vakaisa Saseka
pamakumbo avo vakamusimudzira mutsiba
kuti asanyanya kuurembedza. Chuvu
akamhanya akasvikoudza gogo vake zvaanga
atumwa iye kwave kuchera mvura nekudzoka
kumba kwaanga asiya sekuru. Achisvika
vakatambira mvura iye vakamwa vakaifunda
kwave kuzoita zvekuisvipira mukamwa
maSaseka. Havana kumumwisa yakanyanya
kuwanda gogo vainge vapinda mumba muye
"Ko aita sei nhai Masingita mukati rwendo
rwuno kwakanaka haasi mashura iwaya
mamuwanepi murungu uyu?" Vakabvunza gogo
uku vanga vakabata katsvimbo kavo
kavaifamba nako.
"Tinototambira zviripo maimwana ndakudeedza
kuti ubike bota tidyise mwana uyu anenge
abatwa nenzara. Woudza muroora osanobika
sadza nederere kana iwe paunopedza kubika
bota iye ngaave apedzawo kubika derere
tibatsire mwana uyu. Wozviita nekukasika."
Vakadaro sekuru.
Gogo vakangoti"ehoi" ndokubuda kunoita
zvavatumwa asi vainge vava nekutya mavari
moyo wavo waivaudza kuti panenge pane
zvichaitika chete nekuti vaiziva kuti nzvimbo
yacho izere zvikara saka vaifunga kuti Saseka
anogona ane vanhu vaatiza vachamutevera
pamba apa. Vakatora nguva yakakodzera bota
rainge raibva kwave kuenda naro vakaita
zvekumumwira semvura. Akatora nguva
yakakodzera Saseka ainge obwaira bwaira
kuratidza kuti ainge onzwa kuchinja maari uku
ziya richibuda semunhu anga adirwa mvura.
"Muzukuru enda unoudza mudzimai wako
akupe sadza raabika uuye naro munhu adye
uyu" vakadaro sekuru. Akamhanya chuvu
akanotora sadza nederere zvainge zvatoibva.
Vakamudyisa zvakare kusvika aguta akazotaura
kuti ainge aguta achigara pasi ega. Nyaya
yanga yachisara pakuti vamubvunze kuti
vabereki vake varipi uye vari vanaani?
End of Chapter
Last Free Chapter
(20)
Jekeleza mushure mekunge akumbirwa
ruregerero na Tabwera akamboita kanguva
akanyarara uku akatarisa mushandi wake
kumeso neziso rine huipi mukati. Ndokubudisa
pfuti yake kwave kutora bara rimwe chete
muhomwe make akariisa mupfuti pamwe
nekuyikoka. Panga pasina kuti aizodii uyo
ndiwo waitova mutongo wake kutora hupenyu
hweatadza kuita basa nemazvo.
"Kana ndikakuregerera zvinozokanganisa basa
rangu vamwe vonozoitawo" akadaro Jekeleza
onongedza Tabwera bara paakada kuregedzera
akabva ashanyirwa nengirozi mai Maria avo
vakabva vamushongedza tsitsi ndobva anzwa
kuda kumuregerera.
"Ndazofunga zvakanaka handichakutongeri rufu
ndokusiya toshanda sekushanda kwataiita. Asi
usazviita futi izvi zvinodzosa basa kumashura
tarisa ikohino munhu uye atiza ende
hatichamuwani anogona kutisungisa tese
hapana anoziva zvaari kuronga kwaatizira ikoko.
Saka anofanirwa kutovhimiwa kusvika
awanikwa" akadaro Jekeleza.
"Enda unoshanda nevamwe ndiwe mukuru
zama kuterera zvandotaura ndokuti vari pasi
pako vakuterere" akadaro zvakare Jekeleza.
Ndiwo maponero akazoita Tabwera midzimu
yake haina kumurasa yakamuchengeta.
Akazoenda kunoshanda nevamwe semazuva
ese. Jekeleza basa rake ranga rakati fananei
nera GZ asi iye anga anerimwe rayiita kuti
awane mari zviri pamutemo asi zviine
humbavha mukati. Rakaita serekugadzira mota
nekubvisa ma tracker edzavanenge vaba
pamwe nekudzichinja ma colour. Na GZ
vaizosangana kunerimwe basa ravaisada kuti
rizivikanwe nevakawanda kuti ringava iro
ravanoshanda.
Mukupindana kwenguva, dzati fambei zuva
rorereka kuenda kuna amai varo. Jekeleza ari
mu office make akanzwa nhare yake ichirira
achibva adaira. Afona wacho akataura.
"Maswera sei mukuru? Kuno hatina kuswera
nekuda kwaboss GZ vatakurwa pano masikati
nachiremba wavo vanenge varwara hameno
chavari kunzwa" akadaro munhu aifona wacho
aiva Chivhuna.
"Zvatanga nguvai chii chaitika GZ haangorwari
zvenhando ka uyo mamuitei?" Akabvunza
Jekeleza.
"Handina chandiri kuziva zvoda mufonere
chiremba munzwe kuti dambudziko riripapi?"
Akadaro Chivhu.
"Nditumira number dzake pa email izvezvi
ndifone ndinzwe dambudziko" akadaro
Jekeleza achidambura nhare yake. Pasina
nguva yakareba message yaChivhu yakapinda
ye number dzachiremba va GZ.
Chiremba va GZ vachingosvika kuchipatara
kwavo vakasvikoita basa ravo zveunyanzwi
hwavo. Mushure mema minutes akakwana
kuita iwo zana GZ akabva amuka akashamisika
kuona akarara pabed raaisaziva akatarisa tarisa
ndokuona muine musikana aivamo akapfeka
hembe chena. "Ndiwe ani iwewe?" Akabvunza.
Musikana uye akacheuka nayewo ndipo
paakaona kuti murwere wake amuka.
Haana zvaakataura akafamba kunodana
chiremba avo vakafamba kuenda kwaaive ari.
"Mamuka sei boss GZ mave kunzwa sei?"
Vakabvunza chiremba. Iye ndipo paakaziva kuti
ari kuchipatara chachiremba wake. Haana
kupindura ipapo akambonyarara kwekanguva
achifunga zvainge zvaitika ndipo
paakazorangarira kuti paakashaya mari yake
mumba make ndopaasina kuzoziva zvakaitika
mberi ndobva ati.
"Ndiwe ungatondiudza zvaitika. Chii chaita
ndive pano?" Akabvunza.
Chiremba vakabva varondedzera sekuudzwa
kwavanga vaitwa na Chivhu ndokuzopedzisira
nekuti "Ndazofunga kuuya nemi pano nekuti
ndanga ndisina zvikwanisiro zvekukurapai. Saka
pandauya nemi pano ndaona kuti munenge
mune chinhu chanyanya kukurwadzai chinova
icho chaida kuita kuti mupararirwe nehupenyu
hwenyu.
Itondiudzai chiiko chaitika chaita zvidaro?"
Vakabvunza chiremba.
"Hapana nyaya apa ndiri boe ini ndidzose
kumba waita basa. Wondiudza mari yaunoda
ndozokutumira ne bank. Parizvino kana une
zvaurikuda pandiri ndiudze" akadaro GZ kwaive
kuzvisimbisa pamwe nekusada kuzivikanwa
matambudziko ake. Chiremba vakamuti hapana
nyaya asi vakati vatange vamutarisa bp yake
vakaona ichiri yakakwira kwave kumupa
mapiritsi nekumuudza zvinhu zvaanofanirwa
kudya kuti idzire. Vapedza kudaro vave kuda
kumudzosa kumba foni yavo yakabva yarira
vakadaira aiva Jekeleza anga ofona.
"Ave sei GZ chiremba?" Akabvunza. Chiremba
semunhu anga asina kucheneserwa
dambudziko vakangoti "Ari bhoo uyu tatove
munzira kudzoka kumuzinda kwake" vakadaro
chiremba. Jekeleza haana zvakawanda
zvaakazotaura akadambura nhare yake aiziva
kuti achazotaura nemumwe wake. Chiremba
vakanosiya GZ kumba kwake vachibva
vamusiira account yavo paaizotumira mari yavo.
Iye achisvika pamba akawana mudhara uye
aripo akagara nevashandi vake vachiita nyaya.
Kusvika kwaakaita pakaita sepasvika shumba
vanhu vese vakasimuka vakamira iye achibva
ati.
"Mudhara iwewe une bank here?" Akabvunza.
"Ayewa handina boss mamatii?"
"Kana usina bank chimboenda kumba kwako
ndichakufonera wouya wotora mari yako
parizvino handina mari mumba" akadaro GZ.
Kamudhara kaye kakabva kati "Asi ndapedza
basa ndota..." Kasati kapedza kutaura GZ
akatora pfuti yaiva muchiuno ma Chivhura
ndokuti kwakari "Handina kuti handidi nemari
yako wanzwa? Kana uchiri kuda kufema buda
uyende izvezvi ndichakufonera" akadaro GZ
nenzwi raiva pamusoro. Akasaropedza kutaura
mudhara anyorovedza bhurukwa kudhara ave
kumukova kubuda kuenda haana kumbocheuka.
Vashandi vake ndivo vakasara vese vashoma
ivavo vaiva pamuzinda. "Varume nyaya iripano
ndeiyi, hongu Chama akavharirwa asi
dambudziko ravapo munhu wandakatumidza
zita rekuti Saseka Mulungu anova iye musikana
wandati mumutsvake uye.
Munhu uya asiya andigadzirira marwadzo
asingapfuuri. Mari yese yaiva mumba mangu
akatora yese apa akatora nebook rine ma
secrets angu ese. Saka hapasina kumira mushe
uyu munhu anoda kutsvakwa kusvika awanikwa.
Mukaona taita mwedzi inokwana kuita mishanu
tisati tamuwana uye pasina zvaitika ndipo
patichamira kumutsvaka asi anomuwana chero
yapfuura ngaamubate auye naye pano a ofanira
kudyevhu" akadaro GZ.
"Saka tinenge tisingachashandi here toita
zvekutsvaka Saseka chete?" Akabvunza
Chivhuna.
"Ayewa tinenge tichishanda vamwe vachitsvaka
munhu. Kutsvaka kwandiri kureva ndekuye
kunoitwa nema CID ndofunga munokuziva imi.
Momutsvaka muma dhorobha matatu aya
muno muZilonga, MuVhumani pamwe
nekuChilombo. Ndiko kwega kwaangatizira
ikoko kwaanoziva" akadaro GZ. Vakatenderana
nevanhu vake akavaudza kuti ngavatange chero
upi musi iye achibva azoti kwavari "Ini ndinoda
kumbobuda ndinotora mari kunze kwenyika
ndokubatai ndadzoka. Iwe Chivhu upote
uchienda kuchuru unoona vakomana kana vave
kugona basa kunyanya vekarati vaye." Akadaro
GZ haana kuzogara nguva yakareba ari mu
meeting room akanopinda mumba make.
Akasviko rongedza apedza akageza akaita
zvese zvaaida ndokuzobuda akatora mota yake
iyo yainge yambotiza na Saseka. Achingobuda
foni yake yakarira aiva jekeleza anga obvunza
changa chamurwarisa. Akamuudza zvanga
zvaituka, iye jekeleza naye akabva atiwo naye
aizotuma vamwe vashandi vake vatsvake
saseka. Havana kupedza nguva vachitaura
vese pa nhare . Akatora nguva yakakodzera
kuti ave asvika ku airport akasvikotenga tikiti
rendege yaizosimuka na 6. Zvakamuitira nyore
nguva dzichikwana akakwira ndokumbururuka
akananga kunze kwenyika.
Saseka paakamuka akashamisika kuona
Chuvukelo aripamuzinda uyu akatarisa vanhu
vaivapo haana kana mumwechete waakaziva
kunze kwake asi akangonzwa kuvafarira chete.
Akazo shamisika kunzwa Chuvukelo otaura iye
anga achiziva zvichinzi haatauri "Sekuru handi
munhu wenyu amuka? Saka motoita kuti ataure
zvakaringana zvaavinga kuno nekuti ini
handisati ndamuchenesa" akadaro Chuvukelo.
Saseka achinzwa mashoko aya akabva
arangarira kuti musi wakabva Chuvukelo kumba
kwaChama haana chaakaziva chakasara
chikaitika. Haana kumirira kubvunzwa akatanga
kurondedzera zvese zvakasara zvikaitika
pamwe nekumuudza kuti Chama akasungwa
atori kumapurisa.
"Haa ndoziva sei kuti hauna kutumwa pano?
Zvekuti chama akasungwa hazvina basa
chandoda kuziva kuti iwewe sei wasvika pano?"
Akabvunza Chuvukelo. Saseka akabva
arondedzera zvanga zvakaitika zvese zvinova
izvo zvanga zvaita kuti asvike pamuzinda wavo
ndokuzopedzisa nekuti "Chinhu chandave kuda
kuita kutevera murume wangu kwaanenge ari
ndoziva kuti achatonovharirwa. Sakan ndoda
pekugara chete nekuti ini vabereki vangu
handivazivi ndongoziva zita ramai vangu chete
avo vakafa ndichiri rusvava baba handivazivi.
Kana mukandibvumidza kugara pano ndoita
zvirongwa zvangu ndichibva pano ndaona
ndichizobudirira.
Uye iwewe Chuvukelo ndinoziva kuna Sisi vako
zvese nevanhu vakauraya vabereki vako
ndovaziva zvese izvozvo ndiri kuzozvi fumura
kana zvandiri kuronga zvabudirira" akadaro
Saseka. Mashoko akaredza pfungwa dzaChuvu
kusvika pakubvuma akaona Saseka isisiri
mhandu yake ndobva ati. "Zvirongwa rudzii
zvauri kufunga zvichaita kuti ugone mhondi
idzi?" Akabvunza.
"Bag randauya naro iro rine mari isinga
verengeki saka chandiri kuda ndirikuda kuva
mupurisa wechihwande nekuti ndiri kuziva
muvengi kuti ari kushandidzana nemapurisa.
Saka ini ndikava muCID ndinoziva kuti ndinenge
ndiri pamusoro pavo." Akadaro Saseka. Vaviri
vaitaura vachinzwanana vega Sekuru nagogo
vaingonzwa kutaura chete asi zvaitaurwa
zvacho vaisazvinzwa nekuti vaitaura Shona apa
ivo vari maXangani. "Ko wadii kuti tinouraya GZ
wacho nemasahwira ake ese pasina kupedza
mari kuenda kwese ikoko uye zvichizopedza
nguva?" Akabvunza Chuvukelo.
"Iih hatibudiriri vanhu ivavo vakawandisa
vandoziva kozoti vandisingazivi saka hatinake
chandoda ini kuti ndikangova mu CID ndinenge
ndodzikamisa mapurisa chero akapihwa mari
vanenge vavekutya kusungiswa neni.
Zvekuuraya GZ tichazviita zvekunze
kwemutemo, iwe mira kuvadenha ndipedze
zvandoda kuita tozobatana totanga zvauri
kureva." Akadaro Saseka. Vaviri vakanzwanana
Chuvu achizoudza Sekuru vake zvanga
zvataurwa na Saseka zvese nekuvaudza kuti
aisaziva vabereki vake.
"Hapana chakaipa muzukuru ndine svikiro
randoziva randinoda kuti riuye pano richenese
zviri pakati pedu. Uye zvausiri kuziva baba vako
ini ndirikuona sendine hukama nababa vako.
Saka ndichasanokurapa mapundu enhunga aya
takamirira svikiro.
Iwe chuvu enda unoudza sekuru vako
vamhanye kumba kwesvikiro" vakadaro Sekuru.
Sekuru vaitaurwa nezvavo aiva munin'ina
wasekuru ava anova iye anemukadzi akanzi
abike sadza ne derere kuna sekuru vaimuti
muroora sezvo anga ari mudzimai wemunin'ina
wavo chigumaura chekumba kwavo. Nayewo
ane paaideedza mukoma wake achiti sekuru
nekuda kwekuwanda kwanga kwakaita
vazukuru pamusha pacho. Akamhanya chuvu
akanoudza sekuru vake avo vakabva vaenda
vese kundodana svikiro. Vakaita nguva diki
vakauya naro svikiro ravo iro rakasvika
richinyemwerera parakaona Saseka.
End of last Chapter
Book redu harisati rapera rave kuverengwa
nevanenge vatenga. Vanenge vatenga vacho
munoedhwa ku sub group uko kwarinenge
richiuya sekuuya kwaraiita kuma group eruzhinji.
Varikuda kutenga book please batai munyori
kutanga kunyanya vari ku Zim munyori wenyu
haana eco number imwechete ane dzakasiyana
siyana so munotanga mataura naye pa #
dzinoti +27846115388 kana +27625654545
ndipo pamunowana rubatsiro.
Kune vari kutenga parizvino kutanga musi wa
19-Nov 2020 muchange muchiritenga
nemutengo unoti. Vari kuZim 80RTGS vari kuSA
R30 Cell c Airtime. Ndiwo mutengo uripo
parizvino asi kana rapera rinenge rave kuita
100RTGS - R40. Mogara maziva izvozvo handidi
kuzonzwa kana ndakuudzai price isiri apa
mozonditi "ko paChapter 20 makati mari yakati
wani?" No garai maverenga ipapa zvandisingadi
zvacho. Ndatenda, Ndzikhesile, Ndibongile
[email protected]
#Team Phahleni M & Mun Bonza